bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Daniel 10
Daniel 10
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 9
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 11 →
1
Mugore rechitatu rokutonga kwaSairasi mambo wePezhia, pane zvimwe zvinhu zvakaoneswa Dhanieri ainzi Bheriteshaza. Zvinhu zvacho zvaiva zvechokwadi, zvaiva zvehondo chaizvo. Zvinhu izvozvo akazvinzwisisa akanzwisisawo chiratidzo chacho.
2
Mumazuva iwayo, ini Dhanieri ndaingunochema kwamasvondo matatu.
3
Ndakanga ndisingadyi zvokudya zvakanakisa kana nyama kana waini yakambopinda mukanwa mangu. Handina kumbozora mafuta kwamasvondo matatu chaiwo akakwana.
4
Pazuva ramakumi maviri nechina romwedzi wokutanga ndakanga ndimire pamahombekombe erwizi rukuru rwaTigirisi.
5
Ndakasimudza musoro ndikatarisa ndikaona mumwe munhu akanga akapfeka rineni akasunga muchiuno bhandhi rendarama yeUfazi.
6
Muviri wake wakanga wakaita samatombo ebheriri uso hwake huchiita semheni, maziso ake achingarikira somwenje womoto, maoko ake namakumbo achivaima sendarira yakakwenenzverwa ruzha rwezvaaitaura ruchiita semhomho yavanhu.
7
Iyeni Dhanieri ndoga ndini ndakaona chiratidzo ichocho nokuti varume vandaiva navo havana kuona chiratidzo ichocho. Asi vakapindwa nokudedera kukuru kwazvo vakatiza kundohwanda.
8
Ipapo ndakasiyiwa ndangova ndoga ndichiona chiratidzo ichocho chikuru asi ndisisina simba. Kunyatsoonekerawo kwouso hwangu kwakasanduka zvinotyisa ndikapera simba.
9
Ndipo pandakanzwa izwi rake kutaura. Pandakanzwa kutaura kwake ikoko ndakabva ndati kwimha pasi nouso ndokubva ndanzi koche kubatwa nehope dzorufu uso hwangu huri pasi kudaro.
10
Ndokubva ruoko rwandibata rukandipfugamisa namabvi namagokora ndichidedera.
11
Akanditi, “Dhanieri, munhu wapamwoyo chaiye nyatsoteerera mazwi andava kukutaurira chinyatsomira nokuti zvino ndatumwa kwauri.” Paakataura neni izvozvi ndakamira ndichidedera.
12
Akanditi, “Usatye zvako Dhanieri nokuti kubvira musi wawatangisa kuva nomwoyo wokuda kunzwisisa zvinhu izvozvi uchizvirereka pana Mwari wako, zvawaitaura zvakanzwika, nokudaro ndauya pamusana pezvawaireva.
13
Asi muchinda wenyika yePezhia aipikisana neni kwamazuva makumi maviri nerimwechete. Asi Mikaeri mumwe wamachinda makuru akauya kuzondibatsira naizvozvo ndamusiya ikoko nomuchinda wenyika yePezhia.”
14
Ndauya kuitira kuti unzwisise zvichawira vanhu vokwako mumazuva anotevera, nokuti chiratidzo ichochi ndechamazuva ari kuuya.
15
Paakanditaurira saizvozvi, ndakabva ndati uso pasi tsikitsiki ndokushaya kana neromuromo.
16
Ndokubva mumwe akaita sevanakomana vavanhu andigunzva miromo. Ndakashamisa muromo ndikataura kune uya akanga amire pamberi pangu kuti, “Changamire chiratidzo chiya ichi chakonzera kuti ndive nokurwadziwa kwandava nako handichisina simba.
17
Ini muranda wenyu ndingataure seiko nemi changamire? Simba randiperera ini, handichakwanisi kufema.”
18
Uya uya wechimiro chinenge chomunhu akandibatazve akandisimbaradza.
19
Akati, “Nhaiwe, munhu wapamwoyo chaiyechaiye, usatye, rugare ngaruve newe. Shinga utsunge mwoyo.” Paakataura kwandiri ndakabva ndasimbaradzwa ndokubva ndati, “Changamire chiregai nditaure nemi nokuti mandisimbaradza.”
20
Iye ndokuti, “Zvandauyira kwauri unozviziva here? Asi iye zvino ndava kudzokera kundorwisa muchinda wePezhia. Ndikange ndapedza naye ndipo pachauya muchinda wenyika yeGirisi.
21
“Asi ini ndichakutaurira zvakanyorwa mubhuku rechokwadi. Hakuna kana mumwe angabatsire ari kudivi kwangu kusiya Mikaeri muchinda wokwenyu.
← Chapter 9
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 11 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12