bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Daniel 3
Daniel 3
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 2
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 4 →
1
Mambo Nebhukadhineza akagadzira chifananidzo chendarama chakanga chichiita mamita makumi maviri namanomwe urefu hwacho kuenda mudenga, chichiitawo mamita anenge matatu upamhi hwacho. Akachimisa mubani reDhura, munyika yeBhabhironi.
2
Mambo Nebhukadhineza akatumira shoko rokuunganidza madzishe navatungamiriri uye masadunhu namakurukota namadzisahomwe uye namagweta navatongi vedzimhosva navakuru vakuru vose zvavo venyika idzodzo kuti vauye paizoteketerwa kuna vamwari chifananidzo ichocho chakanga chamiswa naNebhukadhineza.
3
Ipapo madzishe navatungamiriri vaya namasadunhu namakurukota uyewo namadzisahomwe namagweta navatongi vedzimhosva pamwechete navakuru vakuru vose zvavo venyika idzodzo vakaunganidzana kuzoteketerera chifananidzo chacho chakanga chamiswa namambo Nebhukadhineza kuna vamwari. Vakaungana pamberi pechifananidzo ichocho chakanga chakagadzirwa chikamiswa naNebhukadhineza.
4
Mumwe webasa rokuzivisa vanhu akabva adaidzira achiti, “Vanhuwee, ndudzi nendudzi, ndimi nendimi! Muri kunzi:
5
Pamunongonzwa chete kurira kwehwamanda nenyere nezvipendhani namabhanicho namadimbwa nengororombe nokuimba kwose kwose zvako, munofanira kugwadama pasi mupfugamire chifananidzo ichi chakamiswa namambo Nebhukadhineza.
6
Kuwana ani zvake anorega kugwadama pasi achipfugama, pakarepo anobva atokandwa muvira romoto unopisa kwazvo.”
7
Naizvozvo vanhu vamarudzi ose pavakangonzwa chete kurira kwehwamanda nenyere nezvipendhani namabhanicho namadimbwa nengororombe nokuimba kwose kwose zvako, marudzi ose iwayo nendudzi dzose nendimi vakati pasi gwadagwa vachipfugamira chifananidzo ichocho chendarama chakanga chamiswa namambo Nebhukadhineza.
8
Nguva iyoyo ndipo pakauya vamwe vaKaridhea kuzopomera mhosva vaJudha zviri zvoruvengo chairwo.
9
Vakapira shoko ravo kuna mambo Nebhukadhineza vachiti, “Mambo, garirai kure nomoto!
10
Handiti imimi mambo, makatema chirevo chinoti: Munhu anenge angonzwa chete kurira kwehwamanda nenyere nezvipendhani namabhanicho namadimbwa nengororombe nokuimba kwose kwose zvako, anofanira kugwadama pasi achipfugamira chifananidzo chendarama ichi
11
muchiti kuwana ani zvake anorega kugwadama pasi achipfugama, anofanira kukandwa muvira remoto unopisa kwazvo?
12
Uku kwaita vamwe vaJudha vamakapa iyemi ukuru hokuona zvenyika yeBhabhironi vanaShadhiraki naMeshaki naAbhedhinego. Mambo, varume ivavo havanei nezvamunotaura. Havanamati vamwari venyu kana kupfugamira zvako chifananidzo chiya chendarama chamakagadzira mukachimisa.”
13
Nebhukadhineza akabva apenga nehasha akati Shadhiraki naMeshaki naAbhedhinego vaunzwe. Vanhu vakaenda navarume ivava pana mambo.
14
Nebhukadhineza akavati, “Ichokwadi here, nhai Shadhiraki naMeshaki naAbhedhinego kuti imi hamunamati vamwari vangu kunyange kupfugamira chifananidzo chendarama chandakamisa ini?
15
Zvino kana magadzirira kuti pamunongonzwa kurira kwehwamanda nenyere nezvipendhani namabhanicho namadimbwa nengororombe imiwo mobva magwadama pasi muchipfugamira chifananidzo chandakaita, patsvene, uye pakanaka ipapo. Asi kana imi mukangorega kupfugama, pakarepo munofanira kubva makandwa muvira romoto unopisa kwazvo. Ndoupi mwari angakununurei mumaoko mangu?”
