bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Romans 2
Romans 2
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 1
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 3 →
1
Naizvozvo iwe munhu hauna chingaite kuti unzi hauna mhosva kunyange uri ani zvako kana uchitongera mumwe mhosva asi iwe uchiita zvimwechetezvo.
2
Tinonyatsoziva kuti Mwari, kutongera mhosva kwaanoita vanhu vanoita zvakadai, kuri pamwero.
3
Nhaiwe, munhuwo zvako kudai, unofunga here kuti uchapunyuka kutongerwa mhosva naMwari kana iwe uchitongera vamwe mhosva vanoita zvakadaro asi iwe pachako uchizviitawo?
4
Kana kuti wavakungoti Mwari zvaakazara nomwoyochena nokuregerera nomwoyo murefu, ndizvozvo? Hauzivi here kuti mwoyochena waMwari unenge uchiitirwa kuti iwe upinduke?
5
Asi nokuomarara mwoyo kwako uye nokuva nomwoyo usingadi kupinduka uri kutozozvimutsira hasha pamusi wehasha pacharatidzwa kutonga kwaMwari kwakarurama
6
nokuti achapa, mumwe nomumwe maererano namabasa ake.
7
Achapa upenyu husingaperi kuna vanoita mwoyo murefu mukuita zvakanaka vachitsvaka mbiri norukudzo noupenyu husingaperi.
8
Asi kuna vavo vano mweya wokupanduka vasingateereri chokwadi vanotungamirirwa nouipi; chavo kutsamwirwa nokuitirwa zvehasha.
9
Munhu wose anoita zvakaipa achapinda munhamo namatambudziko, kutanga nomuJudha tevere muGiriki.
10
Asi munhu wose anoita zvakanaka achawana mbiri norukudzo norugare zvichitangirawo kumuJudha tevere muGiriki,
11
nokuti Mwari haana rusaruro.
12
Vose vakatadza vasina mutemo vachapararawo kunze kwomutemo. Uye vose vakatadzira Mwari vari pasi pomutemo vachatongwawo nomutemo.
13
Chiripo ndechokuti havasi vanhu vanongonzwa mutemo vakarurama pamberi paMwari asi vanoita zvinorehwa nomutemo ndivo vachanzi vakarurama.
14
Kana vechirudzi, vasiri pasi pomutemo, vachichengeta mutemo, kuri kuita zviri muropa ravo, vachitevedza zvinodiwa nomutemo, ndivo vava kutozvitungamirira somutemo kunyange zvazvo vasiri pasi pomutemo.
15
Vanoratidza kuti zvinodiwa nomutemo zvakanyorwa mumwoyo yavo. Hana dzavowo dzinovatsigira nokuvapupurira izvozvo. Pfungwa dzavo dzinenge dzichirwisana pachadzo pamwe dzichivapa mhosva pamwe dzichivareverera
16
pazuva iroro, Mwari paanenge otonga zvakavandika zvavanhu nokuna Kristu Jesu maererano neShoko rangu Rakanaka.
17
Zvino kana iwe uchizviti uri muJudha uchivimba nomutemo, uchizvikudza noukama hwako naMwari,
18
uchizivawo kuda kwake, uchikwanisa kusarudza chakanaka nokuti unenge wakadzidziswa zvomutemo,
19
uye kana iwe uine chokwadi chokuti unotungamirira mapofu, uri mwenje kuna vari murima;
20
kana uchigona kudzora mapenzi uye uri murairidzi wavana uchiziva kuti mumutemo ndimo muno ruzivo rwose nechokwadi,
21
zvino iwe kana uri munhu anodzidzisa vamwe kudai haukwanisi here kuzvidzidzisa iwe pachako? Kana iwe uchidzidzisa vamwe kusaba ndiwe woba here?
22
Kana iwe uchiti munhu haafaniri kuita upombwe ndiwe woita upombwe here? Iwe unovenga zvifananidzo ndiwe wondopamba zviri mumaTemberi here?
23
Iwe unozvirova dundundu nezviri mumutemo ndiwe wondoshora Mwari nokutyora mutemo here?
24
Ndinodaro nokuti zvakanyorwa zvichinzi, “Zita raMwari rinoshorwa pakati pevechirudzi pamusana penyu.”
25
Kudzingiswa kunebasa kana uchichengeta mutemo asi kana uchityora mutemo kudzingiswa kunobva kwava kusadzingiswa.
26
Naizvozvo kana munhu asina kudzingiswa akachengeta zvisungo zvomutemo kusadzingiswa kwake hakuzova kudzingiswa here?
27
Saizvozvo avo vasina kudzingiswa panyama asi vachichengeta mutemo vachakupai mhosva imi mune bumbiro romutemo rakanyorwa uye kudzingiswa asi imi muchityora mutemo.
28
MuJudha chaiye haasi muJudha wapamuromo, ndozvimwechetezvo nokudzingiswa kwechokwadi, hakusi kokuooneka kunze kana panyama.
29
MuJudha chaiye muJudha ari muJudha mukati; saizvozvowo kudzingiswa kwechokwadi chinhu chomumwoyo chezvomweya kwete chokutevedza zvakanyorwa chete. Kurumbidzwa kwake kunobva kuna Mwari kwete kuvanhu.
← Chapter 1
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 3 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16