bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Romans 3
Romans 3
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 2
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 4 →
1
Ko muJudha chaanokunda vamwe nacho chii? Ko kudzingiswa kunobatsirei?
2
Zvakatowanda uye nenzira dzakasiyana — siyana. Pokutanga, vaJudha vakachengeteswa zvirevo zvaMwari.
3
Ko ngatitii vamwe vavo vakanga vasina kutendeka? Kusatendeka kwavo kunoshaisha basa kutendeka kwaMwari here?
4
Kwete, hazvidaro, Mwari anofanira kuva pachokwadi kunyange vanhu vose vakave venhema, sokunyorwa kwazvakaitwa zvichinzi, “Kana motaura, zvinobuda pachena kuti ndicho chokwadi kana mukapinzwa dare munobuda musina mhosva.”
5
Ko zvino kana uipi huchiratidza ururami hwaMwari, zvino toti kudini? Tingati Mwari akaipa here kana otiranga (ndiri kutaura somunhu?)
6
Kwete, handizvo, nokuti pakadaro Mwari aizotonga pasi sei?
7
Ko zvino kana nhema dzangu dzichiita kuti chokwadi chaMwari chinyatsobuda pachena, zvichiita kuti Mwari arumbidzwe, chandinopirwa mhosva yokuti ndiri mutadzi chii?
8
Vanoti tinoti, “Kana zvakadaro ndingaregerei kuita zvakaipa kuti zvakanaka zvibude mazviri,” sokurasa muromo kunoita vamwe vanhu vachitishora. Kupa vanhu vakadai mhosva kwakarurama.
9
Ko zvino isu vaJudha tiri nani here ipapa? Kwete, napaduku pose. Inga wani tamboti vanhu vose, vaJudha navaGiriki, vari pasi pesimba rechitadzo.
10
Sokunyorwa kwazvakaitwa zvichinzi: “Hakuna akarurama kana mumwechete zvake.
11
Hakuna anonzwisisa hakuna anotsvaka Mwari.
12
Vose vakatsauka, vose zvavo pamwechete vakashata. Hapana anoita zvakanaka kana nomumwechete zvake.
13
Gurokuro ravo iguva rakashama, vanoshandisa rurimi rwavo kunyengedza. Mukanwa mavo mune uturu hwenyoka.
14
Miromo yavo izere nokutuka nokuvava.
15
Tsoka dzavo dzinomhanyirira kudeura ropa.
16
Mavanopfuura namo munosara ava matongo nejemedzanwa.
17
Mugariro worugare havauzivi.
18
Mwari havambomuona kuti chii.”
19
Zvino tinoziva kuti chose chinotaurwa nomutemo chinonanga avo vari pasi pomutemo iwoyo kuti pasave naanombopati bufu kuti pasi pabvume muteto pana Mwari
20
nokuti hapana munhu anoruramiswa pamberi pake nezvisungo zvomutemo pamusana pokuti mutemo, chawo kuzivisa vanhu zvechitadzo.
21
Zvino kururama kwaMwari kwakaratidzwa pachena zvisinei nomutemo kunyange zvazvo mutemo navaporofita zvichiupupurira.
22
Kururama ikoko kwaMwari kunoitika nechitendero muna Jesu Kristu kuna vose vanotenda pasina zvorusaruro
23
nokuti munhu wose akatadza akakundika kusvika panodiwa naMwari kuti aponeswe.
24
Vanoruramiswa nenyasha dzake sechipo nokununura kunowanikwa muna Kristu Jesu.
25
Mwari akaronga kuti neropa rake ave ndiye wokuripira naye zvitadzo zvichiitika pamusana pechitendero. Izvi zvakaitirwa kuti kururama kwaMwari kuratidzwe pachena nokuti pamusana pemwoyo murefu wake zvitadzo zvakare akazviti zvingopfuura zvazvo
26
kuti aratidze iye zvino kuti iye akarurama uye kuti anoruramisa munhu anotenda muna Jesu.
27
Pakadaro kuzvikudza kwedu kunozova papi? Kunobva kwashaya maturo. Kunoshaiswa maturo nei? Nezvisungo namabasa here? Kwete asi pamusana pechitendero.
28
Chikonzero chacho ndechokuti tinoti munhu anoruramiswa nechitendero zvisinei nezvisungo zvinobva mumutemo.
29
Kana kuti tingati Mwari ndiMwari wavaJudha voga here? Haasi Mwariwo wevechirudzi here? Hongu ndiMwariwo wevechirudzi,
30
Mwari zvaari mumwechete; uye anoruramisa nechitendero chavo vakadzingiswa, anoruramisawo nechitendero chavo, avo vasina kudzingiswa.
31
Zvinoreva here kuti naizvozvo tava kuparadza mutemo nokuda kwechitendero. Hazvidaro kwete, asi kuti tiri kutosimudzira mutemo.
← Chapter 2
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 4 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16