bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
/
Romans 4
Romans 4
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
← Chapter 3
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 5 →
1
Zvino tichati Abhurahamu, tateguru vedu panyama, akawaneiko?
2
Nokuti dai Abhurahamu akaruramiswa namabasa ake, angadai ane chinhu chaangazvirumbidza nacho; asi haana pamberi paMwari.
3
Nokuti Rugwaro runoti kudiniko? Runoti, “Abhurahamu akatenda Mwari, kukanzi kwaari ndiko kururama.”
4
Zvino kuno anobata basa, mubayiro haunzi ndowenyasha, asi ndowengava.
5
Kunoasingabati, asi anotenda kuna iye anoruramisa munhu asingadi Mwari, kutenda kwake kunonzi kwaari ndiko kururama.
6
Sezvinorevawo Dhavhidhi, kuti akaropafadzwa munhu anonzi naMwari akarurama, kunze kwamabasa,
7
achiti, “Vakaropafadzwa vakaregererwa zvisakarurama zvavo, Navakafukidzirwa zvivi zvavo;
8
Wakaropafadzwa munhu asinganzi naIshe ane zvivi.”
9
Zvino kuropafadzwa uku ndokwavakadzingiswa, kana kwavasinakudzingiswa here? Nokuti tinoti, kuna Abhurahamu, “Kutenda kwake kwakanzi ndiko kururama.”
10
Zvino zvakanzarwo seiko? Atodzingiswa, kana asina kudzingiswa here? Hazvina kunzarwo adzingiswa, asi asina kudzingiswa;
11
akapiwa chiratidzo chokudzingiswa, kuti chive chisimbiso chokururama kwokutenda, kwaakanga anako asati adzingiswa; kuti ave baba vavose vanotenda, kunyange vasina kudzingiswa, kuti vagonzi vakarurama;
12
ave baba vokudzingiswa kuna ivo vasina kudzingiswa bedzi, asi vanofambawo mumakwara okutenda kwababa vedu Abhurahamu, kwavaiva nako vasati vadzingiswa.
13
Nokuti chipikirwa chokuti uchava mugari wenhaka yenyika hachina kupiwa Abhurahamu kana rudzi rwake nomurayiro, asi nokururama kwokutenda.
14
Nokuti dai vomurayiro vari vagari venhaka, kutenda hakuna maturo, nechipikirwa chinokoneswa;
15
nokuti murayiro unouyisa kutsamwa; asi pasina murayiro hapana kudarikawo.
16
Saka ndezvokutenda, kuti, zvive zvenyasha; kuti chipikirwa chive nesimba kurudzi rwose; rusati ruri rwomurayiro bedzi, asi norwokutenda kwaAbhurahamuwo, iye baba vedu tose,
17
(sezvazvakanyorwa, zvichinzi, “Ndakakuita baba vamarudzi mazhinji”) pamberi paiye waakatenda, iye Mwari anopa vakafa upenyu, nokudana zvisipo sezvinenge zviripo.
18
Akatenda netariro pasina tariro, kuti ave baba vamarudzi mazhinji, sezvakanga zvarehwa, zvichinzi, “Rudzi rwako ruchadaro.”
19
Haana kushayiwa simba pakutenda, achifunga muviri wake wakanga watofa hawo (zvaaiva namakore anenge zana), nokufa kwechizvaro chaSara;
20
akatarira chipikirwa chaMwari, haana kunyunyuta nokusatenda, asi akasimbiswa pakutenda, akakudza Mwari,
21
achiziva kwazvo, kuti icho chaakapikira, akanga ane simba rokuchiitawo.
22
Saka zvakanzi kwaari, “Ndiko kururama.”
23
Zvino hazvina kunyorwa nokuda kwake bedzi, kuti “Zvikanzarwo kwaari;”
24
asi nokuda kweduwo; nesu tichanzarwo; iyesu, tinotenda kunoakamutsa Jesu, Ishe wedu, kuvakafa
25
iye akaiswa kurufu nokuda kwokudarika kwedu, akamutswa nokuda kwokururamiswa kwedu.
← Chapter 3
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 5 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16