bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
/
Exodus 7
Exodus 7
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
← Chapter 6
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 8 →
1
Jehovha akati kuna Mosesi, “Tarira, ndakuita saMwari kuna Farao; Aroni, mukoma wako, achava muporofita wako.
2
Taura zvose zvandinokuraira; Aroni, mukoma wako, achataura naFarao, kuti atendere vana vaIsiraeri, vabude munyika yake.
3
Ini ndichaomesa mwoyo waFarao, ndichawanza zviratidzo zvangu nezvishamiso zvangu panyika yeIjipiti.
4
Asi Farao haangakuteerereyi; ipapo ndichaisa ruoko rwangu pamusoro peIjipiti, ndikabudisa hondo dzangu, ivo vanhu vangu, vana vaIsiraeri, munyika yeIjipiti nokutonga kukuru.
5
VaIjipiti vachaziva kuti ndini Jehovha, kana ndichitambanudza ruoko rwangu pamusoro peIjipiti, ndichibvisa vana vaIsiraeri pakati pavo.”
6
Mosesi naAroni vakaita saizvozvo; sezvavakanga varairwa naJehovha, vakaita saizvozvo.
7
Mosesi akanga ana makore makumi masere, naAroni makore makumi masere namatatu, panguva yavakataura naFarao.
8
Zvino Jehovha akataura naMosesi naAroni, akati,
9
“Kana Farao achitaura nemi, akati, ‘Tiratidzei chinoshamisa,’ uti kuna Aroni, ‘Tora tsvimbo yako, uikandire pasi pamberi paFarao, ishanduke nyoka.’ ”
10
Mosesi naAroni vakapinda kuna Farao, vakaita sezvavakarairwa naJehovha, Aroni akakandira tsvimbo pasi pamberi paFarao napamberi pavaranda vake, ikashanduka nyoka.
11
Ipapo Farao akadanawo vakachenjera navaroyi; naivowo, idzo n'anga dzeIjipiti, vakaita saizvozvo nouroyi hwavo.
12
Nokuti mumwe nomuwe akakandira pasi tsvimbo yake, dzikashanduka nyoka; asi tsvimbo yaAroni yakamedza tsvimbo dzavo.
13
Zvino mwoyo waFarao ukawomeswa, akasavateerera; sezvakarehwa naJehovha.
14
Zvino Jehovha akati kuna Mosesi, “Mwoyo waFarao mukukutu, haadi kutendera vanhu kuenda.
15
Enda kuna Farao mangwanani; tarira, achabuda achienda kumvura, iwe undomira pamhenderekedzo dzorwizi kuti usangane naye, wakabata muruoko rwako tsvimbo iya yakashanduka nyoka.
16
Ugoti kwaari, ‘Jehovha, Mwari wavaHebheru, akandituma kwauri,’ achiti, ‘Tendera vanhu vangu kuenda vandinamate murenje; zvino tarira, kusvikira zvino hauna kunditeerera.’
17
Zvanzi naJehovha, ‘Uchaziva kuti ndini Jehovha nechinhu ichi: Tarira ndicharova mvura iri murwizi netsvimbo iri muruoko rwangu, ikashanduka ropa.’
18
Hove dziri murwizi dzichafa, rwizi ruchanhuwa; vaIjipiti vachanetswa nokutsvaka kunwa mvura yorwizi.”
19
Jehovha akatiwo kuna Mosesi, “Uti kuna Aroni, ‘Tora tsvimbo yako, utambanudzire ruoko rwako pamusoro pemvura yavaIjipiti, pamusoro penzizi dzavo, napamusoro pehova dzavo, napamusoro pamadziva avo, napamusoro pamakungwa avo ose,’ zvishanduke ropa; rivepo panyika yose yeIjipiti, mumidziyo yamatanda nemidziyo yamabwe.”
20
Mosesi naAroni vakaita sezvavakarairwa naJehovha, vakasimudza tsvimbo, vakarova mvura yakanga iri murwizi pamberi paFarao napamberi pavaranda vake, mvura yose yomurwizi ikashanduka ropa.
21
Hove dzomurwizi dzikafa, rwizi rukanhuwa, vaIjipiti vakasagona kunwa mvura yorwizi; ropa rikavapo panyika yose yeIjipiti.
22
N'anga dzeIjipiti dzikaitawo saizvozvo nouroyi hwadzo; asi mwoyo waFarao wakaomeswa, akasavateerera, sezvakanga zvarehwa naJehovha.
23
Ipapo Farao akadzoka, akapinda mumba make; haana kurangarira nechinhu ichiwo.
24
VaIjipiti vose vakachera nhivi dzorwizi vachitsvaka mvura yokunwa; nokuti vakanga vasingagoni kunwa mvura yorwizi.
25
Mazuva manomwe akapera kubva pakurohwa kworwizi naJehovha.
← Chapter 6
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 8 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40