bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
/
Romans 10
Romans 10
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
← Chapter 9
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 11 →
1
Hama dzangu, kuda kwomwoyo wangu nokukumbira kwangu kuna Mwari pamusoro pavo ndiko, kuti vaponeswe.
2
Nokuti ndinovapupurira kuti vanoshingairira Mwari, asi havaiti nokuziva.
3
Nokuti, zvavakanga vasingazivi kururama kwaMwari, vakatsvaka kumisa kururama kwavo vamene, vakasazviisa pasi pokururama kwaMwari.
4
Nokuti Kristu ndimugumo womurayiro, kuti mumwe nomumwe anotenda aruramiswe.
5
Nokuti Mosesi anonyora achiti, “Munhu, anoita kururama, kunorehwa nomurayiro, achararama nazvo.”
6
Asi kururama kunobva pakutenda, kunoreva kudai, “Usati mumwoyo mako, ndianiko achakwira kudenga?” (Ndiko kuburusa Kristu;)
7
kana, “Ndianiko achaburukira kwakadzika-dzika?” (Ndiko kubudisa Kristu kuvakafa.)
8
Asi kunoreveiko? “Shoko riri pedyo newe, mumuromo mako, ndiro shoko rokutenda ratinoparidza;”
9
kana, kuti uchipupura nomuromo wako kuti Jesu ndiye Ishe, nokutenda mumwoyo mako, kuti Mwari akamumutsa kuvakafa, uchaponeswa;
10
nokuti munhu anotenda nomwoyo, ndokururamiswa; anopupura nomuromo, ndokuponeswa.
11
Nokuti Rugwaro runoti, “Aninaani anotenda kwaari, haanganyadziswi.”
12
Nokuti muJudha nomuGiriki havasiyani; nokuti mumwe ndiye Ishe wavose, akapfuma kuna vose vanodana kwaari;
13
nokuti aninaani anodana kuzita raIshe, achaponeswa.
14
Zvino vachagodana seiko kuna iye, wavasina kutenda kwaari? Vachatenda seiko kuna iye, wavasina kunzwa? Vachanzwa seiko kana kusina muparidzi?
15
Vachaparidza seiko, kana vasingatumwi? Sezvazvakanyorwa, zvichinzi, “Dzakanaka sei tsoka dzavanouya namashoko omufaro ezvinhu zvakanaka?”
16
Asi vose havana kuteerera mashoko omufaro. Nokuti Isaya anoti, “Ishe, ndianiko akatenda zvatakaparidza?”
17
Naizvozvo kutenda kunouya nokunzwa, nokunzwa kunouya neshoko raKristu.
18
Asi ndinoti, “Havana kunzwa here? Izwi ravo rakabuda kunyika yose, Namashoko avo kumigumo yenyika.”
19
Asi ndinoti, VaIsiraeri havana kuziva here? Pakutanga Mosesi anoti, “Ndichamutsa godo renyu norudzi rusati ruri rudzi, Ndichamutsa kutsamwa kwenyu norudzi rusinganzwisisi.”
20
NaIsaya, asingatyi, anoti, “Ndakawanikwa navasina kunditsvaka, Ndakaonekwa navasina kundibvunza.”
21
Asi kuvaIsiraeri anoti, “Ndakatambanudzira maoko angu zuva rose kuvanhu vasingateereri, navanokakavara.”
← Chapter 9
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 11 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16