bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
/
Romans 16
Romans 16
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
← Chapter 15
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
1
Ndinoreverera kwamuri Fibhi, hanzvadzi yedu, mushandiri wekereke iri paKenikiria.
2
Kuti mumugamuchire muna Ishe, sezvinofanira vatsvene, nokumubatsira pazvinhu zvose zvaangashayiwa; nokuti iye amene akabatsira vazhinji, neniwo ndimene.
3
Ndikwazisirei Pirisika naAkwira, vanobata neni munaKristu Jesu,
4
vakaisa mitsipa yavo kurwira upenyu hwangu; vandisingavongi ini ndoga, asi nekereke dzose dzavahedheni.
5
Ndikwazisireiwo kereke iri paimba yavo. Ndikwazisirei Epeneto, mudikanwi wangu, ndiye chibereko chokutanga munaKristu paAsia.
6
Ndikwazisirei Maria, akakubatsirai zvikuru.
7
Ndikwazisirei Andironiko naJunia, worudzi rwangu, vakasungwa pamwechete neni, vakakurumbira pakati pavapostori, vakanditangirawo kuva muna Kristu.
8
Ndikwazisirei Amupiriato, mudikanwi wangu muna Ishe.
9
Ndikwazisirei Uribhano, anobata nesu muna Kristu, naSitako, mudikanwi wangu.
10
Ndikwazisirei Apere, akatendwa muna Kristu. Ndikwazisirei vokwaArisitobhuro.
11
Ndikwazisirei Herodhio worudzi rwangu. Ndikwazisirei vokwaNarikiso, vari muna Ishe.
12
Ndikwazisirei Tirifaina naTirifosa, vanobata muna Ishe. Ndikwazisirei Pesisi, mudikanwi, akabata zvikuru muna Ishe.
13
Ndikwazisirei Rufosi, musanangurwi muna Ishe, naamai vake, navangu.
14
Ndikwazisirei Asinikiroto, naFiregoni, naHerimesi, naPatirobhasi, naHerimasi, nehama dziri kwavari.
15
Ndikwazisirei Firorogosi, naJuria, naNerea, nehanzvadzi yake, naOrimipasi, navatsvene vose vari kwavari.
16
Kwazisanani nokutsvoda kutsvene. Kereke dzose dzaKristu dzinokukwazisai.
17
Zvino ndinokumbira zvikuru kwamuri, hama dzangu, kuti mucherekedze avo vanopesanisa, navanogumbusa, vachiita zvinopesana nedzidziso yamakadzidza imi; muvanzvenge.
18
Nokuti vakadaro havabatiri Ishe wedu Kristu, asi dumbu ravo; vanonyengera mwoyo yavasina zvakaipa namashoko avo akanaka, anobata kumeso.
19
Nokuti kuteerera kwenyu kwakasvika kuvanhu vose. Naizvozvo ndinofara pamusoro penyu; asi ndinoda kuti muve vakachenjera kune zvakanaka, asi vasina njere kune zvakaipa.
20
Zvino Mwari worugare achakurumidza kupwanya Satani pasi petsoka dzenyu. Nyasha dzaIshe wedu Jesu ngadzive nemi.
21
Timoti, anobata neni, anokukwazisai; naRukio, naJasoni, naSosipatirosi, vorudzi rwangu.
22
Ini Teritiosi, anonyora tsamba iyi, ndinokukwazisai muna Ishe.
23
Gayo, akandigamuchira ini nekereke yose, anokukwazisai. [
24
Erasitosi, muchengeti wemari yeguta, anokukwazisai, naKwaritosiwo, hama.]
25
Zvino iye, anogona kukusimbisai, sezvinoreva Vhangeri yangu, nokuparidzwa kwaJesu Kristu, nokuzarurwa kwezvakavanzika, zvisina kurehwa nguva dzisingaperi,
26
asi zvino zvinoratidzwa nokuziviswa kumarudzi ose, naMagwaro avaporofita, sezvakarayirwa naMwari asingaperi, kuti vateerere nokutenda;
27
iye Mwari wakachenjera oga, ngaave nokubwinya naJesu Kristu nokusingaperi. Ameni.
← Chapter 15
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16