bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Romans 16
Romans 16
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 15
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
1
Ndinoturira kwauri hanzvadzi yedu Febhi mutungamiriri mushandiri wesangano rokuKenikerie kuti mumugamuchire muzita raTenzi zvinokodzerana navatsvene.
2
Mubatsirei muna zvose zvaangade kwamuri nokuti iye akabatsirawo vazhinji kunyange ini.
3
Ndikwazisirei Prisika naAkwira vashandi pamwe neni mubasa raKristu Jesu
4
vakapinda munjodzi yokuda kudimburwa musoro pamusana pangu. Vanotendwa, kwete neni ndoga, asi kunyange namasanganowo ose evechirudzi. Ndikwazisireiwo sangano rinopindira pamba pavo.
5
Ndikwazisireiwo Epenetusi wapamwoyo, akava wokutanga kuAsia kupindukira kuna Kristu.
6
Ndikwazisireiwo Maria akashanda nesimba pakati penyu.
7
Ndikwazisireiwo Andironikusi naJuniasi hama dzangu vakanga vari vamwe vangu muusungwa, varume vanoremekedzeka pakati pavapositori. Vakanditangira kuva naKristu.
8
Ndikwazisireiwo Ambiriatusi shamwari yangu yapamwoyo muna Kristu.
9
Ndikwazisireiwo Urubhanusi mushandi pamwe neni mubasa raKristu naSitakisi, wangu wapamwoyo.
10
Ndikwazisireiwo Aperesi, munhu akatendeka kuna Kristu. Ndikwazisirei vemhuri yaAristobhurusi,
11
mundikwazisirewo hama yangu Herodioni. Ndikwazisireiwo muna Tenzi vemhuri yokwaNarisisusi.
12
Ndikwazisireiwo vashandi pamwe nesu muna Tenzi Tirifena naTirifosa, mundikwazisirewozve Perisi wapamwoyo akashanda zvakaomarara mubasa raTenzi.
13
Ndikwazisireiwo Rufusi mukuru mukuru mubasa raTenzi naamai vake vari amai vanguwo.
14
Ndikwazisireiwo Asingiretusi naFiregoni naHemesi naPatrobhasi naHemasi nevehama vavanawo.
15
Ndikwazisireiwo zvakare Firorogusi naJuria naNereusi nehanzvadzi yake naOrimbasi navatsvene vose vavanavo.
16
Kwazisanai muchitsvodana zvitsvene. Masangano ose aKristu anokukwazisai.
17
Ndinokukumbirisai hama dzangu kuti munyatsoongorora avo vanopesanisa vanhu nokuunza zvimhingamupinyi vachirwisa zvidzidzo zvamakadzidziswa. Siyanai navo.
18
Vanhu vakadaro havasipo kushandira Tenzi wedu Kristu asi havi dzavo. Vanonyengedza vasina kuchenjera nokunatsa mukanwa kwavo namazwi anotapira.
19
Guhu rokuteerera kwenyu rakapararira kose kose zvokuti ndinofara kwazvo nemi. Ini ndingade kuti muve shasha pakuita zvakanaka asi muve samazirema zvenyu pakuita zvakaipa.
20
Ipapo Mwari worugare anobva apwanyira Satani pasi petsoka dzenyu. Dai Tenzi wedu Jesu Kristu angokuitirai nyasha.
21
Timoti wandinoshanda naye, anokukwazisaiwo pamwechete naRukio naJasoni, naSosipata hama dzangu.
22
Ini Tetiusi munyori wetsamba ino ndinokukwazisaiwo muna Tenzi.
23
Gayusi ari kundichengeta mumba make uye ari kuchengeta sangano rose mumba make ari kukukwazisai. Erasitusi sahomwe weguta rino nehama yedu Kwatusi vanokukwazisai.
24
***
25
Ngatirumbidzei iye anogona kukusimbisai maererano neShoko rangu Rakanaka uye maererano nokuparidza kwaJesu Kristu uye nokuzarurwa kwezvakanga zvakavandika kwenguva ndefu asi zvino zvakazoburitswa pachena.
26
Uye nezvakanyorwa navaporofita zvikazoziviswa kumarudzi ose maererano nezvakanzi naMwari wokusingaperi ngazviziviswe kuti kuve nokuteerera kunounzwa nechitendero.
27
Mbiri ngaipiwe kuna Mwari oga anoungwaru nokuna Jesu Kristu nokusingaperi. Ameni.
← Chapter 15
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16