bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
/
Romans 3
Romans 3
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
← Chapter 2
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 4 →
1
Ko muJudha anopfuura vamwe neiko? Kana kudzingiswa kunobatsireiko?
2
Zvizhinji, nemitowo yose, Pakutanga, kuti ndivo vakapiwa mashoko aMwari.
3
Nokuti zvinodiniko kana vamwe vasina kutenda? Ko kusatenda kwavo kuchakonesa kutendeka kwaMwari here?
4
Haisva! Mwari ngaave wachokwadi, asi vanhu vose vave venhema; sezvazvakanyorwa, zvichinzi, “Kuti mururamiswe pamashoko enyu, Mukunde pakutonga kwenyu.”
5
Asi kana kusarurama kwedu kuchiratidza kururama kwaMwari, tichatiiko? Kuti Mwari haana kururama here, zvaanoita nehasha? (Ndinotaura nokutaura kwomunhu.)
6
Haisva! Mwari angagozotonga nyika seiko?
7
Zvino kana chokwadi chaMwari chawanzwa nenhema dzangu, iye akakudzwa nazvo, ko neniwo ndichatongerwei somutadzi?
8
Ticharegereiko kutaura (sezvatinopomerwa, uye sezvinoreva vamwe vachiti tinodaro), tichiti, “Ngatiite zvakaipa, kuti zvakanaka zvibudepo?” Kutongwa kwavo kwakarurama.
9
Zvino todiniko? Tinovapfuura here? Kwete napaduku; nokuti tambopa vose mhosva, vaJudha navaGiriki, tichiti vose vakasungwa nezvivi;
10
sezvazvakanyorwa, zvichinzi, “Hakuna akarurama, kunyange nomumwe;
11
Hakuna anonzwisisa, Hakuna anotsvaka Mwari;
12
Vakatsauka vose, vakava vanhu vasina maturo, Hakuna anoita zvakanaka, kunyange nomumwechete;
13
Huro dzavo bwiro hwakashama; Vakanyengera nendimi dzavo; Uturu hwenyoka huri mumiromo yavo;
14
Muromo wavo uzere nokutuka nokuvava;
15
Tsoka dzavo dzinokurumidza kuteura ropa;
16
Kuparadza nenhamo zviri munzira dzavo;
17
Nenzira yorugare havana kuiziva
18
Kutya Mwari hakupo pamberi pavo.”
19
Zvino tinoziva kuti zvose zvinorehwa nomurayiro, anozvitaura kuna vose vari pasi pomurayiro; kuti miromo yose idzivirwe, nenyika yose ive nemhosva pamberi paMwari.
20
Nokuti hakuna nyama ingaruramiswa pamberi pake namabasa omurayiro; nokuti zvivi zvinoziviswa nomurayiro.
21
Asi zvino kururama kwaMwari kwakaratidzwa kunze kwomurayiro, kuchipupurirwa nomurayiro navaporofita;
22
ndiko kururama kwaMwari kunouya nokutenda kuna Jesu Kristu kuna vose vanotenda; nokuti havasiyani,
23
nokuti vose vakatadza, vakasasvika pakubwinya kwaMwari.
24
Vanongoruramiswa nenyasha dzake nokudzikinura kuri muna Kristu Jesu;
25
iye akagadzwa naMwari, kuti ave muyananiso nokutenda muropa rake, kuti kururama kwake kuratidzwe, nokuti zvivi zvakaitwa kare zvakaregerwa, Mwari achivaitira mwoyo murefu;
26
kuti kururama kwake kuratidzwe nenguva ino, kuti arurama iye amene, uye aruramise uyo unotenda kuna Jesu.
27
Zvino kuzvikudza kuripiko? Kwabviswa. Nomurayiro upiko? Wamabasa here? Kwete, asi nomurayiro wokutenda.
28
Naizvozvo tinoti, munhu anoruramiswa nokutenda kunze kwamabasa omurayiro.
29
Ko Mwari ndiye wavaJudha voga here? Haazi wavahedheniwo here? Hongu, wavahedheniwo;
30
Mwari zvaari mumwechete, acharuramisa vakadzingiswa pamusoro pokutenda, navasina kudzingiswa nokutenda.
31
Zvino tinokonesa murayiro nokutenda here? Haisva! Asi tinosimbisa murayiro.
← Chapter 2
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 4 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16