bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Hosea 10
Hosea 10
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 9
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 11 →
1
VokwaIsiraeri vaiva mugirepisi wakanyatsopasa kwazvo uchibereka michero yawo. Waiti ukawadzura kubereka michero, ivo ndopovovaka atari neatari. Sokubudirirawo kwaiita nyika yavo ndokunyatsogadziridzwawo kwavaiita shongwe dzamabwe dzakamisirwa vamwari vavo.
2
Vane mwoyo wokunyengera; nokudaro vanofanira kupfukirwa nemhosva yavo. Tenzi achaparadza atari dzavo achipaza shongwe dzavo dzamabwe dzakamisirwa vamwari vavo.
3
Ndinodaro nokuti iye zvino izvi vachati, “Hatina mambo nokuti hatityi Tenzi. Zvino mambo chaangatiitirewo pakadaro ndechipi?”
4
Kutaura kwavo, ndezvepamuromo chete, kana voita zvitsidzirano vanoita mhiko dzechipameso. Saka kutonga kwakarurama kwava bise runomera mumvinga dzomumunda.
5
Vagari vomuSamaria vari kudedera vachityira zvimhuru zvokuBhetiavheni. Vanhu veko vachazvichema navapristi vazvo, vanamati vezvifananidzo vachazvichema, mbiri yazvo inenge yasasamuka.
6
Naichowo chichatakurwa kuendwa nacho kuAsiria somutero kuna mambo mukuru. VokwaEfuremu vachanyadziswa, vokwaIsiraeri vachinyadziswa nezano ravo ravanotevedza.
7
Mambo weSamaria achaparara sakabanzu kanoyangarara pamvura.
8
Nzvimbo dzakatunhumara dzokuteurira kuna Avheni, chitadzo chevokwaIsiraeri, dzichaparadzwa. Minzwa norukato zvichamera paatari dzavo, vachati kumakomo, “Tihwandisei,” kuzvikomo vachiti, “Tiwirei.”
9
“Imi vaIsiraeri, kubvira pamazuva aye okuGibhea, makapara zvitadzo, kubvira ipapo makaramba muchingotadza. Hondo haichavasvikira here kuGibhea ikoko.
10
Pandinenge ndada, nzenza dzevanhu idzodzo ndichadziranga, uye vachamomoterwa nevechirudzi pavanenge vachirangirwa zvitadzo zvavo zvakapetwa.
11
“VokwaEfuremu vainge vari tsiru rakapingudzwa raifarira kupura. Ndichaisa joko pamutsipa waro wakanaka, ndichabopa vokwaEfuremu; vokwaJudha ndivo vacharima vokwaJakobho vachatimbinura pasi.
12
‘Zvidyirirei ururami mukohwe mwoyochena bandirai minda yenyu yakararira nokuti ino ndiyo nguva yokutsvaka Tenzi kuti auye kuzonayisa ruponeso pamuri.’
13
Makarima uipi mukakohwa zvisina ruenzaniso, makadya muchero wenhema. Pamusana pokuti makavimba nengoro dzenyu dzehondo nokuwanda kwavarwi venyu vehondo,
14
naizvozvo mukati mevanhu venyu muchamuka manyongori ehondo, nzvimbo dzenyu dzokuzvidzivirira muhondo dzose zvadzo dzichaparadzwa, sokuparadzwa kwakaita Sharumani guta reBhetiaribheri pazuva rakarwiwa hondo, madzimai akaitwa kanyamakanyama pamwechete nevana vavo.
15
Izvozvo ndozvichaitwawo kwamuri imi vemba yokuBhetieri, pari pamusana pouipi hwenyu hwakakura kudai. Mambo wokwaIsiraeri achanyatsotsakatiswa mambakwedza.”
← Chapter 9
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 11 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14