bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Romans 4
Romans 4
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 3
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 5 →
1
Ko zvino tichati kudiiko nezvaAbhurahamu tateguru vedu paukama hweropa.
2
Dai kuri kuti Abhurahamu akaruramiswa namabasa, angadai aine chokuzvirumbidza nacho, asi kwete pamberi paMwari.
3
Ko Magwaro Matsvene anotii, “Anoti: Abhurahamu akatenda muna Mwari zvikaita kuti anzi akarurama.”
4
Zvino kumunhu anoshanda mubayiro wake haunganzi chipo asi chinhu chaanofanira kupihwa.
5
Asi kumunhu asina mabasa asi achivimba nouyo anoruramisa vasiri vanamati vaMwari, chitendero chake chinoita kuti anzi akarurama.
6
Saizvozvo Dhavhidhi anoti akakomborerwa zvake munhu anonzi naMwari akarurama iye asina mabasa aakaita achiti,
7
“Vakakomborerwa zvavo vakaregererwa kukanganisa kwavo, vane zvitadzo zvavo zvakafushirwa.
8
Akakomborerwa munhu asinganzi naTenzi ane chitadzo.”
9
Chikomborero ichi chinonzi ndechavakadzingiswa chete here kana kuti ndechavasina kudzingiswawo? Tamboti chitendero chaAbhurahamu chakaita kuti anzi akarurama.
10
Zvino zvakaitika sei kuti anzi akarurama? Akanzi akarurama asati adzingiswa here kana kuti mushure mokunge adzingiswa. Hazvina kuitika mushure mokudzingiswa asi asati adzingiswa.
11
Akadzingiswa somucherechedzo unosimbisisa kuti mururami. Ururami ihwohwo akahuwana nechitendero asati adzingiswa. Chinangwa chaiva chokumuita baba wavose vanotenda vasina kudzingiswa vakanziwo vakarurama nenzira iyoyo.
12
Nenzira imwecheteyo akave baba wavakadzingiswa vasina kungodzingiswa chete asi vanotevedzerawo muenzaniso wechitendero chaiva nababa vedu Abhurahamu asati adzingiswa.
13
Abhurahamu nezvizvarwa zvake haana kutsidzirwa kuti pasi pose pachava nhaka yake pachingoteverwa zviri pamutemo zvoga asi pamusana pokururama kunobva muchitendero.
14
Asi dai kuri kuti ndavavo vanotevedza zviri pamutemo vaizogara nhaka iyoyo, pakadaro chitendero hachina maturo uye chitsidzo chinobva chashaya basa
15
nokuti mutemo unounza chirango asi pasina mutemo hapana kudarika mutemo.
16
Saizvozvo chitsidzo ichocho chakaitwa pamusana pechitendero kuitira kuti chive chenyasha uye kuti zvibva zvanyatsosimbisiswa kuti zvizvarwa zvavo zvose zvichachiwana kwete kuna vanochengeta mutemo voga asi kuti kuna avowo vane chitendero chimwechetecho naAbhurahamu, nokuti iye ndibaba vedu tose
17
sokunyorwa kwazvakaitwa zvichinzi, “Ndakakuita baba wamarudzi mazhinji.” Abhurahamu akava nechitendero pamberi paMwari anomutsa vakafa uye anosika zvinhu zvisati zvambovapo.
18
Akatenda pazvainge zvisingabviri kutarisira kuti achava baba vamarudzi mazhinji sokutaurirwa kwavakanga vaitwa zvichinzi, “Ndiko kuwanda kuchaita zvizvarwa zvako ikoko.”
19
Chitendero chavo hachina kudzokera shure vachiona muviri wavo wakanga wapera basa sewakafa nokuti vakanga vava namakore anenge zana uye vachifunga kushaya mbereko kwaSara.
20
Hapana kusavimba naMwari kwakamboita kuti vakahadzike nezvechitsidzo chaMwari asi vakasimbiswa muchitendero chavo, vakapa mbiri kuna Mwari.
21
Vainyatsoziva kuti Mwari anogona kuita zvaakatsidza.
22
Ndiko kusaka chitendero chavo chakaita kuti vanzi vakarurama.
23
Asi mazwi aya anoti, “Chakaita kuti vanzi” haana kunyorerwa kuti areve ivo voga
24
asi kuti areve isuwo. Nesuwo tichanzi takarurama, isu tinotenda maari iye akamutsa Jesu Tenzi wedu kuvakafa, iye akaurairwa
25
zvikanganiso zvedu akamutsirwa kuti tinzi takarurama.
← Chapter 3
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 5 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16