bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Romans 11
Romans 11
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 10
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 12 →
1
Zvino ndingati Mwari akaramba vanhu vake here? Kwete handizvo. Iyeniwo ndiri muIsiraeri, chizvarwa chaAbhurahamu, ndiri wedzinza rokwaBhenjamini.
2
Mwari haana kuramba vanhu vake vaakafanoziva.
3
Hamuzivisu zvinotaurwa naMagwaro Matsvene nezvaEriya zvaanokumbira Mwari kuti zviwire Isiraeri achiti, “Tenzi vanhu ava vakauraya vaporofita venyu. Vakapaza atari dzenyu. Ini ndoga ndini ndasara uye vari kuda kutondipedzisa.”
4
Asi Mwari anomupindura achitii? “Ndakazvichengetera zviuru zvinomwe zvavarume vasina kupfugamira Bhaari.
5
Saizvozvowo iye zvino uno kune chitsama chakasarudzwa nokuda kwenyasha.
6
Zvino kana zviri nokuda kwenyasha, hazvisiri nokuda kwamabasa nokuti nyasha hadzizovi nyasha.”
7
Zvino toti kudii? Toti, Isiraeri yakakundika kuwana zvayaitsvaka. Vaakasarudza ndivo vakazviwana. Asi vamwe vose vakaomaradzwa mwoyo.
8
Sokunyorwa kwazvakaitwa zvichinzi, “Mwari akavapa mwoyo wenhinhi namaziso okuti vasaone nenzeve dzokuti vasanzwe. Kusvikira pari nhasi.”
9
Dhavhidhi anotiwo, “Regai mabiko avo makuru ave riva nomusungo kwavari, ave hunza kwavari nomubayiro wavo.
10
Maziso avo ngaakwidibirwe nerima kuti vatadze kuona dzive hotakota musana nokusingaperi.”
11
Ko zvino ndingati vakagumburwa zvokubva vawira pasi zvachose here? Kwete, handizvoba. Asi nokukanganisa kwavo ikoko ruponeso rwakabva rwaenda kune vechirudzi kuti vaIsiraeri vaite shanje.
12
Zvino kana kukanganisa kwavo ikoko kwakapfumisa pasi pose uyewo kana kukundika kwavo kuchitopfumisa vechirudzi, ko kutozoti kana tazara, tava tose pamwechete navo!
13
Kunemiwo vechirudzi ndinoti, ini somupositori kune vechirudzi ndinokoshesa basa rangu iroro
14
kuti ndimutse shanje muhama dzangu dzechiJudha. Nenzira iyoyo ndigoponesa vamwe vavo.
15
Kana kurambwa kwavo kuchiita kuti pasi pose payananiswe, ko kugamuchirwa kwavo kucharevei? Kunenge korevawo kumuka kwavafi.
16
Kana chidimbu chomukanyiwa wechingwa chinopirwa somupiro wezvitsva chiri chitsvene, saizvozvo mukanyiwa wose mutsvene. Kanawo mudzi uri mutsvene namapaziwo matsvene
17
asi kana mamwe mapazi akadimurwa zvino imi bukirwa romuorivhi womusango mukarumatidzwa panzvimbo pawo kuti muwanewo upfumi homuorivhi
18
musadadire mapazi iwayo. Kunyange mukadada zvenyu asi yeukai kuti hamusimi munotsigira mudzi asi kuti mudzi ndiwo unokutsigirai.
19
Pamwe mungati mapazi akadimurwa kuti ini ndirumatidzwe pamugirepisi.
20
Ichokwadi ichocho. Vakadimurwa pamusana pokusatenda kwavo asi choga chinoita kuti iwe umire wakasimba, chitendero. Naizvozvo rega kuzvikudza; unofanira kutotya,
21
nokuti kana Mwari asina kurega mapazi epo aripo haamboregawo iwe uripo.
22
Saka iwe chinyatsoona mwoyochena nokuoma kwaMwari. Kuomesa mwoyo kwake kuna vakatadza nemwoyochena waMwari kwauri, ndokunge chete mwoyochena waMwari waramba uinewe. Pasina izvozvo kana iwe unodimurwawo.
23
Kunyange vaJudha vaya kana vakarega kurambirira mukusatenda kwavo, vanorumatidzwa pakare nokuti Mwari ane simba rokuvarumatidza zvakare.
24
Ndinodaro nokuti kana imi makadimurwa pamuorivhi, muorivhi womusango zvawo muchizorumatidzwa zvisiri zvinoitika pamakuriro ezvinhu uchirumatidzwa nomugirepisi unorimwa mumunda, ko zvinova nyore zvakadii kuti mapazi epo chaiwo arumatidzwezve pamigirepisi yawo. TSITSI DZAMWARI KUVANHU VOSE.
25
Mungadaro mukafunga kuti makachenjera, ndingade kuti muzive chakavandika ichi hama dzangu. Kuomaradza mwoyo kwakapinda muchikamu cheIsiraeri kusvikira huwandu hwevechirudzi vose hwapinda.
26
Naizvozvo Isiraeri yose ichaponeswa sokunyorwa kwazvakaitwa zvichinzi, “Mununuri achabva kuZioni achaparadza kusanamata Mwari kose muna Jakobho.
27
Ichochi ndicho chichava chitenderano changu navo kana ndabvisa zvitadzo zvavo.”
28
Pane zveShoko Rakanaka, imhandu dzaMwari kuitira imi, asi pane zvokusarudzwa ndavapamwoyo, pamusana pamadzitateguru avo
29
nokuti zvipo zvaMwari nokudaidza kwake ipfirapo.
30
Sezvamakangoita imi kuti makambova vanhu vasingateereri Mwari asi zvino makaitirwa tsitsi pamusana pokusateerera kwavo,
31
saizvozvowo zvino havateereri kuti netsitsi dzamakaitirwa ivo vaitirwewo tsitsi.
32
Ndinodaro nokuti Mwari akaisa vanhu vose mukusateerera kuti anzwire vose tsitsi.
33
Aiwaiwa hakusi kudzama kwakaita upfumi noungwaru noruzivo rwaMwari! Hakusi kusabatika ikoko kwamazano ake nokusarondeka kwakaita nzira dzake!
34
Nokuti ndiani angazive zviri mupfungwa dzaTenzi; uye ndiani akambova mupi wake wamazano.
35
Kana akambomupa chipo chokuti azodzorerwa,
36
nokuti zvinhu zvose zvinobva kwaari uye zvinouya nokwaari uyewo ndezvake. Iye ngaarumbidzwe nokusingaperi. Ameni.
← Chapter 10
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 12 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16