bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Daniel 4
Daniel 4
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 3
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 5 →
1
“Ini mambo Nebhukadhineza ndinokunyorerai tsamba imi vanhu vamarudzi ose zvawo, nduzi nendudzi ndimi nendimi imi mugere munyika yose. Dai kwamuri runyararo rwaita muchechetere mvura yeguvi.
2
“Ini ndakaona zviri zvakanaka kukuratidzai zviratidzo nezvishamiso zvandakaitirwa naMwari Wokumusorosoro.
3
Kukura here ikoko kwakaita zviratidzo zvake. zvishamiso zvake, harisi simba iroro. Umambo hwake ipfirapo, haupere narini, kutonga kwake ndekwechizvarwa nechizvarwa.
4
“Ini Nebhukadhineza ndakanga ndakagarikana zvangu ndiri mumba mangu, zvinhu zvichindifambirawo zvakanaka mumuzinda mangu.
5
Ndakarota hope dzakandityisa ndirere hangu pamubhedha. Kwakauya pfungwa nezvimwe zvandaioneswa mumusoro mangu zvikabva zvandibvundisa nokutya.
6
Naizvozvo ini ndakatema chirevo chokuti vangwaru vose veBhabhironi vauyiwe navo kwandiri kuti vanditsanangurirewo zvinoreva hope idzodzo.
7
Vamaminimini navamapipi navaKaridhea nenyanzvi dzokufembera nenyenyedzi, vakapinda, ini ndikavarondedzera hope dzangu. Asi havana kugona kundizivisa zvadzinoreva.
8
Pakupedzesera akapinda Dhanieri, uya akatumidzwa zita rokuti Bheriteshaza rinoenderanawo nezita ramwari wangu, akapinda mandaiva. Maari mune Mweya waMwari Anoera. Ndakamutaurira hope idzodzo ndichiti,
9
‘Iwe Bheriteshaza mukuru mukuru wavanhu vamaminimini, hedzino hope dzandakarota nditaurire zvadzinoreva nokuti ndinozviziva kuti mauri iwe mune Mweya waMwari Anoera uye kuti hakuna chakavandika chingakunetse.’
10
“Zvandakaoneswa mumusoro mangu ndirere pamubhedha ndezvizvi izvi. Ndakatarisa ndikaona muti pakati penyika wakanga wakareba zvikuru kwazvo.
11
Muti iwoyo wakakura ukasimba ukaita nhungamakore chaiyo kureba uchitoonekwa kwose nekwakaperera nyika.
12
Mashizha awo aiyevedza kwazvo, uye wakanga wakabereka michero zvokubereka zviya. Zvose zvaiwana zvokudya mauri: Mhuka dzesango dzaiwana mumvuri pasi pawo, shiri dzedenga dzichitogara zvadzo mumatavi awo. Zvipenyu zvose zvichitowana zvokudya mauri.
13
“Ndichitarisa kudaro zvinhu zvandaioneswa mumusoro mangu ndirere saizvozvo pamubhedha ndakaona hoyo mutariri anoera achiburuka kudenga.
14
Akadaidzira kwazvo achiti, ‘Temai muti uyu muusanzaure mapazi muukwazhure mashizha, michero yawo muiti mwarara. Regai zvenyu mhuka dziparamuke kutiza pasi pawo shiriwo dzidzvamuke mumapazi awo.
15
Asi regai chigutsa nemidzi yacho zvisare zviri muvhu chakasungwa nengetani dzesimbi nendarira muuswiswi hwomusango. Muregei ambonyorova nedova redenga ambova weboka romhuka muuswa hwenyika.
16
Regai ambosandurwa pfungwa apiwe pfungwa dzomhuka zvayo kumbopera makore manomwe akadaro.
17
Chirango ichochi ichi, chatemwa navatariri; chisungo chacho ishoko revanoera. Izvozvi zvaitirwa kuti vapenyu vazivewo kuti iye Wokumusorosoro ndiye anotonga humambo hwavanhu, uye anohupa kuna ani naani waanenge ada zvake, kunyange vapasi pasi zvavo.’
18
“Izvozvi izvi ndizvo zvandakarota ndichiona, ini mambo Nebhukadhineza. Saka zvino iwe Bheriteshaza dudzira zvadzinoreva nokuti vangwaru vose zvavo venyika youmambo hwangu havana kugona kundizivisa dudziro yacho. Asi iwe unozvikwanisa pamusana pokuti mauri mune Mweya waMwari Anoera.”
19
Ipapo Dhanieri wokutumidzwa zita rokunzi Bheriteshaza uya akambodumbirwa nazvo kwekanguva; pfungwa dzikamunetsa mumwoyo. Mambo akabva ati, “Bheriteshaza rega kunetseka nehope idzodzi kana nedudziro yadzo. Bheriteshaza ndokuti, ‘Changamire wangu dai zvazvo hope idzi nedudziro yadzo zvananga vanhu vanokuvengai.’
