bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Hosea 2
Hosea 2
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 1
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 3 →
1
Chiti kuvakomanavanun'una vako, “Vava vanhu vangu,” utaurire hanzvadzi dzako kuti, “Mava kunzwirwa tsitsi.” Tsiurai amai venyu!
2
Vatsiurei nokuti havachisiri mukadzi wangu, uye handichisiri murume wavo, kuitira kuti vabvise pauso hwavo zviratidzo zvoufeve hwavo nezvinoratidza ufeve hwavo zviri pakati pamazamu avo.
3
Ndingadaro ndikavapfekenura mbatya vakasara vangoita sokuuya kwavakaita musi wavakaberekwa ndivaite segwenga zvaro, ndivaite senyika yakaoma ndikavauraya nenyota.
4
Kunyange nemiwo vana vacho, handisi kuzokunzwiraiwo tsitsi nokuti muri vana voupombwe imi,
5
pamusana pokuti amai venyu vakaita ufeve, ivo vakabata pamuviri penyu ndivo vacho vakaita zvinhu zvakafumuka nokuti amai ava vakati, “Regai nditeveredzane nezvikomba zvangu zvinondiwanisa sadza nemvura newuru neshinda yofurakisi namafuta nezvokunwira-nwira.”
6
Naizvozvo ndichasosa nzira yavo neminzwa ndigovavakirira nerusvingo kuti vatadze kuwana nzira dzavo.
7
Vacharonda zvikomba zvavo vagotadza kuzvibata, vachazvitsvaka vagozvishaya. Ndipo pavachati, “Regai ndisve ndadzokera kumurume wangu wokutanga nokuti zvakanga zviri nani kwandiri pane zvazviri nhasi.”
8
Havaimboziva kuti ndini ndaivapa mbesanwa newaini namafuta uye kuti ndaivapa matutu namatutu emari, sirivha nendarama yavaishandisa kunamata zvavo Bhaari.
9
Naizvozvo ini ndichavatorera mbesanwa dzangu panguva yadzo newaini yangu itsva mumwaka wayo, ndichabvisa wuru yangu neshinda yangu yefurakisi yavaizowana nayo zvokupfeka.
10
Iye zvino ndava kuzovafumura ufeve hwavo ihwohwo vaonererwe nezvikomba zvavo. Hakuna kana nomumwechete achagona kuvanunura mumaoko mangu
11
kusasana nokufara kwavo ndichakupedza; pamwechete namazuva avo makuru neokugara kwomwedzi yavo namasabata avo namamwe mazuva avo makuru avakatemerwa.
12
Minda yavo yamagirepisi nemiti yemionde ndichaisiya isisina chinhu, iyo yavaizuwa nayo vachiti, “Ndizvo zvomuripo wangu izvi wandakapiwa nezvikomba zvangu.” Ndichaiita kuti rive sango zvaro ichidyiwa zvayo nemhuka dzesango.
13
Ndichavarangira mazuva makuru avanochengetera vanaBhaari pamunopisira rusenzi kwavari vachizvishongedza nemhete nezvishongo zvinokosha vachiteveredzana nezvikomba zvavo vachitondikanganwa zvavo. Ndizvo zviri kutaura Tenzi.
14
Naizvozvo chinzwai, ndichanyengetedza amai venyu ndiende navo kurenje nditaure navo zvinovabata mwoyo.
15
Ikoko ndokwandichavadzosera minda yavo yamagirepisi ndigoita kuti Bani rokutambura rive musuo wechitarisiro. Ikokowo vachadaira sapamazuva avo oumhandara senguva iya yavakabuda muIjipiti.
16
Zvanzi naTenzi, pazuva iroro, mudzimai iwe uchazondidaidza kuti, “Murume wangu.” Hauchazondidaidza kuti, “Bhaari wangu.”
17
Ndinodaro nokuti ndichabvisa mazita avanaBhaari pamuromo pake, havachazodomwazve nezita.
18
Pazuva iroro, kuri kuitiremi zvenyu, ndichaita chitenderano nemhuka dzesango neshiri dzedenga nezvinokambaira nepasi, zvouta nezvamapakatwa nezvehondo izvi, munyika muno, ndigozvipedza ndichiita kuti munyatsorara zvenyu pasina chinokuwanai.
19
Ndichakuroorazve uchiva wangu nokusingaperi. Ndichakuroorazve ndigova pachokwadi newe. Zvandinenge ndoita kwauri, zvinenge zviri zvinhu zviri pamwero zvine rudo chairwo netsitsi.
20
Ndichakuroorazve tigoitirana mukutendeka. Ndipo pachazoziva Tenzi.
21
Zvanzi naTenzi, “Pazuva iroro, ini ndichanzwa chichemo chamatenga, matengawo achanzwawo chichemo chenyika mvura igonaya,
22
nyikawo igopindurawo chichemo ichocho nembesanwa newaini namafuta zvichipindura chichemo chaMwarianosima.”
23
Ndichamusimireni pachangu munyika iyoyi, ndichinzwirawo tsitsi, “Mushayirwatsitsi” ndigoti kuna, “Vasivangu,” “Imi mava vanhu vangu,” Vasivangu achizotiwo, “Ndimi Mwari wangu.”
← Chapter 1
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 3 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14