bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Daniel 6
Daniel 6
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 5
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 7 →
1
Dhariusi akaona chiri chinhu chakanaka chokuti agadze madzishe zana namakumi maviri munyika youmambo hwake kuti vave munyika yose zvayo youmambo ihwohwo.
2
Pamusoro paivava akagadzawo vamwe vatatu kuti vave madzichangamire avo, Dhanieri ari mumwe wavo vaizotumirwa nyaya namadzishe iwayo kuitira kuti mambo asawane chaanorasikirwa nacho.
3
Zvino Dhanieri iyeyu akava munhu mumwewo chaiye akasiyana navamwe vose zvavo pamadzichangamire iwayo namadzishe acho nokuti maari maiva nomweya wakanaka kwazvo kwazvo. Nokudaro mambo akanga aronga kuti Dhanieri ave ndiye changamire wenyika yose youmambo ihwohwo somukurumukuru.
4
Mamwe madzichangamire aye namadzishe aya vakatsvaga pokuti vamutsvate napo vagowanawo mhosva chaiyowo yokupa Dhanieri ichinangana nezvamatongerwo enyika iyoyo. Asi vakashaya mhosva yokupa Dhanieri kana chaaikanganisa nokuti aiva munhu akatendeseka, asina chaaikanganisa kana kutsveyamisa.
5
Varume ivavo vakazonyeverana kuti, “Imika; hatimbowana mhosva yokupomera nayo Dhanieri uyu kusatoti taiwana mune zvomutemo waMwari wake.”
6
Ipapo madzichangamire iwayo namadzishe akabvumirana kuenda kuna mambo vakati kwaari, “Mambo Dhariusi! Garirai kure nomoto.
7
Vose zvavo madzichangamire enyika youmambo huno navatungamiriri namadzishe namakurukota namasadunhu vawirirana kuti mambo ngaaite murao ateme chirevo chokuti: Kwamakumi matatu amazuva hapafaniri kuwanikwa munhu anosvitsa mukumbiro kuna mwari upi noupi zvake kana kumunhu, kusiri kwamuri imi mambo, anofanira kuti akandwe mugomba reshumba.
8
Zvino imi mambo chiitai chirevo ichocho musaine gwaro iroro kuti zvirege kuzosandurwa maererano nomutemo wavaMidhi navaPezhia usingasanduriki.”
9
Naizvozvo mambo Dhariusi akasaina gwaro iroro.
10
Dhanieri paakazviziva kuti gwaro rasainwa namambo zita ravo, akaenda kumba kwake mumba yake yapamusoro yaiva namahwindo akashama akatarisa kuJerusaremu, aipfugama pasi imomo katatu pazuva achinamata achitenda Mwari wake sezvaaingoita kare.
11
Varume vaya vakawirirana ndiye unga unga kwaari wanei Dhanieri achinamata achinyengetera kuna Mwari wake.
12
Vakabva vauya kuna mambo vakapira nyaya yainangana nechirevo chiya vachiti, “Nhai mambo, hamuna here kusaina chirevo chiya? Chokuti: Kwamakumi matatu amazuva hapafaniri kuwanikwa ani zvake anosvitsa mukumbiro kuna ani naani zvake, kungave kuna mwari kana kumunhu, mumakumi matatu amazuva kusiri kwamuri imi mambo, anofanira kuti akandwe mugomba reshumba.” Mambo akapindura achiti, “Ndizvozvo chaizvoizvo maererano nomutemo wavaMidhi navaPezhia usingasanduki.”
13
Ivo ndokuti kuna mambo, “Dhanieri uya mumwe wenhapwa dzakatapwa kwaJudha, haambokendenga zvake nezvenyu imi mambo kunyange icho chirevo chamasaina. Asi anotoita munamato wake rutatu pazuva.”
14
Mashoko iwaya paakasvika munzeve dzamambo kudaro zvakamushungurudza mwoyo akafunga zvokununura Dhanieri. Akashanda kwazvo kusvikira zuva radoka achida kumununura.
15
Varume ivava vakarangana kuenda kuna mambo vakati kwaari, “Chizivai mambo kuti, mutemo wavaMidhi navaPezhia wokuti: Hakuna chirevo kana murao unenge wasainwa namambo unozoshandurwa.”
16
Ipapo mambo akati atorwe, Dhanieri akatorwa akakandwa mugomba reshumba. Mambo akati kuna Dhanieri, “Dai iye Mwari wako waunoramba uchinamata angokununura.”
17
Pakaunzwa ibwe rikanzi gwibha pamuromo wegomba iroro. Mambo akazvitsinhira neringi rake rechidhindho nemaringiwo ezvidhindho amadzishe ake zvichiitirwa kunzi parege kumbova zvapo nechinosandurwa nezvaDhanieri.
18
Mambo akaenda kumuzinda kwake akararirotsanya usiku ihwohwo zvokumbomuvaraidza zviya pasina, hope dzikamutiza.
19
Zvino nguva yamambakwedza mambo akamuka akaenda achikurumidza kugomba reshumba.
20
Paakasvika pedyo negomba reshumba maiva naDhanieri, akadaidzira nezwi rairatidza kurwadziwa mwoyo achiti kuna Dhanieri, “Nhai Dhanieri muranda waMwari mupenyu! Ko iye Mwari wako waunodai kunamata nguva dzose akwanisa here kukununura kushumba?”
21
Dhanieri ndokudaira kuna mambo achiti, “Mambo! Garirai kure nomoto!
22
Mwari wangu akatuma mutumwa wake akabva azarira shumba idzi muromo. Nezvo hadzina kundikuvadza nokuti zvakaonekwa kuti hapana chandakamutadzira kana chandakatadzira imimi mambo.”
23
Mambo ndipo paakazopembera nokufara akati Dhanieri ngaaburitswe mugomba imomo. Saizvozvowo Dhanieri akaburitswa mugomba muya akawanikwa asina kana kumbokuvadzwa zvake pamusana pokuti akavimba naMwari wake.
24
Mambo akatema chirevo, varume vaya vaipomera Dhanieri mhosva vakabva vauyiwa navo vakakandwawo mugomba reshumba, ivo navana vavo pamwechete navakadzi vavo. Vasati vatombosvika pasi pegomba iroro shumba dzakavaita dzakurira dzikapwapwanyura mapfupa avo.
25
Ipapo mambo Dhariusi akanyorera tsamba kumarudzi ose avanhu nendudzi dzose zvadzo ndimi nendimi dzavagere pasi pano pose achiti: “Dai kwamuri runyararo rwaita muchechetere mvura yeguvi.
26
Ndatema chirevo chokuti: Kwose kwandinotonga ini samambo, vanhu ngavadedere vachitya Mwari waDhanieri: “Nokuti iyeyu ndiye Mwari mupenyu anogara narini narini wose. Umambo hwake haumbofa hwakaparadzwa, hutongi hwake huchavako kudzamara kumagumo chaiko.
27
“Anonunura uye anoponesa, anoita zviratidzo nezvishamiso kudenga napasi iye akanunura Dhanieri mukanwa meshumba.”
28
Nokudaro Dhanieri akabudirira kwazvo panguva dzokutanga kwaDhariusi uyewo dzokutonga kwamambo Sairasi wechiPezhia.
← Chapter 5
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 7 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12