bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
/
Exodus 6
Exodus 6
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
← Chapter 5
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 7 →
1
Jehovha akati kuna Mosesi, “Zvino muchaona zvandichaitira Farao, nokuti achavatendera kuenda noruoko rune simba, uchavadzinga munyika yake noruoko rune simba.”
2
Mwari akataurawo naMosesi, akati kwaari, “Ndini JEHOVHA.
3
Ndakazviratidza kuna Abhurahamu, nokunaIsaka, nokunaJakobho, ndiri Mwari waMasimbaose, asi ndakanga ndisingazikanwi navo nezita rangu rinonzi JEHOVHA.
4
Zvino ndakasimbisa sungano yangu navo kuti ndivape nyika yeKenani, nyika youtorwa hwavo, mavakanga vari vatorwa.
5
Ndakanzwa kugomba kwavana vaIsiraeri vakasungwa navaIjipiti pauranda, ndikarangarira sungano yangu.
6
Naizvozvo muti kuvana vaIsiraeri, ‘Ndini Jehovha, ini ndichakubudisai pamirimo yavaIjipiti, ndichakusunungurai pauranda hwenyu, ndichakudzikinurai noruoko rwakatambanudzwa, uye nokutonga kukuru.’
7
Ndichakutorai imi kuti muve vanhu vangu, ini ndichava Mwari wenyu, iye anokubudisai pamirimo yavaIjipiti.
8
Ndichakuisai kunyika yandakasimudzira ruoko rwangu kuti ndiipe Abhurahamu, naIsaka, naJakobho, ndichakupai iyo ive nhaka yenyu; ndini Jehovha.”
9
Mosesi akataura saizvozvo kuvana vaIsiraeri, asi havana kuteerera Mosesi nokuda kweshungu dzomweya nedzouranda hwakanga uchirema.
10
Zvino Jehovha akataura naMosesi akati,
11
“Pinda, undotaura naFarao mambo weIjipiti, kuti atendere vana vaIsiraeri kubuda munyika yake.”
12
Mosesi akataura pamberi paJehovha, akati, “Tarirai, vana vaIsiraeri havana kunditeerera; zvino Farao anganditeerera seiko, ini munhu ane miromo isina kudzingiswa?”
13
Ipapo Jehovha akataura naMosesi naAroni, akavatuma neshoko kuvana vaIsiraeri nokuna Farao, mambo weIjipiti, kuti vabudise vana vaIsiraeri munyika yeIjipiti.
14
Ndiyo misoro yedzimba dzamadzibaba avo: Vanakomana vaRubheni, dangwe raIsiraeri, vaiva Hanoki, naParu, naHezironi, naKarimi; ndivo vedzimba dzaRubheni.
15
Vanakomana vaSimeoni vaiva Jemueri, naJamini, naOhadhi, naJakini, naZohari, naShauri, mwanakomana womukadzi muKenani; ndivo vedzimba dzaSimeoni.
16
Ndiwo mazita avanakomana vaRevhi namarudzi avo: Gerishoni, naKohati, naMerari; makore oupenyu hwaRevhi aiva makore ane zana namakumi matanhatu namanomwe.
17
Vanakomana vaGerishoni vaiva Ribhini, naShimei, namarudzi avo.
18
Vanakomana vaKohati vaiva Amurami, naIzhari, naHebhuroni, naUzieri; makore oupenyu hwaKohati aiva makore ane zana namakumi matatu namatatu.
19
Vanakomana vaMerari vaiva Makiri, naMushi. Ndivo vedzimba dzavaRevhi pamarudzi avo.
20
Amurami akawana Jokebhedhi, hanzvadzi yababa vake, iye akamuberekera Aroni naMosesi; makore oupenyu hwaAmurami aiva makore ane zana namakumi matatu namanomwe.
21
Vanakomana vaIzhari vaiva Kora naNefegi, naZikiri.
22
Vanakomana vaUzieri vaiva Mishaeri, naErizafani, naSitiri.
23
Aroni akawana Erishebha, mukunda waAminadhabhu, hanzvadzi yaNashoni, iye akamuberekera Nadhabhi naAbhihu, naEreazari, naItamari.
24
Vanakomana vaKora vaiva Asiri, naErikana, naAbhiasafi; ndivo vedzimba dzavaKora.
25
Ereazari, mwanakomana waAroni, akawana mumwe wavakunda vaPutieri, iye akamuberekera Pinehasi. Ndiyo misoro yedzimba dzamadzibaba avaRevhi nemhuri dzavo.
26
Ndivo vaya vanaAroni naMosesi vakanzi naJehovha, “Budisai vana vaIsiraeri munyika yeIjipiti nehondo dzavo.”
27
Ndivo vakataura naFarao, mambo weIjipiti, kuti vabudise vana vaIsiraeri muIjipiti; ndivo vaya vanaMosesi naAroni.
28
Nomusi iwoyo Jehovha akataura naMosesi munyika yeIjipiti,
29
Jehovha akataura naMosesi, akati, “Ndini Jehovha; udza Farao, mambo weIjipiti, zvinhu zvose zvandakakuudza.”
30
Ipapo Mosesi akati pamberi paJehovha, “Tarirai, ndiri munhu ane miromo isina kudzingiswa, zvino Farao achanditeerera seiko?”
← Chapter 5
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 7 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40