bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Daniel 8
Daniel 8
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 7
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 9 →
1
Mugore rechitatu rokutonga kwamambo Bherishaza ini Dhanieri ndakaona chiratidzo mushure mechiya chandakamboona kwokutanga.
2
Muchiratidzo ichochi ndakatarisa ndikaona ndava muguta reSusa, riri munyika yeEramu. Izvozvo muchiratidzo ichi ndakaona ndiri kurwizi rwaUrai.
3
Ndakatarisa nameso angu onei hondohwe imire pakadaro apo kumahombekombe kwerwizi. Yaiva nenyanga mbiri, dzose dziri mbiri dzakareba, asi imwe yakanga yakareba kudarika imwe. Ndefu yacho iyi ndiyo yakapedzesera kubuda.
4
Ndakaona hondohwe iya ichirwisa yakananga kumadokero nokuchamhembe nokumaodzanyemba pasina mhuka yaimbofemera kumirisana nayo uye kusina nomumwe aigona kununura chawira mumaoko mayo. Hondohwe iyoyo yaitoita zvainoda zvayo, yaizvitutumadza.
5
Pandaicherechedza kudaro, onei hero gotora richiuya richibva kumadokero richidimura nenyika yose zvayo risingatsiki pasi. Mbudzi iyoyo yaiva norunyanga rwainyatsoonekwa nechapakati pamaziso ayo.
6
Gotora riya rakasvika kuhondohwe iya yaiva nenyanga mbiri yandakanga ndamboona imire kumahombekombe kwerwizi kuya. Rakamhanyira kwairi nehasha dzakanyanya.
7
Ndakaona roswedera kuhondohwe iya rikabva raishatirirwa kwazvo. Rakadhuma hondohwe iyoyo rikatyora nyanga dzayo mbiri dziya, hondohwe ikashaya simba rokumirisana naro, rikabva ratoiriga pasi rikaitsokodzera pasina nomumwe akagona kununura hondohwe yacho mumaoko maro.
8
Gotora iri rakabva razvitutumadza zvikuru kwazvo asi parakanga zvino rasimba, zinyanga guru riya rakatyoka. Panzvimbo paro pakabuda nyanga ina dzainyatsoonekwa dzakanga dzakananga mumhepo kumativi mana edenga.
9
Mune imwe yenyanga idzodzo makabuda kamwe kanyanga kakakura kwazvo kakananga kumaodzanyemba, kakanangawo kumabvazuva uye kakanangawo nyika yembiri.
10
Kakakurakura chaizvo zvokutosvika kugurusvusvu rezvinhu zviri mudenga. Mamwe magurusvusvu enyenyedzi kaikurumurira pasi kachitodzitsokodzera zvako.
11
Kanyanga ikako kakazvitutumadza zvokutosvika kunyange nokuJinda regurusvusvu. Zvokupira kwaari mupiro wokupisa unogaroitwa zvikaregerwa uye Nzvimbo yake Inoera ikakurirwa.
12
Ipapo gurusvusvu riya rakaiswa mumaoko mayo pamwechete nomupiro wokupisa pamusana pouipi. Chokwadi chakakandwa pasi, nyanga iyoyi ikaita zvayaiita zvikabudirira.
13
Ndakanzwa mumwe anoera achitaura ndokubva mumwewo anoera abvunza uya akanga ataura kuti, “Ko izvo zvechiratidzo chomupiro wokupisa unogaroitwa izvi nezvokumbosiya zvakadaro Nzvimbo Inoera negurusvusvu racho zvichitsokodzerwa zvazvo netsoka, zvichapedza nguva yakadii?”
14
Iye ndokuti kwaari, “Zvichapedza zviuru zviviri zvina mazana matatu amanheru namangwanani, Nzvimbo Inoera ndipo paichazochenurwazve yoita chaizvoizvo zvainofanira kunge yakaita.”
15
Ini Dhanieri pandakaona chiratidzo ichochi ndakatvsaka kuti ndichinzwisise ndiye vhu kumira mberi kwangu mumwe aiva nechimiro chinenge chomunhu.
16
Ndakanzwa izwi romunhu pakati pamahombekombe maviri aUrai richidaidzira kuti, “Gabhurieri tsanangurira munhu uyu anzwisise chiratidzo ichi.”
17
Nokudaro iye akaswedera pandaiva ndimire. Paakasvika kudaro, zvakandityisa ndikawira pasi nouso. Asi iye akanditi, “Iwe mwanakomana womunhu inzwa unzwe, chiratidzo ichi ndechenguva yokupedzesera chaiyo.”
18
Achitaura neni kudaro, ndakabatwa nehope dzorufu chaidzo ndakatsikitsira uso pasi. Asi iye akandibata akandimisa netsoka dzangu.
19
Akati: “Chinzwa ndava kukuzivisa zvichazoitika pakupedzesera chaiko kwehasha dzaMwari nokuti ndezvenguva yakatemwa yokumagumo.
20
“Zvehondohwe yawaona iya ine nyanga mbiri, ndiwo madzimambo avaMidhi navaPezhia.
21
Gotora rinomirira mambo wenyika yeGirisi nyanga huru yepakati pamaziso aro ndimambo wokutanga wacho.
22
Nyanga yatyoka iya, ina panzvimbo pakamuka nyanga dzimwe ina, ndihwo umambo huna huchamuka muvanhu vake asi zvisingabve musimba rake.
23
“Kumagumo chaiko kwohutongi hwavo, vakaipa pavanengewo zvino vakombodza, kuchazomuka mumwe mambo, munhu ane uso hune chivindi, shasha mumadimikira.
24
Achava nesimba guru. Achaita kuti kuve nokuparadza kunotyisa achibudirira mune zvaanoita achiparadza magamba chaiwo pamwechete nevorudzi rwavatsvene.
25
Noujarijari hwake achaita kuti unyengedzi hutekeshere, zvinhu zviri mumaoko make, uye mumwoyo make achizvitutumadza. Achaparadza vazhinji pasina zvokuyambira zviya, achatomukirawo kana nairo Jinda ramachinda, asi kuparara achaparara asi kwete kuparadzwa noruoko rwomunhu.
26
Chiratidzo chezvamanheru nezvamangwanani charehwa chiya ndechechokwadi. Asi wochipfundira chiratidzo ichocho nokuti ndechezvichauya mushure menguva ndefu.”
27
Zvino ini Dhanieri ndakadumbirwa nazvo ndikarara ndava kurwara kwamazuva mazhinji. Ndakazomuka zvangu ndikafamba nenyika ndichiita basa rokwamambo. Asi ndakadumbirwa mumwoyo nechiratidzo ichocho pasina kchandanzwisisa.
← Chapter 7
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 9 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12