bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Daniel 11
Daniel 11
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 10
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 12 →
1
“Asi ini mugore rokutanga rokutonga kwaDhariusi wechiMidhi, ndakasimuka kuti ndimusimbise nokumutsigira.
2
Iye zvino ndava kukuratidza chokwadi.” “Chinzwa, kuchamuka madzimambo matatu munyika yePezhia. Wechina wacho achava mupfumi kupinda vamwe vose zvavo. Kana ave nesimba, pamusana poupfumi hwake acharunzira vamwe vose kuti varwise umambo hwenyika yeGirisi.
3
Ndipo pachamuka mumwe mambo ane simba achatonga nesimba guru achiita zvake zvaanoda.
4
Paachange amuka kudaro, umambo hwake huchaparadzwa hugokamuraniswa huchienda kumativi mana emhepo dzedenga. Izvozvo hunenge husingakamuraniswe pakati pevemba yake kana maererano nesimba rokutonga raaitonga naro nokuti umambo hwake huchatipurwa hugoiswa kune vamwewo vasiri ivava.
5
“Mambo wokumaodzanyemba achange akasimba, asi mumwe wamachinda ake achange achimudarika pasimba uye umambo hwake hwaanenge achitonga huchange huri umambo hwakakura.
6
Mushure memakore akati kuti vachaita chibvumirano. Mukunda wamambo wokumaodzanyemba achaenda kuna mambo wokuchamhembe kuti pave nokuwirirana. Asi mukunda iyeyo haazokwanisa kuramba aine simba mumaoko make. Murume wacho nomwana wake havambopagara, asi mukunda iyeyo achapfuudzwa pamwechete navanomushandira nomwana wake naiye akamuroora wacho.
7
“Panguva iyoyo imwe nhungirwa yokudzinde kwakabva mukunda iyeyo yechirume ichamuka panzvimbo pake. Murume iyeyo achauya kuzorwisa hondo yacho yevarwi agopinda muguta retsvingo ramambo wokuchamhembe achivarwisa agovakurira.
8
Achatakurawo achiendesa kuIjipiti vamwari vavo nezvifananidzo zvavo zvakaumbwa noutare hwakanyunguruswa pamwechete nemidziyo yavo inokosha yesirivha neyendarama. Achazoitawo makore akati kuti asingarwise mambo wokuchamhembe.
9
Iye mambo wokuchamhembe anenge aenda kunyika yamambo wokumaodzanyemba achadzokera hake kunyika kwake.
10
“Vanakomana vake vachaita hondo vagounganidza gurusvusvu guru rehondo dzavarwi dzichauya dziri bvakapfaka dzichipfuura, dzamukirira nayo hondo kudzamara dzasvika kunhare yake yokuzvidzivirira nayo muhondo.
11
Ipapo aviruka nehasha, mambo wokumaodzanyemba achabuda kuzorwisa mambo wokuchamhembe. Achaunganidza gurusvusvu guru ravanhu asi richakurirwa namambo wokumaodzanyemba.
12
Paachange akurira gurusvusvu iroro, achazvitutumadza agorakatisa kuuraya makumi namakumi ezviuru. Asi haazoramba achikurira
13
nokuti mambo wokuchamhembe achaunganidzazve gurumwandira rakakura kupfuura rekare riya. Mushure memakore akati kuti achauya aine hondo huru yevarwi aine zvinhu zvokurwisa nazvo zvakawanda.
14
Munguva idzodzo, vazhinji vachamukira mambo wokumaodzanyemba, uye vanhu voutsinye pakati pavanhu vokwako vachamukawo kuti vazadzise chiratidzo ichochi asi vachakundika.
15
Zvino mambo wokuchamhembe achauya ovaka chinenge musana wenzou chokukombesa nacho guta agorikurira, guta rakanyatsovakirirwa netsvingo. Varwi vehondo yokumaodzanyemba havambopamira kunyange zvikwata zvenyanzvi dzake dzavarwi nokuti simba rokumira panenge pasisina.
16
Asi anenge angouya kuzomurwisa wacho achaita zvake zvaanoda hapana anombomirisana naye. Achamira munyika yembiri, yose zvayo ichava mumaoko make.
17
“Achafunga zvokuuya nesimba rake rose roumambo achiuya nezvingaunze rugare agosvikozviita. Achamupa mhandara yomukadzi yokuti aparadze nayo nyika iyoyo asi hazvizoitika kana kumubatsira.
18
Pedzepo achazopishinuka onanga kunyika dzokumahombekombe egungwa, achikukucha zvake kutora vazhinji. Asi mumwe mutungamiriri wehondo achapedza kuzvitutumadza kwake ikoko achinyatsoita kuti kuzvitutumadza kwake ikoko kumupindukire.
19
Achazodzokako onanga kuguta retsvingo renyika yake, asi achadzadzarika agowira pasi zvokusazowanikwa.
20
“Panzvimbo pake pachamuka mumwe achatuma wokuteresa mutero achiitira mbiri youmambo. Asi mushure memazuva mashomanana achaparara pasina zvehasha kana hondo.”
21
“Panzvimbo pake pachamuka munhu anoshoreka asina kumbopiwa ukuru hwoumambo. Achangoyerekana apindamo agowana umambo nounyengedzi.
22
Hondo nehondo dzichatsvairwa naye dzichiparara pamwechetewo nomuchinda uya wechitenderano.
23
Kubvira panguva yavachaitirana chibvumirano naye iye achaita zvounyengedzi uye achava nesimba rakawanda kunyange aina vanhu vashoma.
