bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Song of Solomon 3
Song of Solomon 3
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 2
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 4 →
1
Ʋusiku, ndiri panhoʋo dzaŋgu, Ndakamutȿaka unoɗikanwa nomŋeya waŋgu; Ndakamutȿaka, asi handina‐kumuwana.
2
Ndikati: Ndicasimuka ɀino, ndifambe‐fambe neguta; Panzira dzomumusha, napamaɗare Ndi’po pandicatȿaka unoɗikanwa nomŋeya waŋgu; Ndikamutȿaka, asi handina‐kumuwana.
3
Ʋarindi, ʋanofamba‐famba neguta, ʋakandiwana; Ndikati kwaʋari: Matoŋgoʋona unoɗikanwa nomŋeya waŋgu here?
4
Ndakati ndaŋgobva kwaʋari, ndapfuʋura ɀishoma, Ndikamuwana iye unoɗikanwa nomŋeya waŋgu; Ndikamuɓata, ndikaramba kumuregedza, Kuȿikira ndamuisa mumba mamai ʋaŋgu, Muimba yomukati yaiye wakandiɓereka.
5
Ndinokupikirai, imi ʋakunda ʋeJerusarema, Nemharapara nenondo dzokuɓundo, Kuti murege kupfutidza kana kumutsa ruɗo, Kuȿikira irwo rwaɗa rumene.
6
Ndianiko uyo unokwira acibva kurenje Seshoŋgwe dzoʋutsi, Unonhuwira nemura neɀinonhuwira, Neɀakakuyiwa ɀose ɀomuteŋgesi?
7
Tarirai, ndico cigaro caSoromoni cinotakurwa; Mhare dzinamakumi matanhatu dzakacikomberedza, Ʋanobva pamhare dzaʋaIsraeri.
8
Ʋose ʋanoziʋa kuɓata munondo, ʋakadzidza kurwa; Murume mumŋe nomumŋe unomunondo wake pahudyu yake, Nokuɗa kweɀinotyisa ʋusiku.
9
Mambo Soromoni wakaɀiitira cigaro cinotakurwa Camatanda eRebanoni.
10
Wakaita mbiru dzaco nesirveri, Musana waco nendarama, pokugara kwaco nomuceka mutȿuku, Mukati maco makaroŋgwa noruɗo Rwaʋakunda ʋeJerusarema.
11
Ƃuɗai, imi ʋakunda ʋeZioni, muʋone mambo Soromoni, Anekorona yaakadzikwa namai ʋake Pazuʋa rokuwana kwake, Napazuʋa romufaro womŋoyo wake.
← Chapter 2
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 4 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8