bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
/
Exodus 18
Exodus 18
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
← Chapter 17
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 19 →
1
Zvino Jeturo, mupristi weMidhiani, mukarahwa waMosesi, akanzwa zvose zvakaitira Jehovha Mosesi navaIsiraeri, vanhu vake, kuti Jehovha akabudisa vaIsiraeri muIjipiti.
2
Jeturo, mukarahwa waMosesi, akatora Zipora, mukadzi waMosesi, nokuti akanga amudzosera kuna baba vake,
3
navanakomana vake vaviri zita romumwe rainzi Geshomi, nokuti akati, “Ndakanga ndiri mweni panyika yavamwe”;
4
nezita romumwe rainzi Ereazari, nokuti akati, “Mwari wababa vangu akanga ari mubatsiri wangu, akandirwira pamunondo waFarao.”
5
Jeturo mukarahwa waMosesi akauya navanakomana vaMosesi nomukadzi wake kuna Mosesi murenje, pagomo raMwari, paakanga avaka misasa;
6
akati kuna Mosesi, “Ini mukarahwa wako, Jeturo, ndauya kwauri nomukadzi wako navanakomana vake vaviri vanaye.”
7
Mosesi akandosangana nomukarahwa wake, akakotamira pasi pamberi pake, akamutsvoda; vakabvunzana mufaro, vakapinda mutende.
8
Zvino Mosesi akaudza mukarahwa wake zvose zvakanga zvaitira Jehovha Farao navaIjipiti nokuda kwavaIsiraeri, nokutambudzika kwose kwakavawira panzira nokurwirwa kwavo naJehovha.
9
Jeturo akafara pamusoro pezvose zvakanaka zvakanga zvaitirwa vaIsiraeri naJehovha, kuti akavarwira pamaoko avaIjipiti.
10
Jeturo akati, “Jehovha ngaakudzwe akakurwirai pamaoko avaIjipiti, napamaoko aFarao, iye akarwira vanhu pamaoko avaIjipiti.
11
Zvino ndinoziva kuti Jehovha mukuru kuvamwari vose pachinhu icho chavakazvikudza nacho kwavari.”
12
Ipapo Jeturo, mukarahwa waMosesi, akauya kuna Mwari nechipiriso chokupisa nezvimwe zvibayiro; Aroni navakuru vose vaIsiraeri vakauya vakadya zvokudya nomukarahwa waMosesi pamberi paMwari.
13
Zvino fume mangwana Mosesi akagara achitambira vanhu mhaka dzavo, vanhu vakamira pamberi paMosesi kubva mangwanani kusvikira madekwana.
14
Zvino mukarahwa waMosesi akati achiona zvose zvaakanga achiitira vanhu akati, “Unoitireiko vanhu zvinhu izvi? Unogarireiko uri woga, vanhu vachimira pamberi pako kubva mangwanani kusvikira madekwana?”
15
Mosesi akati kumukarahwa wake, “Nokuti vanhu vanouya kwandiri kuzobvunza Mwari;
16
kana vane shoko vanosiuya kwandiri; ndinositamba mhaka dziri pakati pomunhu nowokwake, ndichivazivisa zvakatemwa naMwari nemirairo yake.”
17
Zvino mukarahwa waMosesi akati kwaari, “Chinhu ichi chaunoita hachina kunaka.
18
Zvirokwazvo uchaneta kwazvo, iwe navanhu vaunavo; nokuti chinhu ichi chinokuremera; haungagoni kuchiita uri woga.
19
Teerera zvino izwi rangu, ndikurairire, Mwari agova newe. Iwe umirire vanhu pamberi paMwari, uise mashoko avo kuna Mwari;
20
uvadzidzise zvakatemwa nemirairo, uvaratidze nzira yavanofanira kufamba nayo, nebasa ravanofanira kuita.
21
Asi utsvake pakati pavanhu vose varume vezvokwadi vanovenga kufufurwa; uvaite vabati vavo vezvuru, navabati vamazana, navabati vamakumi mashanu, navabati vamakumi;
22
ivo ngavatambire vanhu mhaka dzavo nguva dzose; zvino kana pane shoko guru, ngavariise kwauri, asi kana ari mashoko maduku ngavaatambe vamene; naizvozvo iwe ucharerusirwa, naivo vachatakura mutoro pamwechete newe.
23
Kana ukaita chinhu ichi, Mwari akakuraira saizvozvo, iwe uchagona kutsunga, navanhu ava vose vachaenda kudzimba dzavo norugare.”
24
Mosesi akateerera izwi romukarahwa wake, akaita zvose zvaakanga audzwa naye.
25
Mosesi akatsaura varume vakachenjera pakati pavaIsiraeri vose, akavaita vakuru vavanhu, vabati vezviuru, navabati vamazana, navabati vamakumi mashanu, navabati vamakumi.
26
Ivo vakatamba mhaka dzavanhu nguva dzose; mashoko makuru vaisiuya nawo kuna Mosesi, asi mashoko ose maduku vaiatamba vamene.
27
Zvino Mosesi akatendera mukarahwa wake kuenda hake; iye akaenda kunyika yake.
← Chapter 17
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 19 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40