bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Daniel 12
Daniel 12
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 11
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
1
“Panguva iyoyo ndipo pachamuka Mikaeri, iye muchinda mukuru anomiririra vanhu vokwako. Pachaita nguva yenhamo isati yambovapo kubvira pakatanga kuva norudzi rwavanhu kusvikira panguva yacho iyoyo. Asi nguva iyoyo munhu wose wokwako anenge aine zita richawanikwa rakanyorwa mubhuku, achanunurwa.
2
Vazhinji vevavete muvhu renyika vachamuka, vamwe vachamukira upenyu husingaperi, asi vamwe vachimukira kunyadziswa nokushorwa kusina mugumo.
3
Vangwaru vachapenya sechiedza cheziendanakuenda romudenga uye vanhu vanotendeutsira vazhinji kuururami vachapenya senyenyedzi narini narini.
4
“Asi iwe Dhanieri viga mashoko aya unamire bhuku racho kusvikira nguva yokuguma, vazhinji vachatsvagurudza uye ruzivo ruchawedzerwa.”
5
Ini Dhanieri ndakatarisa ndikaona vamwe vaviri vakanga vakamira, mumwe amire pamahombekombe orukova nechemhiri ino mumwewo amire pamahombekombe orukova kumhiri uko.
6
Ndakati kumunhu akanga akapfeka rineni uya aiva kumusoro kwemvura yomurukova irwowo, “Kuchapera nguva yakadii yokuzosvika kumagumo kwezvishamiso izvozvi?”
7
Munhu akanga akapfeka rineni aiva kumusoro kwemvura yomurukova uya akasumudzira ruoko rwake rworudyi noruoko rwake rworuboshwe kudenga. Ndakamunzwa achipika naiye Chidzachapo kuti, “Zvichasaruka zvigosarukazve kaviri nokutozosvika pachikamu chapakati napakati chamakei acho uye kuti pachazoperawo zvokuparadza simba rorudzi runoera, zvinhu zvose izvozvi zvichange zvatoitika.”
8
Kunzwa ndakanzwa asi handina kunzwisisa. Ndipo pandakati, “Nhai changamire wangu. Zvinhu izvozvo zvichaperera mukuita sei?”
9
Iye akati, “Chienda zvako Dhanieri nokuti mazwi acho mashoko akavigwa akanamirirwa kusvikira panguva yokuguma.
10
Vazhinji vachazvichenura vachinyatsozvichenesa vagova vanhu vakanatswa, asi vakaipa vachaita zvakaipa. Hapana wakaipa achanzwisisa, asi vangwaru vachanzwisisa.
11
“Kubvira panguva icharegeswa mupiro wokupisa uye pachamiswa chimwe chisingambodiwa zvacho naMwari chinon'oresa chiya, pachaita chiuru chimwechete chamazuva china mazuva mazana maviri namakumi mapfumbamwe.
12
Akakomborerwa zvake achamirira kusvikira mumazuva chiuru chimwechete namazana matatu anamazuva makumi matatu namashanu.
13
“Asi iwe wochiita maitiro ako iwayo kusvikira kumagumo ugozozorora uchizova panzvimbo yakowo yawakapiwa mumazuva okupedzesera.”
← Chapter 11
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12