bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
/
Exodus 35
Exodus 35
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
← Chapter 34
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 36 →
1
Zvino Mosesi wakaunganidza ungano yose yavana vaIsiraeri, akati kwavari, “Ndiwo mashoko akarairwa naJehovha kuti muaite.
2
Mabasa ose ngaabatwe namazuva matanhatu, asi zuva rechinomwe rinofanira kuva kwamuri zuva dzvene, Sabata rokuzorora kwazvo pamberi paJehovha; ani naani anobata basa ripi neripi naro, ngaaurawe.
3
Regai kuvesa moto padzimba dzenyu dzose nezuva reSabata.”
4
Mosesi akataura neungano yose yavana vaIsiraeri, akati, “Ndicho chinhu chakarairwa naJehovha, achiti,
5
‘Ripirai Jehovha chipo pazvinhu zvenyu; ani naani ane mwoyo unoda, ngaauye nacho, chive chipo chaJehovha, zvinoti: Ndarama, nesirivha, nendarira,
6
nezvakarukwa zvitema, nezvishava, nezvitsvuku, nemicheka yakaisvonaka, nemvere dzembudzi,
7
namatehwe amakondohwe akazodzwa zvitsvuku, namatehwe amatenhe, namatanda omuakasia,
8
namafuta omwenje, nezvinonhuwira zvamafuta okuzodza, noupfu hunonhuwira,
9
nezvibwe zveonikisi, nezvibwe zvokuisa paefodhi napahombodo yechipfuva.
10
“ ‘Varume vose pakati penyu vane mwoyo yakachenjera ngavauye, vaite zvose zvakarairwa naJehovha;
11
zvinoti: Tabhenakeri netende rayo, nechifukidzo chayo, nezvikorekedzo zvayo, namapuranga ayo, nembariro dzayo, nembiru dzayo, nezvigadziko zvayo;
12
neareka, namatanda ayo, nechifunhiro chokuyananisa, nechidzitiro chinodzitira,
13
netafura, namatanda ayo, nenhumbi dzayo dzose, nechingwa chokuratidza,
14
nechigadziko chemwenje yokuvheneka nayo, nenhumbi dzacho, nemwenje yacho, namafuta okuvhenekesa nawo,
15
neatari yezvinonhuwira, namatanda ayo, namafuta okuzodza nawo, noupfu hunonhuwira, nechidzitiro chomukova pamukova wetabhenakeri,
16
neatari yezvipiriso zvinopiswa, nechakarukwa chayo chendarira, namatanda ayo, nenhumbi dzayo dzose, nomudziyo wokushambidzira, nechigadziko chawo,
17
nezvidzitiro zvoruvanze, nembiru dzazvo, nezvigadziko zvadzo, nechidzitiro chesuo roruvanze,
18
nembambo dzetabhenakeri, nembambo dzoruvanze, netambo dzadzo,
19
nenguo dzakarukwa zvakanaka dzokushumira nadzo panzvimbo tsvene, nenguo tsvene dzaAroni mupristi, nenguo dzavanakomana vake dzokushumira nadzo pabasa roupristi.’ ”
20
Zvino ungano yose yavana vaIsiraeri yakabva kuna Mosesi,
21
vakauya, mumwe nomumwe wakamutswa nomwoyo wake, nomumwe nomumwe wakatendiswa nomweya wake, vakauya nechipo chaJehovha, chokubata basa retende rokusangana namabasa aro ose, nenguo tsvene.
22
Vakauya varume navakadzi, vose vaiva nemwoyo yakanga ichida, vakauya nezvikorekedzo, nezvindori zvenzeve, nezvindori zvokusimbisa, nezvishongo zvamaoko, nezvishongo zvose zvendarama; mumwe nomumwe wakavigira Jehovha chipo chendarama.
23
Murume mumwe nomumwe waiva nezvakarukwa zvitema, nezvishava, nezvitsvuku, nemicheka yakaisvonaka, nemvere dzembudzi, namatehwe amakondohwe akazodzwa zvitsvuku, namatehwe amatenhe, wakauya nazvo.
24
Mumwe nomumwe waigona kuripa chipo chesirivha nechendarira wakauya nechipo chaJehovha; mumwe nomumwe waiva namatanda omuakasia, avaigona kubata nawo, wakauya nawo.
25
Vakadzi vose vaiva nemwoyo yakangwara vakaruka namaoko avo, vakauya nezvavakaruka, zvaiti: Zvakarukwa zvitema, nezvishava, nezvitsvuku, nemicheka yakaisvonaka.
26
Vakadzi vose vakanga vamutswa nemwoyo yavo kuva vakachenjera vakaruka mvere dzembudzi.
27
Navakuru vakauya nezvibwe zveonikisi, nezvibwe zvokuisa paefodhi, napahombodo yechipfuva,
28
nemiti inonhuwira, namafuta okuvhenekesa nawo, nezvokuzodza nazvo, noupfu hunonhuwira.
29
Vana vaIsiraeri vakauya nemwoyo yavo nezvipo zvokupa Jehovha; murume mumwe nomumwe nomukadzi mumwe nomumwe waitendiswa nomwoyo wake kuti avigire zvokubata nazvo basa rose rakanga rarairwa naJehovha, kuti riitwe naMosesi.
30
Zvino Mosesi akati kuvana vaIsiraeri, “Tarirai, Jehovha wakadana nezita rake Bhezareri, mwanakomana waUri, mwanakomana waHuri, worudzi rwaJudha,
31
akamuzadza noMweya waMwari ave nokuchenjera, nokunzwisisa, nokuziva kwose, nokugona marudzi ose amabasa,
32
kuti afunge mano oumhizha, nokubata nendarama, nesirivha, nendarira,
33
nokuveza mabwe anoiswa mukati, nokuveza matanda, nokugona kubata mabasa ose oumhizha.
34
Akaisa mumwoyo make uchenjeri hwokudzidzisa vamwe, iye naOhoriabhu, mwanakomana waAhisamaki, worudzi rwaDhani.
35
Akavazadza nokuchenjera kwomwoyo, kuti vagone kubata mabasa ose omuvezi wamabwe, neemhizha, naavasoni vezvakarukwa zvitema, nezvishava, nezvitsvuku, nemicheka yakaisvonaka, naavaruki vanobata mabasa ose, naavose vanofunga mano amabasa oumhizha.”
← Chapter 34
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 36 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40