bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
/
Exodus 31
Exodus 31
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
← Chapter 30
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 32 →
1
Zvino Jehovha wakataura naMosesi akati,
2
“Tarira, ndadana Bhezareri, mwanakomana waUri, mwanakomana waHuri, worudzi rwaJudha, nezita rake,
3
ndikamuzadza noMweya waMwari, nouchenjeri, nokunzwisisa, nokuziva kwose, nokugona marudzi ose amabasa,
4
kuti afunge mano oumhizha, nokubata nendarama, nesirivha, nendarira,
5
nokuveza mabwe anoiswa mukati, nokuveza matanda, nokugona marudzi ose amabasa.
6
Uye ini, tarira ndakagadza pamwechete naye Ohoriabhu, mwanakomana waAhisamaki, worudzi rwaDhani; nomumwoyo yavose vane mwoyo yakangwara ndakaisa uchenjeri, kuti vaite zvose zvandakakuraira,
7
zvinoti: Tende rokusangana, neareka yechipupuriro, nechifunhiro chokuyananisa chiri pamusoro payo, nenhumbi dzose dzetabhenakeri,
8
netafura nenhumbi dzayo, nechigadziko chemwenje chakaisvonaka nenhumbi dzacho dzose, neatari yezvinonhuwira,
9
neatari yezvipiriso zvinopiswa nenhumbi dzayo dzose, nomudziyo wokushambidzira nechigadziko chawo,
10
nenguo dzakarukwa zvakanaka, nenguo tsvene dzaAroni mupristi, nenguo dzavanakomana vake dzokubata basa roupristi nadzo,
11
namafuta okuzodza nawo, nezvinonhuwira zvemiti inonaka zvapanzvimbo tsvene; vanofanira kuita zvose sezvandakakuraira.”
12
Zvino Jehovha wakataura naMosesi akati,
13
“Taura navana vaIsiraeri, uti, ‘Zvirokwazvo munofanira kuchengeta maSabata angu; nokuti chiratidzo pakati pangu nemi kusvikira kumarudzi enyu ose, muzive kuti ndini Jehovha unokutsaurai.
14
Naizvozvo chengetai Sabata, nokuti idzvene kwamuri; ani naani unorizvidza ngaaurawe zvirokwazvo; nokuti ani naani unobata basa ripi neripi naro, munhu uyo ngaabviswe pakati porudzi rwake.
15
Mabasa ose ngaabatwe namazuva matanhatu, asi zuva rechinomwe iSabata rokuzorora kwazvo, idzvene kuna Jehovha; ani naani unobata basa ripi neripi nezuva reSabata, ngaaurawe zvirokwazvo.’
16
Naizvozvo vana vaIsiraeri vanofanira kuchengeta Sabata, varangarire Sabata kusvikira kumarudzi avo ose; ive sungano isingaperi.
17
Chiratidzo pakati pangu navana vaIsiraeri nokusingaperi; nokuti Jehovha wakaita denga nenyika namazuva matanhatu, akazorora nezuva rechinomwe, akasimbiswa.”
18
Zvino wakati apedza kutaura naMosesi pagomo reSinai, akamupa mahwendefa maviri echipupuriro, mahwendefa amabwe akanga akanyorwa nomunwe waMwari.
← Chapter 30
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 32 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40