bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Song of Solomon 1
Song of Solomon 1
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 2 →
1
Rwiyo rwakanakisisa rwaSoromoni.
2
Dai wangonditsvodawo zvako unditsvode-tsvode nomuromo wako nokuti kuita zvorudo kwako kunokunda waini.
3
Mafuta ako okuzora anonhuwirira; zita rako rakaita samafuta adururwa ndosaka vasikana vachikuda.
4
Ndikweve kwauri timhanye muende neni mumba menyu, mambo. Ngatifarei tichikupemberera tichirumbidza rudo rwako kupfuura waini. Ndosaka wani uchidiwa.
5
Vakunda veJerusaremu wee! Kusviba ndakasviba zvangu asi ndakanaka ndakasviba zvangu samatendhe eKedhari asi kunaka kwangu samachira chaiwo okudzikatirisa okwaSoromoni.
6
Musatarise zvenyu kusviba kwandakaita izuva iri rakanditsvukurutsa kudai. Hanzvadzi dzangu dzomumba dzakandiitira zvehasha; dzakandiita muchengeti weminda yamagirepisi. Asi munda wangu wamagirepisi handina kuuchengeta.
7
Ndiudzewo mudiwa wangu wapamwoyo, unofudzirepiko zvipfuwo zvako? Unozvizorodza kupi pamasikati makuru? Usandirege ndichingodzungaira, ndichitevedza namatanga avamwe vako.
8
Iwe nyakunakisisa panavakadzi vose kana usingazivi, tevera matsimba ehwai ufudzire mbudzana dzako pedyo namatendhe avafudzi.
9
Iwe chido chemwoyo wangu ndinokuenzanisa nomukono webhiza riri pangoro dzaFarao dzehondo.
10
Hakusi kunaka ikoko kwakaita matama ako nemhete idzi! Naiwo mutsipa wako uyu, nezvishongo zvawo izvi, aiwaiwa!
11
Tichakuitira mhete dzendarama nezvuma zvesirivha.
12
Mambo paainge akazendama zvake pasofa, mafuta angu enadhi akati pfuu kunhuwirira.
13
Kwandiri mudiwa wangu wakaita sakahomwe kemura kakarara pakati pamazamu angu.
14
Kwandiri ini mudiwa wangu akaita sechitsumbu chamaruva ehena muminda yeEnigedhi yamagirepisi.
15
Hakusi kunaka ikoko kwawakaita, iwe chido chemwoyo wangu! Kunaka here ikoko! Iwo maziso aya, aiwaka njiva inosara pasi!
16
Kunaka here ikoko kwakaitawo iwe mudiwa wangu! Hakusi kunaka kani ikoko! Patinovata pakati gude gude kusvibira.
17
Mapango emba yedu okutandarika achava omusidhari, nhungo dzawo dziri dzomupaini.
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 2 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8