bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
/
Exodus 24
Exodus 24
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
← Chapter 23
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 25 →
1
Zvino iye akati kuna Mosesi, “Kwira kuna Jehovha, iwe naAroni, naNadhabhi naAbhihu, navakuru vana makumi manomwe vavaIsiraeri, mupfugame muri kure;
2
Mosesi ngaaswedere pedyo naJehovha, asi ivo ngavarege kuswedera pedyo, navanhu ngavarege kukwira naye.”
3
Zvino Mosesi akauya akaudza vanhu mashoko ose aJehovha, nezvaakanga atema zvose, vanhu vakapindura nezwi rimwe vakati, “Mashoko ose akarehwa naJehovha tichaaita.”
4
Mosesi akanyora mashoko ose aJehovha, akamuka mangwanani, akandovaka atari pasi pegomo, akamisa shongwe dzine gumi nembiri, zvakafanana namarudzi ane gumi namaviri avaIsiraeri.
5
Zvino akatuma majaya avana vaIsiraeri vakapisira Jehovha zvipiriso zvinopiswa, nokumubayira zvipiriso zvenzombe zvokuyananisa.
6
Mosesi akatora hafu yeropa, akariisa mumidziyo, imwe hafu akasasa paatari.
7
Akatora bhuku yesungano, akarava vanhu vachizvinzwa; ivo vakati, “Zvose zvarehwa naJehovha tichazviita, tichateerera.”
8
Ipapo Mosesi akatora ropa akarisasa pamusoro pavanhu, akati, “Tarirai ropa resungano yakaitwa naJehovha nemi pamusoro pamashoko iwaya ose.”
9
Zvino Mosesi, naAroni, naNadhabhi, naAbhihu, navakuru vana makumi manomwe vavaIsiraeri vakakwira.
10
Vakaona Mwari wavaIsiraeri; pasi petsoka dzake pakanga pakaita samabwe esafiri, zvaionekera sokudenga chaiko.
11
Asi haana kutambanudzira ruoko rwake kuvakuru ivavo vavana vaIsiraeri; vakaona Mwari, vakadya, vakanwa.
12
Zvino Jehovha akati kuna Mosesi, “Kwira kwandiri muno mugomo, ugarepo; ndichakupa mahwendefa amabwe anomurayiro nomurau wandanyora, kuti uvadzidzise.”
13
Mosesi akasimuka naJoshua, muranda wake, Mosesi akakwira mugomo raMwari,
14
akati kuvakuru, “Timirirei pano, kusvikira tichadzokerazve kwamuri; tarirai Aroni naHuri vanemi; ani naani ane mhaka ngaaende kwavari.”
15
Zvino Mosesi akakwira mugomo, gore rikafukidza gomo.
16
Kubwinya kwaJehovha kukagara pagomo reSinai, gore rikarifukidza mazuva matanhatu; nezuva rechinomwe akadana Mosesi ari mukati megore.
17
Kubwinya kwaJehovha kukaonekwa navana vaIsiraeri kwakaita somoto unopisa kwazvo, uri pamusoro wegomo.
18
Mosesi akapinda mukati megore, akakwira mugomo; Mosesi akagara mugomo mazuva ana makumi mana nousiku una makumi mana.
← Chapter 23
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 25 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40