bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
/
Romans 9
Romans 9
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
← Chapter 8
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 10 →
1
Ndinotaura zvirokwazvo muna Kristu, handirevi nhema, hana yangu ichindipupurira muMweya Mutsvene,
2
kuti ndine shungu kwazvo nokuchema kusingaperi mumwoyo mangu.
3
Nokuti ndaida kuti ini ndimene ndive munhu akatukwa, akaparadzaniswa naKristu nokuda kwehama dzangu, ivo vorudzi rwangu panyama;
4
ndivo vaIsiraeri; kuva vana, nokubwinya, nesungano, nokupiwa murayiro, nokunamata Mwari, nezvipikirwa, ndezvavo;
5
madzibaba ndaavo, naKristu akabva kwavari panyama, ari pamusoro pavose, Mwari anokudzwa nokusingaperi. Ameni.
6
Asi handiti shoko raMwari rakakona. Nokuti vakabva kuvaIsiraeri havazi vaIsiraeri vose;
7
navari vorudzi rwaAbhurahamu havazi vana vake vose; asi zvinonzi, “Kuna Isaka ndiko kuchatumidzwa rudzi rwako.”
8
Ndokuti havazi vana venyama vari vana vaMwari; asi vana vokupikirwa, ndivo vanonzi rudzi.
9
Nokuti shoko rakapikirwa ndirori, “Nenguva yakaita seino ndichauya, Sara achava nomwanakomana.”
10
Hazvizi izvozvo bedzi; asi Rabhekawo, wakati ava nemimba kunomumwe, iye Isaka, baba vedu.
11
Nokuti vana vasati vaberekwa, vasati vaita zvakanaka kana zvakaipa, kuti kufunga kwaMwari pakutsanangura kwake kusimbiswe, kusingabvi pamabasa, asi kuna iye anodana,
12
zvakanzi kwaari, “Mukuru achava muranda womuduku.”
13
Sezvazvakanyorwa, zvichinzi, “Jakobho ndakamuda, asi Esau ndakamuvenga.”
14
Zvino tichatiiko? Kusarurama kuripo kuna Mwari here? Haisva!
15
Nokuti anoti kuna Mosesi, “Ndichanzwira ngoni wandinonzwira tsitsi.”
16
Naizvozvo hazvibvi kunoanoda, kana kunoanomhanya, asi kuna Mwari, munzwiri wengoni.
17
Nokuti Rugwaro runoti kuna Farao, “Ndizvo zvandakakumutsira, kuti ndiratidze simba rangu kwauri, uye kuti zita rangu riparidzwe panyika yose.”
18
Naizvozvo anonzwira ngoni waanoda; uye anoomesera mwoyo waanoda.
19
Zvino iwe ungati kwandiri, “Iye achapireiko mhosva? Nokuti ndianiko anoramba kuda kwake?”
20
Ko zvino iwe munhu, ndiwe aniko, unopindura Mwari? Ko chakaumbwa chingati kunoakachiumba, “Wandiitireiko kudai?”
21
Ko muumbi wehari haana simba pamusoro pevhu here, kuti nebundu rimwe aite midziyo mumwe wakakudzwa, nomumwe usina kukudzwa?
22
Zvino tichatiiko kuna Mwari, kana akanga achida kuratidza kutsamwa kwake, nokuzivisa simba rake, akaita nomwoyo murefu zvikuru pamusoro pemidziyo yokutsamwirwa, yakagadzirirwa kuparadzwa,
23
kuti azivise kufuma kwokubwinya kwake pamusoro pemidziyo yengoni, yaakanga agadzirira kubwinya,
24
iyesu vakadanwawo naye, tisingabvi kuvaJudha bedzi, asi kuvahedheniwo?
25
Sezvaanorevawo mubhuku yaHosea, achiti, “Avo vakanga vasi vanhu vangu, ndichavaidza, ‘Vanhu vangu;’ Naiye akanga asi mudikanwi, ndichamuidza, ‘Mudikanwi.’
26
Zvichaitika kuti paya pakanga parehwa kwavari, ‘Hamuzi vanhu vangu,’ Ipapo vachaidzwa vanakomana vaMwari mupenyu.”
27
NaIsaya anodana pamusoro pavaIsiraeri, achiti, “Kana kuwanda kwavana vaIsiraeri kwakaita sejecha regungwa, vakasara ndivo vachaponeswa;
28
nokuti Ishe achaita panyika shoko rake, nokuripedzisa nokukurumidza.”
29
Sezvaakamboreva Isayawo, achiti, “Dai Ishe wehondo asina kutisiyira rudzi, Tingadai takava seSodhoma, takaitwa seGomora.”
30
Zvino tichatiiko? Tichati, vahedheni vasina kutsvaka kururama, ndivo vakawana kururama, iko kururama kwokutenda;
31
asi vaIsiraeri vakati vachitsvaka murayiro wokururama, havana kusvika pamurayiro iwoyo.
32
Neiko? Nokuti havana kuutsvaka nokutenda, asi zvinenge namabasa avo. Vakagumburwa nebwe rinogumbusa.
33
Sezvazvakanyorwa zvichinzi, “Tarira, ndinoisa paZioni ibwe rokugumbusa, nedombo rokupinganidza; Anotenda kwaari, haanganyadziswi.”
← Chapter 8
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 10 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16