bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Song of Solomon 1
Song of Solomon 1
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 2 →
1
Rwiyo rukuru rwaSoromoni.
2
Ŋgaandiȿete nokuȿeta kwomuromo wake; Nokuti ruɗo rwako rwakanaka kupfuʋura waini.
3
Ɀizoro ɀako ɀinonhuwira ɀakanaka; Zita rako rakaita samafuta akaɗururwa; Saka mhandara dzinokuɗa.
4
Ndikweʋere kwauri; ticakuteʋera ticimhanya; Mambo wakandiisa mudzimba dzake dzomukati; Ticafara nokukufarira ɀikuru iwe; Ticarumbidza ruɗo rwako kupfuʋura waini; Ɀakarurama ɀaʋakakuɗa.
5
Ndakaȿiɓa, asi ndakanaka haŋgu, Imi ʋakunda ʋeJerusarema, Samatente eKedari, Semiceka yakaremberedzwa yaSoromoni.
6
Musanditarira, ɀandakaȿiɓa, Nokuti zuʋa rakandipisa. Ʋanakomana ʋamai ʋaŋgu ʋakanditsamŋira, Ʋakandiita murindi weminda yemizambiriŋga; Asi munda waŋgu wemizambiriŋga handina‐kuuceŋgeta.
7
Ndiʋudze iwe, unoɗikanwa nomŋeya waŋgu, Kuti unofudza ɓoka rako kupi, Kuti unorizorodza kupi masikati; Nokuti ndicaitirei somunhu wakafukidzwa kumeso Pakati pamapoka eshamŋari dzako?
8
Kana usiŋgaziʋi, iwe unopfuʋura ʋakadzi ʋose nokunaka, Teʋera makwara amapoka, Ufudze makwaiana ako kurutiʋi rwamatente aʋafudzi.
9
Ndakakufananidzira iwe, shamŋari yaŋgu, Nebiza paŋgoro dzaFarao.
10
Matama ako akanaka pakati peɀirukwa ɀevudzi; Mutsipa wako neɀibge ɀinokosha ɀakatuŋgirwa.
11
Ticakuitira ɀirukwa ɀendarama Neɀuma ɀesirveri.
12
Ŋguʋa yose mambo agere patafura yake, Nardo yaŋgu yakaɓuɗisa kunhuwira kwayo.
13
Muɗiwa waŋgu wakaita kwandiri sehomboɗo yemura, Inogara pakati pamazamu aŋgu.
14
Muɗiwa waŋgu wakaita kwandiri sesumbu ramaruʋa ehena, Paminda yemizambiriŋga paEngedi.
15
Tarira, wakanaka, shamŋari yaŋgu; Tarira, wakanaka; Meso ako akafanana neenjiʋa.
16
Tarira, wakanaka, muɗiwa waŋgu, ɀirokwaɀo, unofadza; Ʋuʋato bgeɗu ndi’po paɓumhudza.
17
Matanda eimba yeɗu ndeemisidari, Mbariro dzayo ndedzemisipresi.
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 2 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8