24
Achangozoyerekana asvika munzvimbo dzakapfumisisa kwazvo dzenyika iyoyo agoitamo zvisina ani ati amboita kana madzibaba ake kunyange madzitateguru ake zvawo achimwayanisa mukati mavo zvinhu zvokupamba nezvokutora muhondo nezvimwewo zvinhu. Nhare dzokuhwanda muhondo, achadzirongera mano asi zvichingova zvekachinguva.
25
Achakoka simba agoita chivindi chokundorwisa mambo wokumaodzanyemba nehondo huru yavarwi. Mambowo wokumaodzanyemba acharwisawo aine hondo huru huru kwazvo ine simba asi haambopamira nokuti acharukirwa mazano.
26
Kunyangewo vaanodya navo udobo hwake hwezvokudya zvakanaka ndivo vacho vachave mharadzi dzake. Hondo yake yavarwi ichatsvairwa, vazhinji vavo vagorakatiswa kufa.
27
Madzimambo iwayo ari maviri achange ari pakunyengedza bedzi. Vachataurirana nhema ivo vachidya patebhuru imwechete asi zvisina chimuko nokuti kuguma kwacho kuchauya zvako nenguvawo yako yakatemwa.
28
Ipapo iye achadzokera kunyika yake akagukuchira chaizvo zvinhu, asi mwoyo wake unenge uri pakurwisa chitenderano chinoera ichi. Ipapo achaita zvaanoda obva azodzokera kunyika yake.
29
“Nenguva yakatemwa, achadzoka agosvikopinda kumaodzanyemba, asi rwendo runo hazvizoita sezvazvakamboita kare kaya.
30
Sokuti ngarava dzokuKitimu dzichauya kuzomurwisa, zvino iye achatya agopishinuka odzokera kwaabva agosvikopedzera ushungushungu pakurwisa chitenderano chinoera. Achadzoka achiwirirana navanhu vakafuratira chitenderano chinoera.
31
Hondo dzichabva kwaari dzichisvikon'oresa Temberi nenhare yokuzvidzivirira nayo muhondo dzicharegesawo mupiro wokupisa unogaroitwa. Uye vachamisa chimwe chisingambodiwa zvacho naMwari chinon'oresa.
32
Achafurira achibata vanhu kumeso vanotyora chitenderano ichocho. Asi vanhu chaivo, vanoziva Mwari wavo vachamira vakasimba vachiwana zvokuita.
33
Vangwaru mukati mavanhu'mu vachaita kuti vamwe vanzwisise kunyange zvazvo vachizoitwa murakatira kufa namapakatwa nomoto uye noutapwa nokupambwa kwamazuva akati kuti.
34
Vachifa zvavo kudaro, vachawanawo chimwe chiduku chinovayamura, vazhinji vachabatana navo kuri kubatwa zvavo kumeso.
35
Asi vamwe vavo vangwaru, vachafa kuri kuitira kuti vapepetwe vachinatswa pakati pavo vachene kudzamara nguva yokuguma nokuti nguva yakatemwa ichigere kusvika.
36
“Mambo iyeyo achaita sokuda kwake zvake; achazvitutumadza achizvikudza pamusoro pavamwari vose achitaura zvinhu zvokushamisira achishora Mwari wavamwari. Achabudirira kusvikira Mwari aratidza hasha dzake nokuti zvakarongwa izvozvo zvichatoitika.
37
Achava munhu asina hanya navamwari vemadzitateguru ake kana iye mwari wavakadzi, wapamwoyo pavo. Anenge asingamboona zvake kuti chinonzi mumwe mwari chii sezvo anenge achizvikudza pamusoro pavo vose zvavo.
38
Iye acharemekedza mwari wamaguta nenhare yokuzvidzivirira nayo muhondo panzvimbo paivava, mwari akanga asingazikanwi namadzitateguru ake iyewo ndiye waachatoremekedza nendarama nesirivha namatombo anokosha nezvipo zvinodaidza mari yakawanda.
39
Achawana zvaanoita nenhare dzokuzvidzivirira nadzo muhondo chaiyo akasungwa noutare kusimba achibatsirwa namwari wechirudzi. Vanenge vamugamuchira achavakudza nokuvapa mbiri achivaita vatongi vavanhu vakawanda achikamura-kamura zvake nyika achiitengesa.
40
“Pakupera kwenguva iyoyo, mambo wokumaodzanyemba achamurwisa. Asi mambo wokuchamhembe achamuvhunga sechinyamupupuri aine ngoro dzehondo navarwi vamabhiza nengarava zhinji. Izvozvo achapinda mudzinyika vagoita bvakanyira imomo nokudimura zvavo nomo.
41
Achapinda munyika yembiri makumi namakumi ezviuru agoita murakatira kufa. Asi vachapunyutswa mumaoko make ndevava vanoti nyika yeEdhomu neMoabhu nechikamu chikuru chaicho chavaAmoni.
42
Nesimba roruoko rwake acharwisa chaizvo dzinyika, kana nyika yeIjipitiwo haipunyuki ipapo.
43
Upfumi hwendarama nesirivha huchava mumaoko make nezvinhu zvose zvakakosha zveIjipiti; vokuRibhiya nevaItiopia vava kutotevera gwara rake iye.
44
Asi nhau dzichabva kumabvazuva nokuchamhembe dzichamushayisa mazano. Ipapo achaendako achiviruka kwazvo nehasha kundotsakatisa achiparadza zvokuparadza zviya vazhinji.
45
Ipapo achazvidzikira muzinda womusasa wematendhe pakati pegungwa negomo rembiri rinoera. Asi ikoko ndokuchava kuguma kwake pasina anomubatsira.
← Chapter 10
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 12 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12