bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
/
Romans 8
Romans 8
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
← Chapter 7
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 9 →
1
Naizvozvo hakuchina kupiwa mhosva kuna vari muna Kristu Jesu.
2
Nokuti murayiro woMweya woupenyu muna Kristu Jesu wakandisunungura pamurayiro wezvivi noworufu.
3
Nokuti, zvakanga zvisingakwaniswi nomurayiro, pakushaiwa kwawo simba nokuda kwenyama, Mwari pakutuma kwake Mwanakomana wake nomufananidzo wenyama yezvivi, nokuda kwezvivi, akapa mhosva zvivi zviri munyama;
4
kuti zvakarehwa nomurayiro zviitike matiri, isu tisingafambi nenyama, asi nomweya.
5
Nokuti vari venyama vanofunga zvenyama; asi vari vomweya, vanofunga zvomweya.
6
Nokuti kufunga kwenyama ndirwo rufu; asi kufunga kwomweya ndihwo hupenyu norugare;
7
nokuti kufunga kwenyama kunovengana naMwari; nokuti hakuzviisi pasi pomurayiro waMwari; hakugoniwo;
8
zvino vari munyama havagoni kufadza Mwari.
9
Asi imi hamuzi munyama, asi mumweya, kana Mweya waMwari achigara zvirokwazvo mukati mwenyu. Asi kana munhu asina Mweya waKristu, haazi wake.
10
Kana Kristu ari mukati menyu, muviri wakafa nokuda kwezvivi, asi mweya mupenyu nokuda kwokururama.
11
Zvino kana Mweya waiyeyo akamutsa Jesu kuvakafa achigara mukati menyu, iye akamutsa Kristu Jesu kuvakafa, achaponesa miviri yenyu inofa noMweya wake, unogara mukati menyu.
12
Naizvozvo, hama dzangu, hatina mungava nenyama, kuti tirarame netsika dzenyama.
13
Nokuti kana muchifamba netsika dzenyama, muchafa; asi kana muchiuraya mabasa omuviri noMweya, muchararama;
14
nokuti vose vanotungamirirwa naMweya waMwari, ndivo vana vaMwari.
15
Nokuti hamuna kupiwa mweya wouranda kuti mutyezve, asi makapiwa mweya wokuitwa vana, watinodana nawo, tichiti, “Aba, baba.”
16
Mweya amene anopupurirana nomweya wedu, kuti tiri vana vaMwari;
17
zvino kana tiri vana, tiri vadyi venhaka; vadyi venhaka yaMwari, vadyi venhaka pamwechete naKristu; kana tichitambudzika pamwechete naye, tigokudzwawo pamwechete naye.
18
Nokuti ndinoti madambudziko enguva ino haana kufanira kuenzaniswa nokubwinya kuchazoratidzwa kwatiri.
19
Nokuti zvisikwa zvinotarisisa zvikuru zvichimirira kuratidzwa kwavanakomana vaMwari.
20
Nokuti zvisikwa zvakaiswa pasi pezvisingagari, zvisingadi hazvo, asi nokuda kwaiye wakazviisa pasi pazvo,
21
zvichitarira kuti zvisikwa zvimene zvisunungurwewo pauranda hwokuora, zviiswe pakusunungurwa kwokubwinya kwavana vaMwari.
22
Nokuti tinoziva kuti zvisikwa zvose zvinogomera nokurwadziwa pamwechete kusvikira zvino.
23
Zvisati zviri izvo bedzi, asi nesuo, kunyange tine zvibereko zvokutanga zvoMweya, nesu timene tinogomera mukati medu, tichimirira kuitwa kwedu vana, ndiko kudzikinurwa kwomuviri wedu.
24
Nokuti takaponeswa netariro; asi tariro inoonekwa, haizi tariro; nokuti ndiani anotarira chaanoona?
25
Asi kana tichitarira chatisingaoni, tinochimirira nokutsungirira.
26
Saizvozvo Mweya anobatiranawo nokusava nesimba kwedu; nokuti hatizivi kunyengetera zvakafanira; asi Mweya amene unotinyengeterera nokugomera kusingataurwi;
27
uyo anonzvera mwoyo, ndiye anoziva kufunga kwoMweya, nokuti anonyengeterera vatsvene sezvinoda Mwari.
28
Tinoziva kuti zvinhu zvose zvinobatirana kuti zviitire zvakanaka avo vanoda Mwari, avo vakadanwa sezvaakafunga.
29
Nokuti vaakaziva kare, ndivo vaakatemerawo kare, kuti vafanane nomufananidzo woMwanakomana wake, kuti ave dangwe pakati pehama zhinji;
30
avo vaakatemera kare, ndivo vaakadanawo; vaakadana, ndivo vaakaruramisawo; vaakaruramisa, ndivo vaakakudzawo.
31
Zvino tichatiiko pazvinhu izvi? Kana Mwari achitirwira, ndianiko achatirwisa?
32
Iye asina kuramba kunyange noMwanakomana wake, asi akamupa chose nokuda kwedu tose, angarega seiko kutipawo zvose pamwechete naye?
33
Ndianiko achakwirira vasanangurwa vaMwari? Mwari ndiye anoruramisa.
34
Ndianiko achavapa mhosva? Kristu Jesu ndiye akafa, zvikuru ndiye akamutswa kuvakafa, ari kurudyi rwaMwari, anotinyengetererawo.
35
Ndianiko achatiparadzanisa norudo rwaKristu? Kutambudzika, kana nhamo, kana kuvengwa, kana nzara, kana kushayiwa zvokufuka, kana njodzi, kana munondo here?
36
Sezvazvakanyorwa, zvichinzi, “Nokuda kwenyu tinourawa zuva rose; Takanzi tiri makwai anobayiwa.”
37
Kwete, pazvinhu izvi zvose tiri vakundi nokupfuurisa naiye wakatida.
38
Nokuti ndinoziva kwazvo kuti kunyange rufu, kana upenyu, kana vatumwa, kana vakuru, kana zvazvino, kana zvinouya, kana masimba,
39
kana kwakakwirira, kana kwakadzika, kana chinhu chimwe chakasikwa, hazvingagoni kutiparadzanisa norudo rwaMwari, ruri muna Kristu Jesu, Ishe wedu.
← Chapter 7
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 9 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16