bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Song of Solomon 7
Song of Solomon 7
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 6
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 8 →
1
Tsoka dzako dzakanaka seiko mushaŋgu, iwe mukunda womucinda! Hudyu dzako, dzakatendereka, dzakaita seɀishoŋgo, Ƃasa ramaʋoko emhizha.
2
Guvu rako rakaita somukombe wakatendereka, Musiŋgashaikwi waini yakaveŋganiswa; Ciʋuno cako cakaita seɗutu reɀiyo Rakakomberedzwa namaruʋa.
3
Mazamu ako maʋiri akafanana naʋana ʋemharapara, Ʋana ʋakaɓerekwa ʋari ʋaʋiri.
4
Mutsipa wako wakaita seshoŋgwe yorunyaŋga rwenzou; Meso ako samakuʋi paHeshboni, Pasuʋo reBat‐rabimi; Mhino dzako dzakafanana neshoŋgwe yeRebanoni Yakatarisana neDamasko.
5
Musoro wako pamsoro pako wakafanana neKarmeri; Nevudzi romusoro wako nomuceka mutȿuku; Mambo wakasuŋgwa nevudzi rakapetana.
6
Wakanaka sei, unofadza sei, Muɗiwa, pakati peɀinofadza.
7
Ʋumiro bgako bgakafanana nomucindwe, Namazamu ako namasumbu eɀiɓereko ɀawo.
8
Ndakati: Ndicakwira mumucindwe, Ndiɓate mataʋi awo; Mazamu ako ŋgaaʋe samasumbu emizambiriŋga, Nokunhuwira kwemhino dzako sokunhuwira kwamaapuri,
9
Nomuromo wako sewaini yakaiȿo‐naka, Inotapira muɗikanwa waŋgu pakunwiwa kwayo, Inoyerera pamiromo yaʋaʋete.
10
Ndini womuɗiwa waŋgu; Kuɗa kwake kunondiʋiŋga.
11
Ʋuya muɗiwa waŋgu, ŋgatiɓuɗire kusaŋgo, Ŋgatigare mumisha.
12
Ŋgatifumire kuminda yemizambiriŋga; Tindoʋona kana muzambiriŋga watuŋga, Kana maruʋa akura, Kana matamba atuŋga maruʋa; Ndipapo pandicakupa ruɗo rwaŋgu.
13
Madudayi anoɓuɗisa kunhuwira; Pamikoʋa yeɗu paneɀinonaka ɀamarudzi ose, ɀitȿa neɀisharu, Ɀandakakuceŋgetera, iwe muɗiwa waŋgu.
← Chapter 6
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 8 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8