20
Muti wamakaona wakakura ukasimba zvokuita nhungamakore chaiyo kureba uchitooneka kwose zvako nekwakaperera nyika,
21
waiva namashizha anoyevedza kwazvo wakabereka michero, zviya zvokubereka zviya zvose zvichiwana zvokudya mauri pasi pawo paripo pamumvuri wemhuka dzesango shiri dzedenga dzichitogara zvadzo mumatavi awo,
22
muti iwoyo, ndimi, iyemi imi mambo. Makava mukuru mukuru chaiye mukavawo nesimba. Ukuru hwenyu hwakakura zvokutosvika kudenga, umambo hwenyu hwakatosvika nekwakaperera nyika.
23
“Zvino sokuona kwamakaita mumwe mutariri anoera achiburuka kudenga achiti, ‘Temai muti uyu muuparadze! Asi regai chigutsa nemidzi yacho zvisare zviri muvhu chaita zvokusungwa chaizvo nengetani dzesimbi nendarira nouswiswi hwomusango, mumurege ambonyorova nedova redenga ambova kuboka remhuka muuswa hwenyika ambosaruka kanomwe akadaro.’
24
“Changamire heinoi dudziro yazvo: Izvozvi chirevo chatemwa noWokumusorosoro chakanangana nemi changamire wangu, mambo,
25
chokuti muchabviswa mukati mavanhu mugondogara pamwechete nemhuka dzesango. Muchafuriswa uswa semombe muchinyorova nedova redenga, muchapedza makore manomwe makadaro, kusvikira imi mazoziva kuti iye Wokumusorosoro ndiye anotonga humambo hwevanhu achihupa kuna ani naani waanenge ada zvake.
26
Sokutemwa kwazvaitwa kuti chigutsa nemidzi yazvo zvisare zvakadaro, umambo hauzomborega kuva hwenyu kubvira panguva yamunozoziva kuti Wedenga ndiye anotonga.
27
Naizvozvo imimi mambo dai waro mukandinzwawo zano rangu iri rokuti, kandai pasi zvitadzo zvenyu muite zvakarurama musiyane nouipi muitire tsiye nyoro vakadzvinyirirwa, ndipo pazvingangoitika kuti zvinhu zvikufambirei zvakanaka.”
28
Zvose izvozvo zvakawira mambo Nebhukadhineza.
29
Kwakati kwapera mwedzi gumi nemiviri, iye akati achifamba zvake ari padenga remba yomuzinda weBhabhironi,
30
mambo akazvizuwidza achiti, “Handiti Bhabhironi iguta rakakura kwazvo here, iguta randakavaka ini noukuru hwangu nesimba rangu somuzinda wamambo kuitira kuti mbiri youmambo hwangu idhume.”
31
Mashoko iwayo achiri pamuromo wamambo kudaro, kudenga kwakabva izwi rikati, “Iwe mambo Nebhukadhineza herino shoko ratinoreva kwauri: Iwewe wabviswa paumambo,
32
uchabviswa mukati mavanhu wava kundogara pamwechete nemhuka dzesango kwauchafuriswa uswa semombe, uchasaruka kanomwe wakadaro udzidze kuti iye Wokumusorosoro ndiye anotonga umambo hwavanhu uye anohupa kuna ani naani waanenge ada zvake.”
33
Pakarepo izvozvo zvakabva zvaitika kuna Nebhukadhineza. Akabviswa mukati mavanhu akabva ava kufura uswa semombe, muviri wake uchinyorova nedova redenga, dakara mvere dzake dzareba seminhenga yegondo, nzarawo dzake dzaita senzara dzeshiri.
34
Kuzoti mazuva iwayo apera, ini Nebhukadhineza ndakatarisa nameso angu kudenga uku ndokubva pfungwa dzangu dzadzokera pamwechete. Ndipo pandakatenda iye Wokumusorosoro ndichirumbidza nokuremekedza iye Anogara narini wose: nokuti hutongi hwake hutongi hwokugara nokugara uye umambo hwake, umambo hunoramba huripo chizvarwa nechizvarwa.
35
Vagari vapanyika vose zvavo havatomboverengwa sechinhu uye iye anoita zvinhu samadiro ake, mugurusvusvu rezvinhu zvomudenga napakatiwo pavagari vapanyika hapana angapikisane naye pasimba kana kumuti, “Ndicho chii chauri kuita.”
36
Panguva yakareyo pfungwa dzangu dzakadzokera pamwechete uyewo mbiri youmambo hwangu noukuru hwangu nomukurumbira wangu zvakabva zvadzokera kwandiri. Makurukota angu namadzishe angu vakanditsvaga ndikazogarazve paumambo hwangu ndokubva ndatonyanya kuwedzerwa kupiwa humwe ukuru.
37
Zvino ini, Nebhukadhineza ndinorumbidza, nokukudza nokumuremekedza iye Mambo Nyadenga nokuti mabasa ake ose akarurama, uye makwara ake ano ruenzaniso, vanhu vanozvikudza anogona kuvadukupisa.
← Chapter 3
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 5 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12