bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Song of Solomon 5
Song of Solomon 5
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 4
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 6 →
1
Ndapinda mumunda maŋgu, hanɀadzi yaŋgu, mŋeŋga waŋgu; Ndaʋuŋganidza mura yaŋgu neɀinonhuwira ɀaŋgu; Ndadya muȿi woʋuci bgaŋgu noʋuci bgaŋgu; Ndanwa waini yaŋgu nomukaka waŋgu. Idyai, shamŋari dzaŋgu; Inwai, ɀirokwaɀo, inwai ɀikuru, ʋaɗiwa ʋaŋgu.
2
Ndakaŋga ndiʋete, asi mŋoyo waŋgu wakaŋga wakaȿinura; Inzwi romuɗiwa waŋgu, unogogodza, aciti: Ndizarurire, hanɀadzi yaŋgu, muɗiwa waŋgu, njiʋa yaŋgu, wakakwana waŋgu; Nokuti musoro waŋgu uzere neɗoʋa, Vudzi raŋgu namaɗonhedza oʋusiku.
3
Ndabvisa ŋguʋo yaŋgu; ndiŋgaifuka sei? Ndashambidza tsoka dzaŋgu; ndiŋgadziȿiɓisa sei?
4
Muɗiwa waŋgu wakapinza ruʋoko rwake napaʋuri romukoʋa, Mŋoyo waŋgu ukamushuʋa.
5
Ndakasimuka, ndiciti ndizarurire muɗiwa waŋgu; Maʋoko aŋgu akaɗonha mura, Neminwe yaŋgu mura inoyerera, Paɀiɓato ɀecizarira.
6
Ndakazarurira muɗiwa waŋgu; Asi muɗiwa waŋgu wakaŋga atendeʋuka, aenda. Mŋeya waŋgu wakaŋga watorwa pakutaura kwake; Ndakamutȿaka, asi handina‐kumuwana; Ndikamuɗana, asi haana‐kundipindura.
7
Ʋarindi, ʋanofamba‐famba neguta, ʋakandiwana; Ʋakandiroʋa, ʋakandikuʋadza; Ʋatariri ʋamaȿiŋgo ʋakanditorera jasi raŋgu.
8
Ndinokupikirai, imi ʋakunda ʋeJerusarema, Kana mukawana muɗiwa waŋgu, Mumuʋudze kuti ndinorwara noruɗo.
9
Ko muɗiwa wako unopfuʋura ʋamŋe ʋaɗiwa neiko, Nhai, iwe, unopfuʋura ʋakadzi ʋose nokunaka? Ko muɗiwa wako unopfuʋura ʋamŋe ʋaɗiwa neiko, Ɀaunotipikira saiɀoɀo?
10
Muɗiwa waŋgu wakacena nokutȿuka, Unozikanwa pakati pezana ramazana.
11
Musoro wake wakaita se ndarama yakaiȿo‐naka; Vudzi rake rakapetana, iɗema seguŋguʋu.
12
Meso ake akaita seenjiʋa pahoʋa dzemvura, Dzakashambga nomukaka, seɀibge ɀakaroŋgedzwa ɀakanaka.
13
Matama ake akaita sendima yemiti inonhuwira, Samatutu emiriʋo inonaka; Miromo yake yakaita samaruʋa anoɗonha mura inoyerera.
14
Maʋoko ake akaita samapaŋgo endarama, akaiswa beriri; Muʋiri wake wakaita senyaŋga dzenzou, dzakafukidzwa nesafiro.
15
Makumbo ake akaita sembiru dzamabge macena, dzakaiswa paɀigadziko ɀendarama yakaiȿo‐naka; Kuʋonekwa kwake kwose kwakafanana neRebanoni, kwakaiȿo‐naka semisidari.
16
Muromo wake wakanaka kwaɀo; Ɀirokwaɀo, wakaiȿo‐naka kwaɀo‐kwaɀo. Ndiɀo ɀakaita muɗiwa waŋgu, ndiɀo ɀakaita shamŋari yaŋgu, Imi ʋakunda ʋeJerusarema.
← Chapter 4
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 6 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8