bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Romans 7
Romans 7
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 6
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 8 →
1
Hamuzivi here hama dzangu, apa ndiri kutaura kuna vavo vanoziva mutemo, kuti mutemo unosunga munhu chete panguva youpenyu hwake?
2
Saizvozvo mukadzi akaroorwa unosungwa nomutemo wokuva akabatana nomurume wake panenge murume wake achiri mupenyu. Asi murume wake akafa atosunungurwa pamutemo kune zvomurume wake.
3
Saizvozvo anonzi chifeve chomukadzi kana akagara nomumwe murume, murume wake achiri mupenyu. Asi murume wake akafa asunungurwa pamutemo iwoyo. Kana akaroorwa nomumwe murume haachisiri chifeve.
4
Saizvozvowo, hama dzangu, imi pamusana pokuva vamwe nomuviri waJesu, kumutemo muri vanhu vakafa, kuti muve womumwe, iye akamutswa kuvakafa kuti tiberekere Mwari muchero.
5
Chinondidariso ndechokuti paya pataigara upenyu hwenyama, havi dzedu dzoutadzi dzaishanda munhengo dzedu dzichimutswa nomutemo kuti tiberekere rufu muchero.
6
Asi iye zvino takasunungurwa kumutemo. Kune chinhu chiya chakanga chakatibata uranda, tave vanhu vakafa, zvokuti hatichashanda tiri pasi pomutemo wakare wakanyorwa asi muupenyu hutsva hwaMweya.
7
Zvino toti kudiiko? Toti here mutemo chitadzo? Kwete. Asiwo dai pasina mutemo, ndingadai ndisina kumboziva chinonzi chitadzo. Ndingadai ndisina kumboziva chinonzi kuchiva dai kuri kuti mutemo hauna kuti, “Usachive.”
8
Asi chitadzo chakawana mukana mumutemo wokumutsa nawo mandiri nzira dzose dzokuchiva nadzo. Pasina mutemo, chitadzo chakafa.
9
Ndakambenge ndiri mupenyu mutemo usati wavapo. Asi pakazouya mutemo, chitadzo chakabva chamuka, ini ndikabva ndafa.
10
Iwo mutemo chaiwo wakatsidzira upenyu ndiwo wakatova rufu kwandiri,
11
nokuti chitadzo pachakawana mukana nomumutemo chakandinyengedza chikandiuraya nawo.
12
Nezvo mutemo pachawo mutsvene, murawo pachawo mutsvene uye wakarurama uye wakanaka.
13
Ko zvino tingati icho chinhu chakanaka kudai chakaunza rufu kwandiri here? Handizvo kwete, asi kuti chitadzo ndicho chaikonzera rufu mandiri nomune chinhu chakanaka, kuti chitadzo chionekwe zvachiri kuti chitadzo. Uye chashandisa mutemo kudaro chichibva chanyatsobuda pachena kuti chakaipisisa.
14
Tinozviziva kuti mutemo ndewezvemweya asi ini ndiri munhu wenyama. Ndakatengeswa kukamwoyo kokuda kutadza.
15
Handinzwisisi zvandinoita. Ndinodaro nokuti handiiti zvandinoda kuita. Asi ndinoita izvo zvandisingadi kuita.
16
Zvino kana ndichiita zvandisingadi kuita, zvinoreva kuti ndinobvuma kuti mutemo wakanaka.
17
Naizvozvo handisirini ndinozviita asi kamwoyo kokuda kutadza kanogara mandiri.
18
Chandinoziva apa ndechokuti hapana chakanaka chinogara mandiri. Ndiri kureva mumuviri wangu nokuti ndingade zvangu kuita zvakarurama asi handikwanisi kuzviita
19
nokuti zvakanaka zvandinoda kuita handizviiti asi zvakaipa zvandisingadi kuita ndizvo zvandinoita.
20
Zvino kana ndichiita zvandisingadi kuita, handisirini ndiri kuzviita asi kamwoyo kokuda kutadza kanogara mandiri kaya.
21
Saka ndavakutozviona somutemo kuti kana ndichida kuita zvakanaka, chakaipa chinenge chiri pedyo pedyo.
22
Zviripo ndezvokuti, ini mukatikati mangu chaimo, ndinofarira mutemo waMwari.
23
Asi ndinoona kuti mumitezo yangu mune mumwewo mutemo unorwisana nomutemo uri mupfungwa dzangu uchindiita muranda womutemo wakamwoyo kaya kokuda kutadza kanogara mumitezo yangu.
24
Zvino ini, panguwo pano, ndiani achandinunura kumuviri wangu uyu worufu.
25
Ndinotenda Mwari kuti ndinonunurwa nokuna Jesu Kristu Tenzi wedu. Saka zviripo ndezvokuti ini pachangu ndinochengeta mutemo waMwari nepfungwa dzangu asi nenyama yangu ndinotevera mutemo wechitadzo.
← Chapter 6
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 8 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16