bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
/
Romans 11
Romans 11
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
← Chapter 10
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 12 →
1
Zvino ndinoti, Ko Mwari wakarasa vanhu vake here? Haisva! Nokuti neniwo ndiri muIsiraeri, worudzi rwaAbhurahamu, weimba yaBhenjamini.
2
Mwari haana kurasa vanhu vake vaakaziva pakutanga. Ko hamuzivi kuti Rugwaro runoti kudini pamashoko aEria here? Kuti anokumbira kuna Mwari pamusoro pavaIsiraeri, achiti,
3
“Ishe, vakauraya vaporofita venyu, vakaputsa aritari dzenyu; ini ndakasiyiwa ndoga, zvino vanotsvaka kundiuraya?”
4
Asi Mwari anomupindureiko? Anoti, “Ndakazvisiyira varume vane zviuru zvinomwe vasina kupfugamira Bhaari.”
5
Zvino, saizvozvo nenguva inowo variko vakasara, vakatsanangurwa nenyasha.
6
Zvino kana kutsanangura kuri kwenyasha, hakusati kuchiri kwamabasa; kana zvisakadaro, nyasha hadzichiri nyasha.
7
Zvino tichatiiko? VaIsiraeri havana kuwana zvavakanga vachitsvaka, asi vakatsanangurwa ndivo vakazviwana; vamwe vakaomeswa,
8
sezvazvakanyorwa, zvichinzi, “Mwari akavapa mweya wehope; kuti varege kunzwa, kusvikira zuva ranhasi.”
9
NaDhavhidhiwo anoti, “Tafura yavo ngaiitwe musungo, neriva, Nechigumbuso, nechinotsiva kwavari,
10
Meso avo ngaasvibirwe, varege kuona; Mukotamise misana yavo misi yose.”
11
Zvino ndinoti, Vakagumbuswa kuti vawe here? Haisva! Asi nokuwa kwavo ruponeso rwakasvika kuvahedheni, kuti vamutsirwe godo.
12
Zvino kana kuwa kwavo kwakafumisa nyika, nokutapudzwa kwavo kwakafumisa vahedheni, zvikuru sei kuzara kwavo?
13
Ndinotaura kwamuri, imi vahedheni. Zvandiri mupostori wavahedheni, ndinokudza basa rangu.
14
Zvimwe ndingamutsa godo kuna venyama yangu, ndiponese vamwe vavo.
15
Nokuti kana kuraswa kwavo kuri kuyananiswa kwenyika, kugamuchirwa kwavo kuchagoveiko, asi upenyu pakufa?
16
Zvino kana chibereko chokutanga chiri chitsvene, bundu rose rakadarowo; kana mudzi uri mutsvene, matavi akadarowo.
17
Zvino, kana mamwe matavi akavhuniwa, iwe, muorivhi wokudondo ukabatanidzwa pakati pawo, ukava nomugove pamwechete nawo pamudzi napamafuta omuorivhi;
18
usazvikudza pamusoro pamatavi; kana uchizvikudza, hauzi iwe unotakura mudzi, asi mudzi ndiwo unokutakura iwe.
19
Zvino iwe uchati, “Matavi akavhuniwa, kuti ini ndibatanidzwe.”
20
Ndizvozvo; vakavhuniwa nokusatenda kwavo iwe unomira nokutenda kwako. Usazvikudza, asi utye;
21
nokuti kana Mwari asina kurega matavi okutanga, haangakuregi newewo.
22
Zvino tarira unyoro nokukasharara kwaMwari; kukasharara kuna vakawa, asi kwauri unyoro hwaMwari, kana uchigara paunyoro hwake; kana zvisakadaro newe uchatemwawo.
23
Naivowo, kana vasingagari pakusatenda kwavo, vachabatanidzwa; nokuti Mwari anogona kuvabatanidzazve.
24
Nokuti kana iwe wakatemwa kumuorivhi, uri wokudondo pakusikwa kwawo, ukabatanidzwa pamuorivhi wakanaka, zvichipesana nokusikwa kwazvo zvikuru sei ava vari vomuti iwoyo umene, vangabatanidzwa pamuorivhi wavo!
25
Nokuti hama dzangu, handidi kuti musaziva chavanzika ichi, kuti murege kuva namanyawi; kuti kuomeswa kwomwoyo kwakauya pamusoro pavamwe vavaIsiraeri kusvikira kuzara kwavahedheni kwapinda;
26
naizvozvo rudzi rwose rwavaIsiraeri ruchaponeswa; sezvazvakanyorwa zvichinzi, “PaZioni pachabuda Musununguri; Achabvisa kusada Mwari kuna Jakobho;
27
Iyi ndiyo sungano yangu navo, Musi wandichabvisa zvivi zvavo.”
28
Kana iri Vhangeri, ivo vavengi vaMwari nokuda kwenyu; asi kana kuri kutsanangurwa, vadikanwi nokuda kwamadzibaba.
29
Nokuti zvipo zvaMwari nokudana kwake hazvishandurwi.
30
Nokuti semi kare makanga musingateereri Mwari, asi zvino makanzwirwa ngoni nokusateerera kwavo,
31
saizvozvo naivo zvino havana kuterera, kuti nengoni dzakaitirwa imi naivo vanzwirwewo ngoni.
32
Nokuti Mwari akavapfigira vose pakusateerera kwavo, kuti avanzwire ngoni vose.
33
Aiwa kupfuma kwokuchenjera nokuziva kwaMwari kwakadzika sei! Kutonga kwake hakunganzverwi, nenzira dzake hadzingarondwi!
34
Nokuti ndianiko akaziva murangariro waIshe? Ndianiko akanga ari murayiri wake?
35
Ndianiko akatanga kumupa, kuti aripirwezve?
36
Nokuti zvose zvinobva kwaari, zviripo naye, zviripo nokuda kwake. Ngaave nokubwinya nokusingaperi. Ameni.
← Chapter 10
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 12 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16