bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Daniel 7
Daniel 7
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 6
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 8 →
1
Mugore rechiposhi rokutonga kwaBherishaza, mambo weBhabhironi, Dhanieri akarota hope. Akaona zviratidzo mumusoro make arere pamubhedha wake. Akanyora chiroto ichocho akarondedzera muchidimu zvaakarota.
2
Dhanieri akati, “Zvandakaona muchiratidzo usiku ndezvizvi. Ndakaona mhepo dzokumativi mana edenga dzichisimudza zigungwa guru.
3
Ndokubva mugungwa imomo madzumbunuka zvikara zvina zvakakura chaizvo zvakasiyana.
4
Chokutanga chakanga chakaita seshumba uye chiina mapapiro egondo. Ndakati ndakatarisa kudaro, mapapiro acho akadzurwa ndokubva chasumudzwa kubva pasi chikaitwa kuti chimire namakumbo maviri somunhu chikapiwa pfungwa dzinenge dzomunhu.
5
“Onei hecho chimwe chikara chechipiri zvino, chakafanana nebere chakati kwirirei kumwe uku chakaruma namazino pamuromo mbabvu nhatu. Zvino ichi chakanzi, ‘Sumuka udye nyama yakawanda!’
6
“Pedzepo ndakaona hecho chimwewo chinenge mbada chiina mapapiro mana eshiri pamusana pacho. Chikara ichi chakanga chiine misoro mina chikabvawo chapiwa simba rokutonga.
7
“Tevere, ndakaona zviratidzo usiku, ndakaona chimwezve chikara chechina chakashata chinotyisa kwazvo chiine simba guru kwazvo. Chaiva namazino makuru esimbi chaizhanya chichibvambura-bvambura chichitsokodzera netsoka zvainge zvasara. Chakanga chakasiyana nezvimwe zvikara zvose zvakachitangira. Chakanga chiine nyanga gumi.
8
Ndichicherechedza kudaro panyanga idzodzo pakatukudza imwe nyanga duku ikatipura nemidzi dzimwe nyanga nhatu panyanga dzokutanga dziya. Nyanga iyoyo yaiva namaziso anenge omunhu nomuromo waitaura mazwi asingatauriki.
9
“Ndakachitarisa kudaro, pakagadzikirwa zvigaro zvoumambo, mumwe, iye Chidzachapo ndokubva agara pachigaro chake. Hanzu dzake dzakanga dzakati ngwe-e kuchena sechando iro vhudzi iri mumusoro make, rakachena kuti mbu-u sewuru yakanakisisa. Chigaro chake choumambo chakanga chiri marimi omoto anovavaya, mavhiri acho ari moto chaiwo.
10
Kakova chaiko kemoto kaiyerera kachitangira mberi kwake. Zviuru nezviuru zvaimushandira, gumi rezviuru rakapetwa kagumi rakanga rimire paari pakagarwa dare rokutonga, mabhuku akazarurwa.
11
“Ini ndakatarisa pamusana pemheremhere yamazwi asingatauriki aitaurwa nenyanga iyoyo. Ndakatarisa kudaro, chikara ichocho chakaurayiwa mutumbi wacho ukaparadzwa chikabva chapiswa nomoto.
12
Zvimwe zvikara zvose zviya zvakatorerwa simba razvo rokutonga asi zvakambosiyiwa zviri zvipenyu kwemwaka nekachinguva.
13
“Muzviratidzo izvozvo usiku, ndakaona, hezvo nomumakore mudenga kuchiuya mumwe anenge mwanakomana womunhu. Akasvika kuna Chidzachapo akabva asumwa kwaari.”
14
Iye ndokupiwa utongi nembiri noumambo kuitira kuti vanhu vamarudzi ose zvawo ndudzi nendudzi, ndimi nendimi vave vokumushandira, hutongi hwake, huri hutongi hwokugara nokugara husingazombofa hwakapera, umambowo hwake umambo husingafi hwakaparadzwa.
15
“Ini Dhanieri ndakashushikana mwoyo ndikadumbirwa kwazvo nezviratidzo zvakauya mumusoro mangu.
16
Ndakaenda pane mumwe akanga amirepo ndikamubvunza chokwadi chezvinhu izvozvi. Nokudaro akanditaurira zvazvaireva achiti,
17
‘Zvikara zvina zvikuru izvozvi, madzimambo mana achamuka panyika.
18
Asi vatsvene vaiye Wokumusorosoro vachapiwa umambo vachabata umambo ihwohwo nokusingaperi narini narini wose.’
19
“Ini ndipo pandakada kuziva chaizvoizvo zvaireva chikara chechina chiya chakanga chakasiyana nezvimwe zvose chaityisa kwazvo, chaiva namazino esimbi nenzara dzendarira, chaibvambura chichityoranisa chichitsokodzera netsoka dzacho zvainge zvasara
20
uye ndakada kuziva nezvaireva gumi renyanga dzaiva pamusoro wacho uyewo neimwe nyanga iya yakatukudza ikawisira pasi dzimwe nhatu, nyanga iya yaiva namaziso nomuromo waitaura zvisingatauriki uye yakanga ichiita sehuru kupinda dzimwe dzayo.
21
Pandainge ndakatarisa, nyanga iyoyo yakaita hondo navatsvene ikavakurira
22
kusvikira Chidzachapo auya ndokuitwa dare rokupipirira vatsvene vaWokumusorosoro, nguva ikazosvika yakapiwa vatsvene umambo.”
23
Iye akati, “Zvinoreva chikara chechina ndezvokuti, kuchauya umambo hwechina panyika huchange hwakasiyana nohumwe humambo hwose. Huchazhanya pasi pose zvapo huchipatsokodzera nokuhupwanya-pwanya.
24
Zvegumi renyanga dziya zvinoreva kuti muumambo ihwohu muchamuka madzimambo gumi kwozomukawo mumwezve mushure mahwo. Iyeyu uyu achange akasiyana navamwe vaya vokutanga, achakurira madzimambo matatu.
25
Achataura mazwi okushonha Wokumusorosoro; achaonesa nhamo vatsvene vaiye Wokumusorosoro. Achafunga zvokusandura nguva nemitemo vachaiswa mumaoko make vasaruke vakadaro vagosarukazve kaviri vagosvikazve pachikamu chepakati napakati chamakei iwayo.
26
Asi kuchagarwa dare simba rake rokutonga acharitorerwa rigororomeswa richiparadzwa zvachose.
27
Ipapo umambo nohutongi noukuru hwoumambo hwose pasi pedenga pose zvapo huchapiwa kurudzi rwavatsvene vaiye Wokumusorosoro: umambo hwavo huchava umambo hwokugara nokusingaperi. Vose vane simba rokutonga vachavashandira vachivateerera.”
28
“Pano ndipo pakaperera nyaya iyoyi. Asi ini Dhanieri ndakadumbirwa kwazvo nendangariro dzangu ndikasanduka ruvara, asi ndakangozvichengeta mumwoyo mangu.”
← Chapter 6
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 8 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12