bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Song of Solomon 2
Song of Solomon 2
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 1
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 3 →
1
Ndiri ruʋa reɓundo rokuSharoni, Ndiri ruʋa rokumapani.
2
Seruʋa pakati peminzwa, Ndiɀo ɀakaita muɗiwa waŋgu pakati paʋakunda.
3
Somuapuri pakati pemiti yokuɗondo, Ndiɀo ɀakaita muɗiwa waŋgu pakati paʋanakomana. Ndakagara mumumvuri wake nomufaro mukuru; Ɀiɓereko ɀake ɀakaŋga ɀicinaka pamukanwa waŋgu.
4
Wakandiisa kuimba yomutambo; Mureza wake pamsoro paŋgu rwakaŋga ruri ruɗo.
5
Nditsigirei namazambiriŋga akawomeswa, ndisimbisei namaapuri; Nokuti ndinorwara noruɗo.
6
Ruʋoko rwake rworuɓoshwe ruri pasi pomusoro waŋgu; Ruʋoko rwake rworudyi runondimbundikira.
7
Ndinokupikirai, imi ʋakunda ʋeJerusarema, Nemharapara nenondo dzokuɓundo, Kuti murege kupfutidza kana kumutsa ruɗo, Kuȿikira irwo rwaɗa rumene.
8
Inzwai inzwi romuɗiwa waŋgu! Tarirai, woʋuya, Acikwakuka pamakomo, Acicirika paɀikomo.
9
Muɗiwa waŋgu wakafanana nemharapara kana nomŋana wenondo; Tarirai, womira seri kworuȿiŋgo rweɗu; Unotarira napamawindi; Unoɗoŋgorera napaɀitanda ɀamawindi.
10
Muɗiwa waŋgu wakataura, akati kwandiri: Simuka, shamŋari yaŋgu, wakanaka waŋgu, ʋuya!
11
Nokuti, tarira, cando caenda; Mvura yapera, yaenda;
12
Maruʋa oʋonekwa panyika; Ŋguʋa yokurira kweshiri yaȿika, Nenzwi renjiʋa rinonzwika panyika yeɗu.
13
Muʋonde woibvisa maʋonde awo mambishi, Ʋuye mizambiriŋga yotuŋga maruʋa; Yoɓuɗisa kunhuwira kwawo; Simuka, shamŋari yaŋgu, wakanaka waŋgu, ʋuya!
14
Iwe njiʋa yaŋgu, uri mumikaha yeɗombo, Pakadzitika pamawere; Ndiʋone ciso cako, Ndinzwe inzwi rako; Nokuti inzwi rako rakanaka, ciso cako cakanaka.
15
Tiɓatirei makaʋa, makaʋa maɗuku, Anotadzira minda yemizambiriŋga; Nokuti minda yeɗu yemizambiriŋga yotuŋga maruʋa.
16
Muɗiwa waŋgu ndowaŋgu, neni ndiri wake; Unofudza makwai ake pakati pamaruʋa eɓundo.
17
Kana zuʋa rotonhorera, nemimvuri yotiza, Tendeʋuka, muɗiwa waŋgu, uʋe semharapara nomŋana wenondo Pamsoro pamakomo eBeteri.
← Chapter 1
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 3 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8