bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
/
Romans 13
Romans 13
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
← Chapter 12
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 14 →
1
Munhu mumwe nomumwe ngaazviise pasi pamasimba makuru; nokuti hakuna simba risina kubva kuna Mwari; iwo aripo akaiswapo naMwari.
2
Saka anoramba simba, anodzivisa zvakaiswapo naMwari; zvino ivo vanodzivisa, vanozvitorera mhosva.
3
Nokuti vabati havatyisi anobata basa rakanaka, asi rakaipa. Unoda kusatya simba here? Ita zvakanaka, ugorumbidzwa naro;
4
nokuti ndiye mushumiri waMwari kwauri, kuti akuitire zvakanaka. Asi kana uchiita zvakaipa, chitya; nokuti iye haabati munondo pasina; nokuti ndiye mushumiri waMwari, mutsivi wokutsamwa kunoanoita zvakaipa.
5
Naizvozvo munofanira kuzviisa pasi pavo, musingadaro nokuda kwokutsamwa bedzi, asi nokuda kwehanawo.
6
Nokuti nemhaka iyo munoripawo mutero; nokuti ndiwo varanda vaMwari, vanoramba vachingobatira chinhu icho.
7
Ripirai vose zvavanofanira kuripirwa, Mutero kuna vanofanira kutererwa; kutya kuna vanofanira kutyiwa; kukudza kuna vanofanira kukudzwa.
8
Musava nechikwerete nomunhu, asi chokudana; nokuti anoda mumwe, azadzisa murayiro.
9
Nokuti izvo zvokuti, “Usaita upombwe, usauraya, usaba, usachiva; kana murayiro upi noupi,” zvakaunganidzwa pashoko rokuti, “Ude wokwako sezvaunozvida iwe.”
10
Rudo haruitiri wokwako zvakaipa; naizvozvo rudo runozadzisa murayiro.
11
Zvikuru ndinoreva izvozvi, zvatinoziva nguva, kuti zvino yatova nguva yokumuka kwenyu pahope; nokuti zvino kuponeswa kwedu kwava pedyo kupfuura zuva ratakatanga kutenda naro.
12
Usiku hwapfuura, kwoedza; naizvozvo ngatirashe mabasa erima, ngatishonge nhumbi dzokurwa dzechiedza.
13
Ngatifambe nenzira yakafanira sapamasikati; tisingafambi nokutamba kwakaipa, nokubatwa, kana noupombwe, noutere, kana negakava, negodo.
14
Asi pfekai Ishe Jesu Kristu, musatsvaka kufadza nyama pakuchiva kwayo.
← Chapter 12
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 14 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16