bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
/
Exodus 40
Exodus 40
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
← Chapter 39
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
1
Zvino Jehovha wakataura naMosesi akati,
2
“Nomusi wokutanga womwedzi unofanira kumisa tabhenakeri netende rokusangana.
3
Unofanira kuisa mukati mayo areka yechipupuriro, nokudzitira areka nechidzitiro.
4
Upinzewo tafura, nokugadzira zvinhu zvinofanira kuva pamusoro payo; upinzewo chigadziko chemwenje, ugotungidza mwenje yacho.
5
Uisewo atari yendarama yezvinonhuwira pamberi peareka yechipupuriro, ugoisa chidzitiro chomukova wetabhenakeri.
6
Zvino uisewo atari yezvibayiro zvinopiswa pamberi pomukova wetabhenakeri yetende rokusangana.
7
Uisewo mudziyo wokushambidzira pakati petende rokusangana neatari, ugodira mvura mukati mawo.
8
Zvino ugadzirewo ruvanze nokurembedza chidzitiro chesuo roruvanze.
9
“Utorewo mafuta okuzodza nawo, uzodze tabhenakeri nawo, nezvose zviri mukati mayo; ugoitsaura, iyo nezvose zvirimo, kuti chive chinhu chitsvene.
10
Uzodzewo atari nezvibayiro zvinopiswa, nemidziyo yayo yose, kuti utsaure atari, atari chive chinhu chitsvene-tsvene.
11
Uzodzewo mudziyo wokushambidzira nechigadziko chawo, uutsaure.
12
“Zvino uswededze Aroni navanakomana vake kumukova wetende rokusangana, ugovashambidza nemvura.
13
Ipapo ufukidze Aroni nguo tsvene, ugomuzodza nokumutsaura, kuti andishumire pabasa roupristi.
14
Usededzewo vanakomana vake, ugovafukidza nguo.
15
Uvazodze, sezvawazodza baba vavo, kuti vandishumire pabasa roupristi; kuzodzwa kwavo kunofanira kuva kwavari upristi nokusingaperi, kusvikira kumarudzi avo ose.”
16
Mosesi akaita saizvozvo; zvose zvaakanga arairwa naJehovha, wakazviita saizvozvo.
17
Tabhenakeri ikamiswa nomwedzi wokutanga wegore rechipiri nomusi wokutanga womwedzi.
18
Mosesi akamisa tabhenakeri, akaisa zvigadziko zvayo, akamisa mapuranga ayo, akaisa mbariro dzayo, nokumisa mbiru dzayo.
19
Akawarira tende pamusoro petabhenakeri, akaisa chifukidzo chetende pamusoro payo, sezvakanga zvarairwa Mosesi naJehovha.
20
Akatora chipupuriro, akachiisa muareka, akapinza matanda paareka, akaisa chifunhiro chokuyananisa pamusoro peareka;
21
akapinza areka mutabhenakeri, akarembedza chidzitiro chokudzitira nacho, akadzitira areka yechipupuriro; sezvakanga zvarairwa Mosesi naJehovha.
22
Akaisa tafura mutende rokusangana, kurutivi rwetabhenakeri nechokumusoro, kunze kwechidzitiro.
23
Akagadzirawo chingwa pamusoro payo pamberi paJehovha, sezvakanga zvarairwa Mosesi naJehovha.
24
Akaisa chigadziko chemwenje mutende rokusangana, chakatarisana netafura, kurutivi rwetabhenakeri nechenyasi.
25
Akatungidza mwenje pamberi paJehovha, sezvakanga zvarairwa Mosesi naJehovha.
26
Akaisa atari yendarama mutende rokusangana pamberi pechidzitiro;
27
akapisirapo zvinonhuwira zvemiti yakanaka, sezvakanga zvarairwa Mosesi naJehovha.
28
Akagadzira zvirembedzwa zvomukova wetabhenakeri.
29
Akaisa atari yezvipiriso zvinopiswa pamukova wetabhenakeri yetende rokusangana, akapisira pamusoro payo chipiriso chinopiswa, nechipiriso choupfu; sezvakanga zvarairwa Mosesi naJehovha.
30
Akaisa mudziyo wokushambidzira pakati petende rokusangana neatari, akaisa mukati mayo mvura yokushambidza nayo.
31
Ipapo Mosesi naAroni navanakomana vake vakashamba maoko avo netsoka dzavopo;
32
pakupinda kwavo mutende rokusangana, napakuswedera kwavo kuatari, vaishamba, sezvakanga zvarairwa Mosesi naJehovha.
33
Akagadzirawo ruvanze rwaipoteredza tabhenakeri neatari, akarembedza chidzitiro chesuo roruvanze. Naizvozvo Mosesi akapedza basa rose.
34
Ipapo gore rakafukidza tende rokusangana, kubwinya kwaJehovha kukazadza tabhenakeri.
35
Mosesi akasagona kupinda mutende rokusangana, nokuti gore rakaramba rigere pamusoro paro uye kubwinya kwaJehovha kwakanga kwazadza tabhenakeri.
36
Zvino kana gore rokwidzwa richibva pamusoro petabhenakeri, vana vaIsiraeri vakapfuura vachifamba nzendo dzavo dzose.
37
Asi kana gore risina kukwidzwa, havana kufamba, kusvikira musi warinozokwidzwa.
38
Nokuti gore raJehovha rakanga riri pamusoro petabhenakeri masikati, nomoto waiva mariri usiku, pamberi pavose veimba yaIsiraeri panzendo dzavo dzose.
← Chapter 39
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40