bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Song of Solomon 8
Song of Solomon 8
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 7
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
1
Dai iwe kwandiri uri sehanzvadzi uri wakayamwa pazamu ramai vangu. Dai kuri kuti ndinokuona kunze ndaikutsvoda. Uye hapana aimbondishora.
2
Ndaienda newe kumba kwaamai vangu, mumba maiye akandibereka. Ndaikupa waini ino tunonhuwirira kuti umwe, muto wamapomegiraniti angu.
3
Dai ruoko rwake rweruboshwe ruri pasi pamusoro wangu rudyi rwake rwakandigumbatira zvarwo.
4
Ndinokukomeresai imi vanasikana veJerusaremu kuti musatirimutse kana kumutsa havi dzorudo nguva yacho isati yasvika.
5
Ndiani uyo ari kuuya achibva kurenje akazendamira pana chido chemwoyo wake. Pasi pomuti wemuapuru ndakakumutsa, ipapo amai vako vaiva panguva yokusununguka ivo vakakubereka vaiva pahata.
6
Ndiite sechidhindo pamwoyo wako sechidhindo paruoko rwako nokuti rudo rwakasimba sorufu, shanje ino utsiye seguva kuvaima kwayo kuvaima kwemoto, moto chaiwo unoririma.
7
Mvura zhinji zvayo haikwanisi kudzimura rudo. Kunyange mapopopo emvura haagoni kunyudza rudo. Kunyange munhu akati regai nditsinhanise rudo nokupa upfumi hwose hwomusha wake zvinonyatsoshorwa.
8
Tine kahanzvadzi kedu kaduku asi hakana mazamu. Tichaitei nehanzvadzi yakadai pazuva raanopfimbwa.
9
Dai kuri kuti madziro, taivaka chokuzvidzivira nacho muhondo chesirivha kana dai kuri kuti igonhi, taimuvakirira namapuranga esidha.
10
Ini ndiri chidziro, mazamu angu akaita seshongwe kwaari, ndiri chigadzanisa mwoyo.
11
Soromoni aiva nomunda wamagirepisi kuBharihamoni. Akaisako vanhu vokuuchengeta, mumwe nomumwe aifanira kuunza muchero unoita churu chemari yesirivha.
12
Asi munda wangu wemagirepisi ndowangu ini pachangu. Iwe Soromoni ungava zvako nechuru chemari yesirivha iyoyo vachengeti vayo vachiwana zvavo mazana maviri.
13
Iwe unogara mumapindu, shamwari dzangu dziri kuteerera izwi rako. Rega ndirinzwewo zvangu.
14
Mhanya mudiwa wangu uite semhara kana setsvana yemhene pamakomo etwokubikisa tunonhuwirira.
← Chapter 7
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8