bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Hosea 8
Hosea 8
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 7
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 9 →
1
“Nomuromo wako, chiridza bhosvo sezvo vemba yokwaTenzi vatova nyama yemagora nokuti vakatyora chitenderano changu ini navo vakatyora mutemo wangu.
2
Kwandiri ndokwavanochema vachiti, ‘Nhai Mwari wangu! Inga isu vokwaIsiraeri tinokuzivai wani!’
3
Asi vokwaIsiraeri ivavo, vakasema zvinhu zvakanaka, muvengi achavaronda.
4
“Vakagadza madzimambo avo vasina kumboti ini ndive mukati mazvo; vakazvisarudzira machinda vasina kundizivisa nesirivha yavo, nendarama yavo, vakazvigadzirira zvifananidzo zvokunamata kuri kuzvitsvakira kuparadzwa.
5
Ndinosema kwazvo mhuru yako yaunoeresa, iwe guta reSamaria. Ndinovirukira nehasha vanhu ivavo. Kuchasvika rinhi chaizvo kuti vokwaIsiraeri vazova vanhu vavatsvene.
6
Inga wani zvakabva muIsiraeri. Zvakagadzirwa nemhizha mhuru iyoyo, haisi Mwari. Mhuru yacho inoereswa muSamaria ichapwanyiwa kuti mwarara
7
nokuti vanodyara mhepo vachakohwawo chamupupuri; mashanga zvawo akangomira asina hura asingape upfu. Dai aipa upfu, vatorwa ndovaitohudya zvavo.
8
Asi Isiraeri yamedzwa iyi. Yatova zvayo somudziyo usina basa mukati mevechirudzi.
9
VokwaIsiraeri idhongi zvaro, romusango riri kudzungaira roga nokuti vakakwira kuAsiria, vokwaEfuremu vakaita zvokutondotenga zvikomba.
10
Kunyange zvazvo vakaita zvokubhadhara vatorwa vokuvakuta, mukati mevechirudzi ndichavakokorodza zvangu iye zvino uno vamborega kwakanguva kadiki zvokugadza mambo namachinda.
11
“Kunyange vokwaEfuremu vakavaka zvavo atari neatari dzokupfupirira zvitadzo, atari dzacho dzava atari dzokuparira zvitadzo.
12
Ndikavanyorera zviuru zvemitemo yangu; ivo, vanotoshama kuti ndochii ichochi.
13
Zvokupira zvibayiro ndizvo zvavanofarira vanoitaka chibayiro chenyama vodya nyama iyoyo asi Tenzi haambozvifarira iye zvino ava kutorangarira uipi hwavo agorangira zvitadzo zvavo. Vachapishinukira kwakare kuIjipiti,
14
nokuti vokwaIsiraeri vakakanganwa Musiki wavo vakavaka mizinda. VokwaJudha vakavakawo maguta etsvingo akawanda asi ndichatuma moto pamaguta avo, ucharoromesa nzvimbo dzavo dzokuzvidzivirira muhondo.”
← Chapter 7
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 9 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14