bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
/
Exodus 8
Exodus 8
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
← Chapter 7
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 9 →
1
Zvino Jehovha akati kuna Mosesi, “Pinda kuna Farao, uti kwaari, ‘Zvanzi naJehovha, tendera vanhu vangu kuenda vandondinamata.’
2
Kana ukaramba kuvatendera, tarira, ndicharova nyika yako yose namatatya;
3
rwizi ruchazara kwazvo namatatya; achakwira, achipinda mumba mako, nomuimba yako yokuvata, napanhoo dzako, nomudzimba dzavaranda vako, napamusoro pavanhu vako, nomuzvoto zvako, nomumidziyo yako mamunokanyira zvokudya;
4
matatya achakwira pamusoro pako napamusoro pavanhu vako, napamusoro pavaranda vako vose.”
5
Jehovha akati kuna Mosesi, “Iti kuna Aroni, ‘Tambanudzira ruoko rwako rwakabata tsvimbo yako pamusoro penzizi, napamusoro pehova, napamusoro pamadziva, uraire matatya kuti akwire panyika yeIjipiti.’ ”
6
Ipapo Aroni akatambanudzira ruoko rwake pamusoro pemvura yeIjipiti, matatya akakwira, akafukidza nyika yeIjipiti.
7
N'anga dzikaita saizvozvo nouroyi hwadzo dzikaraira matatya kuti akwire panyika yeIjipiti.
8
Zvino Farao akadana Mosesi naAroni, akati, “Nyengeterai kuna Jehovha kuti abvise matatya kwandiri nokuvanhu vangu, nditendere vanhu kuenda kundobayira Jehovha.”
9
Mosesi akati kuna Farao, “Imi mukudzwe kupfuura ini! Ndokunyengetererai nguva ipi, imi navaranda venyu, navanhu venyu, kuti matatya aparadzwe kwamuri, nomudzimba dzenyu, asare murwizi bedzi?”
10
Iye akati, “Mangwana.” Akati, “Zvichaitwa sezvamareva; kuti muzive kuti hakuna mumwe akafanana naJehovha, Mwari wedu.
11
Matatya achabva kwamuri, nomudzimba dzenyu, nokuvaranda venyu, nokuvanhu venyu; achasara murwizi bedzi.”
12
Mosesi naAroni vakabuda muna Farao, Mosesi akadana kuna Jehovha nokuda kwamatatya aakanga atuma kuna Farao.
13
Jehovha akaita sezvakanga zvarehwa naMosesi, matatya akafa mudzimba nomuzvivanze nokuruwa.
14
Vakaaunganidza, vakaaita mirwi, nyika ikanhuwa.
15
Zvino Farao akati achiona kuti zvava zviri nani, akaomesa mwoyo wake, akasavateerera; sezvakanga zvarehwa naJehovha.
16
Zvino Jehovha akati kuna Mosesi, “Iti kuna Aroni, ‘Tambanudza tsvimbo yako, urove guruva rapasi, rishanduke utunga panyika yeIjipiti.’ ”
17
Vakaita saizvozvo; Aroni akatambanudza ruoko rwake rwakabata tsvimbo yake, akarova guruva rapasi, utunga ukavapo pavanhu napazvipfuwo; guruva rose rapasi rikashanduka utunga panyika yose yeIjipiti.
18
N'anga dzikaita saizvozvo nouroyi hwadzo kuti dzibudise utunga, asi hadzina kugona; utunga hwakanga huri pavanhu napazvipfuwo.
19
Zvino n'anga dzakati kuna Farao, “Munwe waMwari”; asi mwoyo waFarao wakaomeswa, akasavateerera, sezvakanga zvarehwa naJehovha.
20
Zvino Jehovha akati kuna Mosesi, “Fumira mangwanani, undomira pamberi paFarao; tarira, achabuda achienda kumvura, uti kwaari, ‘Zvanzi naJehovha, tendera vanhu vangu kuenda vandinamate.’
21
Nokuti kana ukaramba kutendera vanhu vangu, tarira ndichatuma bute renhunzi pamusoro pako, napamusoro pavaranda vako, napamusoro pavanhu vako, nomudzimba dzako; dzimba dzavaIjipiti dzichazara namapute enhunzi, kunyange nevhu padzimire.
22
Nomusi iwoyo ndichatsaura nyika yeGosheni pagere vanhu vangu, kuti ipapo mapute enhunzi arege kuvapo; kuti uzive kuti ndini Jehovha pakati penyika dzose.
23
Ndichaparadzanisa vanhu vangu navanhu vako; chiratidzo ichi chichavapo mangwana.”
24
Zvino Jehovha akaita saizvozvo, mapute makuru-kuru enhunzi akapinda mumba maFarao, nomudzimba dzavaranda vake, nomunyika yose yeIjipiti; nyika ikaodzwa namapute enhunzi.
25
Zvino Farao akadana Mosesi naAroni, akati, “Endai, mundobayira Mwari wenyu munyika ino.”
26
Mosesi akati, “Hazvina kunaka kuita saizvozvo, nokuti tichabayira Jehovha, Mwari wedu, zvibayiro zvinonyangadza vaIjipiti; tarirai, kana tikabayira zvinonyangadza vaIjipiti havangatitaki namabwe here?
27
Tichaenda rwendo rwamazuva matatu murenje, tigobayira Jehovha Mwari wedu sezvaanotiraira.”
28
Farao akati, “Ndichakutenderai kuenda mundobayira Jehovha Mwari wenyu murenje, asi musaenda kure-kure. Ndinyengetererei.”
29
Mosesi akati, “Tarirai, ndinobuda kwamuri, ndichandonyengetera kuna Jehovha kuti mapute enhunzi abve kuna Farao, nokuvaranda vake, nokuvanhu vake mangwana; asi Farao ngaarege kuzonyengerazve, achiramba kutendera vanhu kuenda kundobayira Jehovha.”
30
Ipapo Mosesi akabuda kuna Farao, akandonyengetera kuna Jehovha.
31
Jehovha akaita sezvakakumbira Mosesi, akabvisa mapute enhunzi kuna Farao, nokuvaranda vake, nokuvanhu vake; haana kusara kunyange neimwe.
32
Asi Farao akaomesa mwoyo wake nenguva iyowo, akasatendera vanhu kuenda.
← Chapter 7
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 9 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40