bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Song of Solomon 4
Song of Solomon 4
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 3
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 5 →
1
Tarira, wakanaka sei, shamŋari yaŋgu; tarira, wakanaka sei! Meso ako akafanana neenjiʋa pakutarira kwawo pakati pecifukidzo cako; Vudzi rako rakafanana neɓoka rembudzi, Dzinoɓurukira mujiŋga megomo reGireadi.
2
Meno ako akafanana neɓoka ramakwai acaŋgoʋeʋurwa, Anobva pakushambga; Rimŋe nerimŋe rawo rinaʋana ʋaʋiri, Hakunerimŋe risinomŋana.
3
Miromo yako yakafanana norwonzi rwakatȿuka; Kutaura kwako kwakanaka; Ɀaʋoʋo ɀako ɀakafanana neɓande reɗamba Pakutarira kwako pakati pecifukidzo cako.
4
Mutsipa wako wakafanana nenhare yaDavidi Yakaʋakirwa nhumbi dzokurwa, Makaturikwa nhoʋo dzinecuru cezana, Dzose dziri nhoʋo dzemhare.
5
Mazamu ako maʋiri akafanana naʋana ʋemharapara, Ʋari ʋana ʋakaɓerekwa ʋari ʋaʋiri, Ʋanocera pakati pamaruʋa eɓundo.
6
Kana zuʋa rotonhorera, mimvuri yotiza, Ndicaenda kugomo remura, Nokucikomo ceɀinonhuwira.
7
Wakaiȿo‐naka, iwe shamŋari yaŋgu; Hakunegwapa kwauri.
8
Hendei tose, iwe mŋeŋga waŋgu, tibve paRebanoni, Tibve paRebanoni tose; Tarira uri pamusoro weAmana, Pamisoro yeSeniri neHermoni, Panɀimba dzeshumba, Pamakomo eŋgwe.
9
Wanditorera mŋoyo waŋgu, hanɀadzi yaŋgu, mŋeŋga waŋgu; Wanditorera mŋoyo waŋgu nokunditarira kamŋe nameso ako, Necishoŋgo cimŋe comutsipa wako.
10
Ruɗo rwako rwakanaka sei, hanɀadzi yaŋgu, mŋeŋga waŋgu! Ruɗo rwako runopfuʋura waini ɀikuru sei! Nokunhuwira kweɀizoro ɀako miti yose inonhuwira!
11
Miromo yako, mŋeŋga waŋgu, inoɗonha muȿi woʋuci; Ʋuci nomukaka ɀiri pasi porurimi rwako; Kunhuwira kweŋguʋo dzako kwakafanana nokunhuwira kweRebanoni.
12
Hanɀadzi yaŋgu, mŋeŋga waŋgu, munda wakakomberedzwa, Cituɓu cakapoteredzwa, tsime rakafunhirwa.
13
Mataʋi ako munda wamatamba, uneɀiɓereko ɀakaiȿo‐naka; Maruʋa ehena nenardo,
14
Nardo nesafroni, Karmusi nekinamuni, nemiti yose inonhuwira; Mura negaʋakaʋa, neɀose ɀinoiȿonhuwira.
15
Uri tsime reminda, Cituɓu cemvura mhenyu, Nenzizi dzinoyerera dzicibva Rebanoni.
16
Muka, iwe mhepo yokumsoro; ʋuya, iwe mhepo yezasi; Furidzira pamunda waŋgu, kuti ɀinonhuwira ɀawo ɀiɓuɗire kunze. Muɗiwa waŋgu ŋgaapinde mumunda make, Ŋgaadye ɀiɓereko ɀake ɀakaiȿo‐naka.
← Chapter 3
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 5 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8