bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Song of Solomon 8
Song of Solomon 8
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 7
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
1
Haiwa, ɗai wakaŋga wakaita sehanɀadzi yaŋgu, Wakamna mazamu amai ʋaŋgu! Ƌai ndakuwana panze, ndiŋgaɗai ndakuȿeta; Ɀirokwaɀo, hakuna‐waindishoʋora.
2
Ndaienda newe, ndikakuisa mumba mamai ʋaŋgu, Iʋo ʋandidzidzise; Ndaikupa waini yakaveŋganiswa neɀinonhuwira kuti uinwe, Nomukumbi wamatamba aŋgu.
3
Ruʋoko rwake rworuɓoshwe ŋgaruʋe pasi pomusoro waŋgu, Ruʋoko rwake rworudyi ŋgarundimbundikire.
4
Ndinokupikirai, imi ʋakunda ʋeJerusarema, Kuti murege kupfutidza kana kumutsa ruɗo, Kuȿikira irwo rwaɗa rumene.
5
Ndianiko uyo unokwira acibva kurenje, Akasendamira pamuɗiwa wake? Pasi pomuapuri ndi’po pandakakumutsa; Ndi’po pakakutamburira mai ʋako, Ndi’po paʋakakutamburira, iʋo ʋakakuɓereka.
6
Ndishoŋge secisimbiso pamŋoyo pako, Secisimbiso paruʋoko rwako; Nokuti ruɗo runesimba sorufu; Goɗo rinokuʋadza seSheori; Kupisa kwaro ndiko kupisa kwomŋoto, Muraɀo caiwo waJehova.
7
Mvura zhinji haigoni kudzima ruɗo; Nzizi hadziŋgaruɓitirisi; Kunyaŋge munhu akapa fuma yose yeimba yake kuti awane ruɗo, Uŋgaɀidzwa cose.
8
Tinecinuŋuna, Cigere kuʋa namazamu; Ticaɗiniko necinuŋuna ceɗu Nezuʋa raacakumbirwa?
9
Kana ari ruȿiŋgo, Ticaʋaka pamsoro pake kashoŋgwe kwesirveri; Kana ari mukoʋa, Ticamukomberedza namapuraŋga emisidari.
10
Ini ndaiʋa ruȿiŋgo, mazamu aŋgu akaita shoŋgwe dzarwo; Paŋguʋa iyo ndakaʋa pamberi pake somunhu wakawana rugare.
11
Soromoni wakaŋga anomunda wemizambiriŋga paBaari‐hamoni; Wakaisa munda uyo kuʋatariri; Mumŋe nomumŋe waifanira kumuʋigira masirveri anegumi ramazana pamsoro peɀiɓereko ɀawo.
12
Munda waŋgu wemizambiriŋga, iwo waŋgu, uri pamberi paŋgu; Iwe Soromoni, ucapiwa gumi ramazana, Naʋanoceŋgeta ɀiɓereko ɀawo ʋacapiwa mazana maʋiri.
13
Iwe, unogara muminda, Shamŋari dzako dzinoterera inzwi rako; Nditendere ini ndirinzwe ʋo.
14
Kurumidza, muɗiwa waŋgu, Uʋe semharapara kana mŋana wenondo Pamsoro pamakomo eɀinonhuwira.
← Chapter 7
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8