bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Hosea 6
Hosea 6
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 5
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 7 →
1
“Uyai tidzokere kuna Tenzi nokuti ndiye akatibvambura kudai, kuti atirape; ndiye akadai kutirova, achatisunga maronda.
2
Mushure memazuva kana maviri zvawo achatimutsurudza, mune rechitatu iri achitimutsa kuti tigare zvedu naye.
3
Ngatizivei, ngativavarirei kuziva Tenzi kuuya kwake kuri pachokwadi sokusvika kunoita mambakwedza, achauya kwatiri semvura inonaya semvura yomunhuruka inodiridza nyika.
4
“Ndodiiko nemi vanhu vokwaEfuremu? Ndodiiko ini nemi vanhu vokwaJudha? Rudo rwenyu, rwakaita semhute yemangwanani, sedova zvaro risingatani kunyungudika.
5
Ndokusaka ndakavapanha nevaporofita, ndichivasakadza kuuraya namazwi omuromo wangu. Kutonga kwangu kunoti bha-a kuvheneka sechiedza.
6
Ndinodaro nokuti chandinoda ini, rudo chairwo kwete zvibayiro, uye kuziva Mwari pane kupirwa mipiro yokupisa.
7
“Asi savanhu vakatyora Chitenderano ikoko havana kuva vanhu vakatendeseka kwandiri.
8
Gireadhi iguta ravaiti vezvakaipa, guta revadeuri veropa.
9
Sezvinongoita makororo kuhwandira vanhu ndizvozvo zviri kuitwa navapristi, vanouraya vanhu panzira inoenda Shikemu. Ndozvavanoita chaizvo zvakaipisa.
10
Ndakaona chinhu chakaipisisa muimba yokwaIsiraeri VokwaEfuremu vanoita ufeve vachin'oresa vanhu vokwaIsiraeri,
11
nemiwo vokwaJudha muchakohwa mubayiro wenyu wakakumirirai. Pandichadzosa kutapwa vanhu vangu.”
← Chapter 5
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 7 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14