bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Hosea 5
Hosea 5
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 4
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 6 →
1
“Chinzwai, imi vapristi, muteerere imi vemba yokwaIsiraeri, muteye nzeve imi vemba yokwamambo, nokuti mhosva yacho ndeyenyu pamusana pokuti imi, ndimi makava chokuteya nacho vanhu kuMizipa'ku, mumbure zvawo wakachinzi wareware kuteyewa paGomo reTabhori,
2
mukaita hunza yakadzika kuShitimu asi ndichakurangai mose zvenyu.
3
VokwaEfuremu ndinovaziva hapanawo chokwaIsiraeri chakavanzika kwandiri nokuti kutaura kuno imi vokwaEfuremu makaita ufeve imi vokwaIsiraeri man'ora.”
4
Twavanoita twava kuvatadzisa kudzokera kuna Mwari wavo nokuti mweya woufeve uyu uri mavari, uye havazivi Tenzi.
5
Kuzvitutumadza kwevokwaIsiraeri, kwava kuvapfukira, vokwaEfuremu vachadzedzereka nemhosva yavo iyoyo, vokwaJudhawo vachadzadzarika pamwechete navo.
6
Nezvibayiro zvemombe nezvimwewo zvipfuwo vachaenda kundotsvaka Tenzi, asi havazi kuzomuwana nokuti kwavari akabva.
7
Havana kuva pachokwadi naTenzi nokuti vakaita vana vomusango. Zvino Zuva guru rokugara kwomwedzi ndorichava kuparara kwavo iyemi neminda yenyu.
8
Ridzirai hwamanda muGibhea, nebhosvo muRama, muridze huhwi muBhetiavheni. Narwoyi rwokurwisa imi vokwaBhenjamini
9
Efuremu ichasara yangova nyika zvayo, isina chinhu pazuva rayo rokurangwa. Zvandiri kutaura ini ichokwadi ichocho mukati memadzinza okwaIsiraeri.
10
“Machinda okwaJudha angovawo savanhu vanobvisa hoko yomuganhu, hasha dzangu dzichadirana pavari semvura.
11
VokwaEfuremu vari kudzvinyirirwa kutongwa kwavo ndokwekumbunyikidzwa, pamusana pokuti vakaramba voda zvisina maturo.
12
Naizvozvo ini ndava sechipfukuto kune vokwaEfuremu uye sechiundudzi kune vemba yokwaJudha.
13
“VokwaEfuremu pavakaona chirwere chavo, vokwaJudha vachionawo ronda ravo, ipapo vokwaEfuremu vakaenda kuAsiria votuma nhume kuna mambo mukuru uya. Asi zvokukurapai haasi kuzokwanisa kana kuporesa ronda renyu.
14
Ndinodaro nokuti kune vokwaEfuremu ndichaita seshumba chaiyo, kune vemba yokwaJudha ndichaita semhondoro ichiri kuzvinzwa. “Ini iyeni pachangu ndichavabvambura ndigoenda zvangu ndichizvuzvurudza pasina anogona kununura.
15
“Ndichadzokerazve kunzvimbo yangu kusvikira vabvuma mhosva yavo vachizonditsvaga, vapindwa nenhamo kudaro vava kunditsvaga vachiti.”
← Chapter 4
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 6 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14