bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Song of Solomon 6
Song of Solomon 6
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 5
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 7 →
1
Muɗiwa wako wakaendepiko, Iwe, unopfuʋura ʋakadzi ʋose nokunaka? Muɗiwa wako wakariŋgirepiko, Kuti timutȿake pamŋe cete newe?
2
Muɗiwa waŋgu wakadzira kumunda wake, Kundima dzemiti inonhuwira, Kufudza makwai ake muminda, nokutanha maruʋa.
3
Ini ndiri womuɗiwa waŋgu, muɗiwa waŋgu ndowaŋgu; Unofudza makwai ake pakati pamaruʋa.
4
Wakanaka, shamŋari yaŋgu, saTirza, Wakanaka seJerusarema, Unotyisa sehondo inemireza.
5
Usanditarira nameso ako, Nokuti andikunda. Vudzi rako rakafanana neɓoka rembudzi, Dzinoɓurukira mujiŋga megomo reGireadi.
6
Meno ako akafanana neɓoka renhunɀi dzamakwai, Dzinobva pakushambga; Rimŋe nerimŋe radzo rinaʋana ʋaʋiri, Hakunerimŋe risinomŋana.
7
Ɀaʋoʋo ɀako ɀakafanana neɓande reɗamba Pakutarira kwako pakati pecifukidzo cako.
8
Ʋahosi ʋanamakumi matanhatu naʋaroŋgo ʋanamakumi masere ʋari’ko, Nemhandara dzisiŋgaperi.
9
Njiʋa yaŋgu, wakakwana waŋgu, ndiye mumŋe oga; Ndiye mŋana mumŋe woga wamai ʋake; Ndiye musanaŋgurwa wowakamuɓereka; Ʋakunda ʋakamuʋona, ʋakati wakaropafadzwa; Naʋahosi naʋaroŋgo, ʋakamurumbidza.
10
Ndianiko uyo unotarira samambakwedza, Wakanaka somŋedzi, Wakacena sezuʋa, Unotyisa sehondo inemireza?
11
Ndakaɓurukira kumunda wenzuŋgu, Kuti ndiʋone miti mitema mumupata, Kuti ndiʋone kana muzambiriŋga wotuŋga, Kana matamba otuŋga maruʋa.
12
Ndisati ndaɀiziʋa, mŋeya waŋgu wakandiisa Pakati peŋgoro dzaʋanhu ʋaŋgu ʋakarurama.
13
Dzoka, dzoka, Shuramiti; Dzoka, dzoka, kuti tikutarire. Munoɗa kutarira muShuramiti neiko, Seɀamunotarira kutamba kweMahanaimi?
← Chapter 5
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 7 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8