bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Romans 12
Romans 12
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 11
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 13 →
1
Naizvozvo ndinokukumbirisai, hama dzangu, pamusana petsitsi dzakaitwa naMwari, kuti mupire miviri yenyu sechibayiro chipenyu, chitsvene chinofadza Mwari; ndiko kunamata kwezvomweya ikoko.
2
Musatevedzere zvenyika asi vandudzwai muve vatsva mupfungwa dzenyu kuti munyatsoziva kuti zvinoda Mwari ndezvipi uye kuti zvakanaka ndezvipi zvinofadza Mwari uye zvakaruramisisa.
3
Pamusana pechipo chandakapiwa nenyasha dzaMwari ndinoda kudzora munhu oga oga pakati penyu kuti arege kuzvitora soopamusoro kupinda zvaari asi nepfungwa dzakagadzana kuzviera maererano nechitendero chaakapiwa naMwari.
4
Sezvakangoita kuti mumuviri mumwechete mune mitezo mizhinji. Uye mitezo iyoyo yose haishandi basa rimwechete.
5
Ndizvozvowo zvimwechete nesu kunyange takawanda kudai, tiri muviri mumwechete muna Kristu uye mumwe nomumwe mutezo wavamwe vose.
6
Tine zvipo zvakasiyana — siyana maererano nenyasha dzatakapiwa; ngatizvishandisei. Kana chiri chipo chokuporofita, tinofanira kuporofita zvinofambirana nechitendero chedu.
7
Kana chiri chokuitira vamwe mabasa ngatiitei mabasa, iwayo, anodzidzisa, ngaachisevenzese mukudzidzisa.
8
Ane chipo chokusimbisa vamwe, ngaachisevenzese mukusimbisa vamwe. Ane chipo chokupa, ngaave mupanegombe; kana chiri chipo choutungamiri, tungamirira nomwoyo wose kana chiri chamabasa etsitsi chiite nemwoyo unofara.
9
Rudo ngarurege kuva rwokungonyengedzera, vengai chakaipa, rambai makati kwati kwati nezvakanaka.
10
Idanai somukomanomunun'una. Kundai vamwe pakuremekedzana.
11
Rambai uri moto moto pakushandira Mwari; muchinganduma naMweya Mutsvene; shandirai Tenzi.
12
Farai muchitarisiro chenyu, tirirai mumatambudziko enyu. Rambai muchingonamata.
13
Bisawo mugove wako wokubatsira varurami vanenge vasina chokubata. Gamuchiranai mudzimba dzenyu.
14
Itii, Mwari ngaakomborere vanokushushai; vakumbirirei chikomborero, musavarengerere rushambwa.
15
Farai navanofara, muchemewo navanochema.
16
Garai muchinzwanana; Musazvikudze. Fambidzanai navapasi pasi. Musambozvitutumadza.
17
Musatsive chakaipa nechakaipa. Vavarirai kuita chinenge chichinzi navose chakanaka.
18
Kana zvichikwanisika sokugona kwenyu garisanai navanhu vose zvakanaka.
19
Hama dzangu dzadiwa, musatsividze asi zvisiirei kuna Mwari anoranga nehasha dzake nokuti zvakanyorwa zvichinzi, “Kutsividza ndokwangu. Ini ndini ndinodzorera.” Ndizvo zvinotaura Tenzi.
20
Kwete, kana muvengi wako ane nzara mupe chokudya. Kana ane nyota mupe chokunwa. Nokuti ukaita zvakadaro unotounganidza mazimbe omoto pamusoro pake.
21
Usakundwe nezvakaipa asi kunda zvakaipa nokuita zvakanaka.
← Chapter 11
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 13 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16