bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Romans 15
Romans 15
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 14
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 16 →
1
Isu takasimba tinofanira kuita mwoyo murefu navasina kusimba kwete kungozvifadzawo zvedu.
2
Munhu wose anofanira kuitira mumwe wake zvinomufadza zvinomubatsira nokumusimbisa
3
nokuti Kristu haana kungozvifadza zvake asi sokunyorwa kwazvakaitwa zvichinzi, “Kuzvidza kwaavo vakakuzvidzai kwakauya kwandiri.”
4
Ndinodaro nokuti zvose zvazvo zvakanyorwa mumazuva akare zvakanyorerwa kuti zvitidzidzise kuti nokushingirira uye nokukurudzira kwaMagwaro Matsvene tiwane chitarisiro.
5
Dai Mwari anotsungisa uye anokurudzira vanhu angoita kuti mugarisane zvakanaka, zvinowirirana naKristu Jesu
6
kuti pamwechete nezwi rimwechete murumbidze Mwari naBaba waTenzi wedu Jesu Kristu.
7
Naizvozvo gamuchiranai sokugamuchirwa kwamakaitwa naKristu kuti Mwari arumbidzwe.
8
Zvandiri kureva ndezvokuti Kristu akava muranda kuna vakadzingiswa kuratidza chokwadi chaMwari kuti asimbisise zvitsidzo zvakaitwa kumadzitateguru
9
uye kuti vechirudzi varumbidze Mwari nokuda kwengoni dzake, sokunyorwa kwazvakaitwa zvichinzi, “Saizvozvo ndichakurumbidzai mukati mevechirudzi uye ndichaimbira zita renyu.”
10
Zvinonzizve, “Pemberai nokufara pamwechete navanhu vake, imi vechirudzi.”
11
Uyewo zvinonzi: “Rumbidzai Tenzi imi mose vechirudzi uyewo vanhu vose murumbidzei.”
12
Isayawo anoti: “Dzinde raJese richauya, iye anomuka kuzotonga vechirudzi, vechirudzi vachatarisira maari.”
13
Dai Mwari wechitarisiro angokuzadzai norufaro rwose norugare mukutenda kwenyu, kuti nesimba raMweya Mutsvene mangofashukira nechitarisiro.
14
Hama dzangu ini ndinogutsikana nemi kuti imi pachenyu muzere norunako, muzere neruzivo rwose uyezve nokuti munokwanisa kudzidzisana pachenyu.
15
Asi pane dzimwe nyaya dzandakakunyorerai nechivindi chaicho ndichikuyeuchidzai pamusana pechipo chandakapiwa naMwari
16
chokuti ndiri mushandiri waKristu Jesu ndichishanda mukati mevechirudzi uye kuti ndiri mushandiri weShoko Rakanaka raMwari. Ibasa rangu somupristi kupira vechirudzi kwaari sechibayiro chinofadza chakaereswa naMweya Mutsvene.
17
Naizvozvo muna Kristu Jesu, ndinozvidadisa nebasa randinoitira Mwari.
18
Handingafemeri kutaura nezvechimwe chinhu kusiya nezvakaitwa naKristu nemandiri kuti vechirudzi vateerere namazwi nezviito zvangu
19
nesimba rezviratidzo nezvishamiso uye nesimba raMweya Mutsvene. Uku kuri kuti kubvira kuJerusaremu kutenderera nokuIririkumu ndiparidze shoko raKristu, ndichiita kuti ive ndiyo vavariro yangu yokuparidza Shoko Rakanaka kusati kwakambodomwa Kristu.
20
Ndingadaro ndikavaka pahwaro hwomumwe.
21
Asi sokunyorwa kwazvakaitwa zvichinzi, “Vasina kumbotaurirwa nezvake vachaona, vasina kumbonzwa nezvake vachanzwisisa.”
22
Ndicho chikonzero chakandipingidza kuti ndiuye kwamuri kakawanda.
23
Asi iye zvino zvandisisina mukana wokushanda munharaunda dzino idzi uye pamusana pokuti ndaisuwira kwamakore mazhinji kuuya kwamuri,
24
ndinotarisira kukuonai ndichipfuura pandinenge ndichienda kuSipeini imiwo muchindibatsira parwendo rwangu ikoko pashure pokunge ndambofara kuva nemi kwechinguvana.
25
Pari zvino ndiri kumboenda kuJerusaremu norubatsiro rwavatsvene.
26
Ndinodaro nokuti vokuMasedhonia nevekuAkaya vakafarira kuti vape chipo kuvarombo mukati mavatsvene vokuJerusaremu.
27
Ivo ndivo zvavo vakafarira kuzviita. Asi zviripowo zvazvo ndezvokuti, vanofanira kubatsira varombo ivavo. Nokuti vaJudha vakagoverana zvikomborero zvomweya nevechirudzi saizvozvowo vechirudzi vanofanira kubatsira vaJudha nezvinhu zvenyama.
28
Saizvozvo kana ndapedza izvi ndatsvitsa zviya zvakaunganidzwa ndichapfuura nokwenyu ndichienda kuSipeini.
29
Ndinozivawo kuti kana ndouya kwamuri ndinouya nechikomborero chaKristu chizere.
30
Ndinokukumbirisai hama dzangu, nokuna Tenzi wedu Jesu Kristu, nokurudo runobva kuna Mweya Mutsvene, kuti muvavarire pamwechete neni muminamato yenyu kuna Mwari muchindinamatira
31
kuti ndinunurwe kuna vasingatendi vari kuJudhea uye kuti ruyamuro rwangu kuJerusaremu rwutambirwe navatsvene ivavo.
32
Izvi kunenge kuri kuti, nokuda kwaMwari, ndizouya kwamuri nomufaro ndimboti zororei pakati penyu.
33
Mwari worugare ngaave nemi mose. Ameni.
← Chapter 14
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 16 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16