bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Hosea 4
Hosea 4
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 3
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 5 →
1
Chinzwai munzwe shoko raTenzi, “Imi vanhu veIsiraeri, nokuti Tenzi ane mhosva yaari kupa imi vagari venyika ino, pamusana pokuti chokwadi hapasisina, mwoyo wakanaka hapasisina, kana kuziva Mwari chaiko hapasisina munyika'mu.
2
Kupika nhema nokureva nhema nokuuraya, nokuba nokuita upombwe, uye utsinye husina muganhu, uyezve kuuraya kusina magumo.
3
Ndokusaka nyika ichichema kudai, vosewo vagere mairi, vapera simba, uyewo mhuka dzesango neshiri dzedenga kunyange hove dzegungwa dzichabviswa.”
4
“Asi zvokupomerana mhosva regai zvenyu kupomerana, kana kutsoropodzana nokuti chaiye wandinopa mhosva ndiwe iyewe mupristi.
5
Uchadzadzarika masikati machena muporofitawo achadzadzarika pamwechete newe nousiku. Ndichaparadza Isiraeri amai venyu ivavo.
6
Vanhu vangu vaparara nokushaya ruzivo pamusana pokuti iwe wakaramba ruzivo, iniwo ndinokuramba kuti uve mupristi kwandiri. Pamusana pokukanganwa kwawakaita mutemo waMwari wako, iniwo pachangu ndichakanganwawo vana vako.
7
“Sokuwanda kwamakaita, imi vapristi ndokuwandawo kwakaita zvitadzo zvenyu kwandiri. Mhiri yenyu ndichaisandura ndikaiita nyadzi.
8
Zvitadzo zvavanhu vangu ndizvo zvinokuraramisai ndokusaka muchitosuwira kuti dai zvitadzo zvatonyanya kuwanda.
9
Sezvinenge zvaita mupristi ndizvowo zvichange zvakaita vanhu ndichakurangirai maitiro enyu ndichatsividza zviito zvenyu.
10
Kudya, muchadya zvenyu asi musingaguti, zvoufeve izvi muchiita asi pasina vana vanoberekwa nokuti makafuratira Tenzi muchifarira ufeve.
11
“Waini newaini itsva zvinotora vanhu mwoyo.
12
Vanhu vangu vanondobvunzira kuchinhu chechimuti zvacho mudonzvo wavo uriwo unovaitira maminimini, nokuti mweya woupfambi wakavateteretsera mutome. Vanosiya Mwari wavo vachienda kundoita zvoufeve.
13
Zvavanoita zvacho ndezvokuti, vanondopira zvibayiro pamusoro pamakomo vachipira mipiro pamusoro pezvikomo pasi pemuoku nomupopura nomuti womuterebhini nokuti mumvuri wayo wakanaka. “Ndokusaka vanasikana venyu vachiita zvavo upfambi, varoorawo venyu vachiita zvavo upombwe.
14
Handisi kuzoranga vanasikana venyu ivo vanoita upfambi vacho kunyange ivo varoora venyu vacho vanoita upombwe nokuti varumewo pachavo vanotsaukawo nepfambi. Vanopirawo zvibayiro pamwechete nemhombwe kana zvifeve zvetemberi. Zvino vanhu vasinganzwisisi vachasvika mukuparara.
15
“Iwe Isiraeri kunyange zvazvo uchiita ufeve vokwaJudha ngavarege kubatwa mumhosva idzodzo. Ngavarege kundopira kuGirigari kana kukwira kuBhetiavheni kunyange kupika vachiti, ‘NaTenzi chaiye mupenyu.’ ”
16
Isiraeri itsvuura muromo chaiyo, tsiru zvaro risingabatiki, pakadaro, Tenzi ndipo paangavafudze here sehwayana zvadzo dziri mumafaro akafara?
17
VokwaEfuremu vapindwawo nomweya wokunamata zvifananidzo, varegei vakadaro.
18
Chikwata zvacho chezvidhakwa zvavanhu vanongoda zvoufeve. Vanotorwa mwoyo chaizvo nezvinhu zvakafumuka kutodarika chaizvo kuda kwavanoita zvinhu zvinovapa chimiro.
19
“Vapindwa nomweya iwoyu unovatututsa, zvezvibayiro zvavo izvozvi zvichavanyadzisa.”
← Chapter 3
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 5 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14