bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Song of Solomon 5
Song of Solomon 5
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 4
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 6 →
1
Ndauya ini kubindu rangu iwe mwana wamai, mwenga wangu. Ndavakunongerera mura yangu uye tunonhuwirira twangu. Ndavakutodya zinga rouchi uyewo uchi hwangu ndava kutonwa ini waini nemukaka wangu. Idyai shamwari munwe; nwiririrai, imi vadiwa.
2
Ndakavata zvangu asi kukotsira mukati umu handina. Ndiye inzwei mudiwa achigogodza, achiti, “Ndizarurire mwana wamai, iwe chido chemwoyo wangu, njiva yangu iwe wakaperera nokunaka. Nokuti musoro wangu munyoro nedova, vhudzi rangu ratota namadonhwe ousiku.”
3
Ndanga ndatopfekenura hanzu. Ndidzipfeke zvakare here? Ndanga ndashamba tsoka dzangu ndodzisvibisazve nevhu here?
4
Mudiwa wangu akapinza ruoko rwake ndokubata chihuri mwoyo wangu wakanzwa manyawi. Ndakanzwa manyawi mumwoyo mangu.
5
Pandakazoti regai ndimuke ndizarurire mudiwa wangu, maoko angu achidonha mura minwe ichiyerera mura ichitoyerera pane chokuzarurisa gonhi.
6
Ndakazarurira mudiwa wangu asi mudiwa wangu akanga atendeuka aenda, zvakandipedza simba paakadzokera. Ndakamutsvaka ndikamushaya ndakamudaidza asi haana kupindura.
7
Vachengetedzi veguta vakandiona pavaingunofamba-famba neguta, vakandirova vakandikuvadza vakanditorera gemenzi rangu ivo vachengetedzi vaparusvingo.
8
Ndinokukumbirisai chaizvo vanasikana veJerusaremu kuti kana mawana mudiwa wangu mumutaurire kuti ndapera ini norudo.
9
Nhaiwe mukadzi akanakisisa kudai iye mudiwa wako chii chaizvo chaanopfuura vamwe nacho? Iye mudiwa wako chaanopfuura vamwe nacho chii chaizvo zvokutotikumbirisa ukadaro?
10
Mudiwa wangu akapenyerera, akatsvukirira, anonyatsoonekwa mukati mezviuru gumi zvavanhu.
11
Musoro wake indarama chaiyo yakanakisisa. Vhudzi rake, rinoyerera rakasviba kuti ndo-o segunguwo.
12
Maziso ake anenge njiva dziri pedyo namadziva emvura, akanyikwa mumukaka, akanyatsoiswa panzvimbo pawo zvakanaka.
13
Matamawo ake akaita semihomba yetwokubikisa tunonhuwirira tunoburitsa kunhuwirira; iyo miromo yake iyi, maruva zvawo amariri, inodonha mura inoyerera.
14
Maoko ake, heyo mibhadha zvayo yendarama yakashongedzwa zvishongo muviri wake ndiro zvayo yemunyanga wenzou yakaiswa tutombo twesafaya.
15
Iwo makumbo ake aya, hedzo mbiru zvadzo dzakamiswa muzvigadzikiro zvendarama uyewo chimiro chake ungati iRebhanoni kunaka kwazvo semiti yemisidhari.
16
Zvaanotaura izvi zvinotapira samare, iye wose, sezvaari anodiwa. Ndiye mudiwa wangu iyeyo ndiye shamwari yangu, imi vanasikana veJerusaremu.
← Chapter 4
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 6 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8