16
Shadhiraki naMeshaki naAbhedhinego vakapindura mambo Nebhukadhineza vachiti, “Chatingakupirei mhinduro panyaya iyoyi iyi, hapana.
17
Zvikange zvaitika saizvozvo, Mwari wedu watinonamata anogona kutinunura muvira romoto unopisa ndiye achatinunurawo mumaoko menyu imi mambo.
18
Kunyange, zvazvo akarega kutinunura mochiziva, mambo, kuti hatisi kuzonamata vamwari venyu kunyange kuzopfugamira chifananidzo ichi chamakamisa.”
19
Nebhukadhineza akaviruka nehasha ndokushanduka otsvukisira meso Shadhiraki naMeshaki naAbhedhinego. Akati moto ukuchidzirwe vira ripise kwazvo kakapetwa kanomwe kupfuura zvarinochiita.
20
Akatuma vamwe varume vaiva magamba chaiwo ehondo yake yavarwi kuti vasunge mbiradzakondo vanaShadhiraki naMeshaki naAbhedhinego akati vavakande muvira romoto unopisa.
21
Varume ivava vakasungwa vakapfeka hanzu dzavo kudaro nemajasi avo nenguwani dzavo dzoukuruukuru namagemenzi avo nedzimwe hanzu dzavo vakabva vakandwa muvira racho remoto unopisa kwazvo.
22
Pamusana pokuti chirevo chamambo chakanga chakaoma kwazvo, vira rakapoorerwa kwazvo moto, rimi romoto rikauraya varume vaye, magamba vakanga vakatakura Shadhiraki naMeshaki naAbhedhinego.
23
Varume vatatu ivava vanaShadhiraki naMeshaki naAbhedhinego vakawira muvira romoto unopisa vakasungwa kudaro.
24
Mambo Nebhukadhineza akashamiswa akabva ati nyamu kusumuka ndokuti kumakurukota ake, “Nhaimi hatina here kukanda muvira umu, varume vatatu vakasungwa mbiradzakondo?” Vanhu vakapindura mambo vachiti, “Ndizvozvo chaizvo mambo!”
25
Iye ndokuti, “Asi ini ndiri kuona varume vana vasina kusungwa vari kutofamba zvavo mumoto imomu vasina kukuvara. Kutarisika kwewechina wacho, kunenge kwemwanakomana wamwari.”
26
Nebhukadhineza akabva aenda pedyo nomusuo wevira riya romoto unopisa akati, “Shadhiraki! Meshaki! Abhedhinego! Imi varanda vaMwari Wokumusorosoro, chibudai muuye pano!” Shadhiraki naMeshaki naAbhedhinego vakabuda zvavo mumoto.
27
Madzishe navatungamiriri namasadunhu namakurukota amambo vakaunganidzana pamwechete. Vakaona kuti simba romoto harina kugona kukurira muviri wavarume ivavo, vhudzi ravo mumusoro risina kana kumbobvuraudzwa pasina chaitika, vasingambonhuwa moto.
28
Ipapo Nebhukadhineza akati, “Ngaarumbidzwe Mwari waShadhiraki naMeshaki naAbhedhinego, iye watuma mutumwa wake akanunura varanda vake, vakavimba naye akashaisa basa chirevo chamambo. Vakaisa miviri yavo parumano vachisarudza kufa pano kuti vanamate vachipfugamira mumwewo mwari zvake asi kuti kunamata Mwari wavo.
29
Naizvozvo ndinotema chirevo chokuti: Rudzi rupi zvarwo, kana ndudzi dzipi zvadzo dzavanhu, kunyange rurimi runotaura zvakaipa nezvaMwari kuwana vane rakaipa ravanongoti bufu kutaura nezvaMwari waShadhiraki naMeshaki naAbhedhinego vachabvamburwa kuita zvidimbu zvidimbu, misha yavo igoitwa matongo. Ndinodaro nokuti, hakuna mumwe Mwari anogona kununura saizvozvi izvi.”
30
Nebhukadhineza akabva asumudzirazve pamusoro vanaShadhiraki naMeshaki naAbhedhinego imomo munyika yeBhabhironi.
← Chapter 2
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 4 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12