bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Hosea 9
Hosea 9
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 8
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 10 →
1
Musafare imi vokwaIsiraeri, musapembere kufara sezvinoita marudzi nokuti makaita ufeve muchifuratira Mwari wenyu. Makafarira muripo woufeve nezvinowanika pamaburiro ose ose.
2
Paburiro pacho napachisviniro chewaini hapana chokudya chavanowanapo, uye zvewaini itsva zvichavaperera.
3
Munyika yaTenzi, havacharamba vageremo asi kutoti vokwaEfuremu vachadzokera kuIjipiti uye vachazodya chokudya chakan'ora vava kuAsiria'ku.
4
Ikoko zvokuti ivo vapire mipiro yokuteura yewaini kuna Tenzi, panenge pasisina, vasisakwanisi kumufadza nezvibayiro zvavo. Chokudya chavo chichange chichiita sechokudya chaparufu chinon'oresa wose anochidya nokuti chokudya chavo chichange chiri chokupodza nzara yavo chete chisingaendwe nacho kumba yaTenzi.
5
Zvino pazuva guru rakatemwa muchaitei, uye pazuva guru raTenzi?
6
Ndinodaro nokuti izvozvi, vari kutoenda mukuparadzwa. Ijipiti ichavatuta vachindovigwa kuMemufisi. Hunye huchati memete pazvinhu zvavo zvinokosha zvesirivha mumisha yavo yematendhe muchava neminzwa.
7
Mazuva okurangwa asvika mazuva okutsiva auya vokwaIsiraeri muchazoziva izvozvo. Kwamuri imi; muporofita, ibenzi romunhu; munhu anenge afemerwa naMweya, munhu anopenga, pari pamusana pouipi hwenyu hwakaipisisa uye pamusana peruvengo rwenyu rwakanyanyisa.
8
Muporofita ndiye munhu ane basa rokutarisa zvinoitika muvanhu vokwaEfuremu, vanhu vaMwari wangu. Asi muporofita ari kuteyiwa nzira dzake dzose seshiri achivengwa mumba yaMwari wake.
9
Vakanyatsoti tindindi kwazvo kunyura muzviito zvakaora somumazuva eGibhea. Mwari acharangarira uipi hwavo agovarangira zvitadzo zvavo.
10
“Kuwana kwandakaita Isiraeri yainge magirepisi omusango nepandakaonawo madzibaba enyu ndakaaona semaonde okutangisa mumwaka wawo wokutanga. Asi pavakasvika kuBhaaripeori vakazvipira kunamata Bhaari vakabva vava chinhu chinosemesa kutofanana nechinhu chavakanga vava kuda ichocho.
11
Mbiri yevokwaEfuremu ichabhururuka kutiza seshiri. Zvokusununguka mwana pasisina, zvokuzvitakura zvapera kusisina zvokubata pamuviri.
12
Kunyange zvazvo vakarera vana ndichaita kuti vafirwe kusvikira pasisina anosara. Zvichavawana zvavo pandichavafuratira.”
13
Sokuona kwangu, vanhu vokwaEfuremu vatova nyama yemagora. VokwaEfuremu chavo chete kutungamirira vana vavo kundourayiwa.
14
Imi Tenzi vapei zvamunenge mada kuvapa, vapei kuti vaparadzike pamuviri uye mazamu akaoma.
15
“Uipi hwavo hwose hwabvira kuGirigari ndiko kwandakatangisira kuvavenga kwaita kuti ndivarange Pamusana pouipi hwamabasa avo ndichavadzinga mumba mangu. Handichambodazve; machinda avo ose imhandupandu chaidzo dzevanhu.
16
VokwaEfuremu, vava muti zvavo wakarohwa mudzi wawo ukaoma havachabereka muchero. Kunyange vakabereka vana ndichauraya vana vavo vapamwoyo.”
17
Mwari wangu achavarasa, nokuti havana kumuteerera; vachava vadzungairi mukati mavanhu vechirudzi.
← Chapter 8
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 10 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14